| ← 1Peter (5/5) |
| 1. | Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwe chete navo nechapupu chamadambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti: |
| 2. | Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira fuma yakaipa; |
| 3. | musingaiti nesimba nezvamakagoverwa asi muve vatungamiriri veboka. |
| 4. | Kana Mufudzi mukuru achizovonekwa, muchawana korona yokubwinya isingasvavi. |
| 5. | Saizvozvo imi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kunomumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa. |
| 6. | Naizvozvo zvininipisei pasi poruvoko runesimba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; |
| 7. | kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai. |
| 8. | Svinurai, murinde; nokuti muvengi wenyu Dhiabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. |
| 9. | Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika. |
| 10. | Zvino Mwari wenyasha dzose, iye wakakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi munaJesu Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai. |
| 11. | Kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. |
| 12. | Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirivhano, hama yakatendeka pakufunga kwangu, ndichiraira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzazvokwadi dzaMwari; mirai madziri. |
| 13. | Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, naMarko, mwanakomana wangu, vanokukwazisai. |
| 14. | Kwazisanai nokusveta kworudo. Rugare ngaruve nemi mose muri munaKristu. |
| ← 1Peter (5/5) |