1Peter (4/5)  

1. Naizvozvo, Kristu zvaakatamburira isu panyama, nemi vo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega zvivi;
2. kuti panguva yakasara panyama arege kurarama nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari.
3. Nokuti nguva yakapfuvura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba novutere, nokuchiva, nokumwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira;
4. vanoshamiswa nechinhu ichi, kuti hamufambidzani navo pakusazvidzora kwavo uku kwakawanda, vachikureverai zvakaipa.
5. Ivo vachazvidavirira kunaiye wakazvigadzira kutonga vapenyu navakafa.
6. Nokuti nokuda kwaizvozvi Evhangeri yakaparidzirwa vakafa, kuti vatongwe havo panyama nomutovo wavanhu, asi vararame nomutovo waMwari pamweya.
7. Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwava pedo; naizvozvo ivai vakachenjera musvinure kuti munyengetere.
8. Zvikuru kunezvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.
9. Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti.
10. Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.
11. Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye unokubwinya nesimba nokusingaperi- peri. Ameni.
12. Vadikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakavuya kukuidzai, muchiti mawirwa nechisingazikanwi;
13. asi farai zvamunogovana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuvonekwa kwokubwinya kwake mufare vo nomufaro mukuru.
14. Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu; kwavari pakati pavo unotaurirwa zvakaipa asi pakati penyu unokudzwa.
15. nokuti kurege kuva nomumwe wenyu uchatambudzika nemhaka yokuti muvurayi, kana mbavha, kana unoita zvakaipa, kana usingaregi zvavamwe;
16. asi kana munhu achitambudzika nokuda kwokuti mukristu, ngaarege kunyadziswa; asi ngaakudze Mwari; nezita iri.
17. Nokuti nguva yasvika yokuti kutonga kutange paimba yaMwari zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwavasingatereri Evhangeri yaMwari kuchagoveiko?
18. Vuye kana zvichiremera wakarurama kuti aponeswe, ko uyo, usingadi Mwari, nomutadzi, vachagovonekwepi?
19. Naizvozvo naivo, vanotambudzika nokuda kwaMwari, ngavaise mweya yavo kuMusiki wakatendeka vachiita zvakanaka.

  1Peter (4/5)