← 1Peter (4/5) → |
1. | Naizvozvo, Kristu zvaakatamburira isu panyama, nemi vo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega zvivi; |
2. | kuti panguva yakasara panyama arege kurarama nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari. |
3. | Nokuti nguva yakapfuvura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba novutere, nokuchiva, nokumwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira; |
4. | vanoshamiswa nechinhu ichi, kuti hamufambidzani navo pakusazvidzora kwavo uku kwakawanda, vachikureverai zvakaipa. |
5. | Ivo vachazvidavirira kunaiye wakazvigadzira kutonga vapenyu navakafa. |
6. | Nokuti nokuda kwaizvozvi Evhangeri yakaparidzirwa vakafa, kuti vatongwe havo panyama nomutovo wavanhu, asi vararame nomutovo waMwari pamweya. |
7. | Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwava pedo; naizvozvo ivai vakachenjera musvinure kuti munyengetere. |
8. | Zvikuru kunezvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji. |
9. | Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti. |
10. | Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari. |
11. | Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye unokubwinya nesimba nokusingaperi- peri. Ameni. |
12. | Vadikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakavuya kukuidzai, muchiti mawirwa nechisingazikanwi; |
13. | asi farai zvamunogovana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuvonekwa kwokubwinya kwake mufare vo nomufaro mukuru. |
14. | Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu; kwavari pakati pavo unotaurirwa zvakaipa asi pakati penyu unokudzwa. |
15. | nokuti kurege kuva nomumwe wenyu uchatambudzika nemhaka yokuti muvurayi, kana mbavha, kana unoita zvakaipa, kana usingaregi zvavamwe; |
16. | asi kana munhu achitambudzika nokuda kwokuti mukristu, ngaarege kunyadziswa; asi ngaakudze Mwari; nezita iri. |
17. | Nokuti nguva yasvika yokuti kutonga kutange paimba yaMwari zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwavasingatereri Evhangeri yaMwari kuchagoveiko? |
18. | Vuye kana zvichiremera wakarurama kuti aponeswe, ko uyo, usingadi Mwari, nomutadzi, vachagovonekwepi? |
19. | Naizvozvo naivo, vanotambudzika nokuda kwaMwari, ngavaise mweya yavo kuMusiki wakatendeka vachiita zvakanaka. |
← 1Peter (4/5) → |