1Samuel (10/31)  

1. Zvino Samueri akatora chinu chamafuta, akadurura pamusoro wake, akamutsvoda, akati, "Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiriri wavanhu venhaka yake?
2. "Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRakeri, pamuganho waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, `Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako,' vachiti `Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?'
3. Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhori; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini;
4. ivo vachakukwazisa, ndokukupa mapundu maviri ezvingwa; ugamuchire izvozvo pamaoko avo.
5. Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita;
6. "Ipapo Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba, ukaporofita pamwechete navo, ukashanduka ukava mumwe munhu.
7. Zvino kana zviratidzo izvi zvikaonekwa newe, uite chinhu chipi nechipi chaunoratidzwa kuti uchiite, nokuti Mwari anewe.
8. Zvino unditungamirire Girigari; tarira, ini ndichaburukira kwauri, kuti ndibayire zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa; unofanira kundimirira mazuva manomwe, kusvikira ndauya kwauri, ndikuratidze zvaunofanira kuita."
9. Zvino wakati atendeuka, obva kuna Samueri, Mwari akamupa mumwe moyo; zviratidzo izvo zvose zvikaitika nomusi iwoyo.
10. Vakati vachisvika pagomo, boka ravaporofita rikasangana naye; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akaporofita pakati pavo.
11. Zvino vose vaimuziva kare vakati vachiona izvozvo, kuti woporofita pamwechete navo, vanhu vakataurirana, vakati, "Chinyiko chawira mwanakomana waKishi? Sauro wava pakati pavaporofitawo here?"
12. Zvino mumwe wapo akapindura, akati, "Baba vavo ndianiko?" Naizvozvo yakazova shumo kuti, "Ko Sauro wava pakati pavaporofita here?"
13. Akati apedza kuporofita, akasvika padunhu rakakwirira.
14. Babamunini vaSauro vakati kwaari, nokumuranda wake, "Makanga maendepiko?" Akati, "Kundotsvaka mbongoro, asi takati tichiona kuti hadziwanikwi, tikaenda kuna Samueri."
15. Babamunini vaSauro vakati, "Dondiudzawo zvamakaudzwa naSamueri."
16. Ipapo Sauro akati kuna babamunini vake, "Wakatiudza pachena, kuti mbongoro dzatowanikwa hadzo." Asi haana kumuudza shoko roushe rakanga rataurwa naSamueri.
17. Zvino Samueri akakoka vanhu kuna Jehovha paMizipa,
18. akati kuvana vaIsiraeri, "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Ndakabudisa vana vaIsiraeri paljipiti, ndikakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko amadzimambo ose aikuremedzai;
19. asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu,' mukati kwaari, `Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata.' Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu."
20. Naizvozvo Samueri akaswededza marudzi ose aIsiraeri, rudzi rwaBhenjamini rukabatwa.
21. Akaswededza rudzi rwaBhenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatiri ikabatwa; ipapo Sauro mwanakomana waKishi akabatwa; asi vakati vomutsvaka, akashaikwa.
22. Naizvozvo vakabvunzazve Jehovha, vakati, "Iye munhu ari pano here?" Jehovha akapindura, akati, "Tarirai; wavanda pakati penhumbi."
23. Ipapo vakamhanya vakamutorapo; zvino wakati amira pakati pavanhu, akapfuura vanhu vose pakureba kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake.
24. Samueri akati kuvanhu vose, "Munoona wakatsaurwa naJehovha, kuti hakuna wakafanana naye pakati pavanhu vose here?" Vanhu vose vakadanidzira vachiti, "Mambo ngaararame."
25. Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake.
26. NaSaurowo wakaenda kumba kwake paGibhiya, uye varume vose voumhare vakanga vabayiwa moyo yavo naMwari vakaendawo naye.
27. Asi vamwe vakaisvoipa vakati, "Munhu uyu ungatiponesa seiko?" Vakamushora, vakasamuvigira zvipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.

  1Samuel (10/31)