| 1Peter (1/5) → |
| 1. | Petro, muapostora waJesu Kristu, kunavakasanangurwa vari vaeni, vakapararira paPonto, neGaratia, neKapadhokia, neAsia, neBitinia, |
| 2. | vakasanangurwa nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, muvutsvene bwoMweya, kuti vaterere, vasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ngazviwanzwe kwamuri. |
| 3. | Mwari, Baba vaShe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, wakatibereka zve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inovuya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa, |
| 4. | kuti tive nenhaka isingavori, isinakusvibiswa, isingasvavi yamakachengeterwa kudenga, |
| 5. | imi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira. |
| 6. | Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiidzo mizhinji; |
| 7. | kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuvura ndarama inopera hayo, kunyange ichiidzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu; |
| 8. | iye wamunoda, kunyange musina kumuvona iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuvoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya; |
| 9. | muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu, |
| 10. | Ndirwo ruponeso rwomweya yenyu.Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita, zvenyasha dzamaizoitirwa imi, |
| 11. | vachinzvera kuti nguva ndeipi kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo. |
| 12. | Avo, vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi, pazvinhu izvo zvamakataurirwa zvino naivo vakakuparidzirai Evhangeri noMweya Mutsvene wakatumwa achibva kudenga; zvinhu izvo vatumwa vanoda kuzvicherekedza. |
| 13. | Saka zvisungei zvivuno zvendangarairo dzenyu, musvinure, mutarire nomoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu; |
| 14. | muve savana vanoterera, musingaenzanisi mufambire wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu; |
| 15. | asi saiye mutsvene wakakudanai, nemi vo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose; |
| 16. | nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene, |
| 17. | Zvino kana muchimuidza Baba, iye unotonga achitarira zvakaitwa nomumwe nomumwe asingatariri zvinovonekwa zvomunhu, garai panguva yovutorwa bwenyu muchitya; |
| 18. | muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinovora, nesirivheri kana ndarama, pamufambire wenyu usinamaturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu; |
| 19. | asi neropa raKristu, seregwaiana risina charingapomerwa, risinoruvara; |
| 20. | iye wakazikanwa kare, nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu, |
| 21. | imi, munotenda naye kunaMwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kunaMwari. |
| 22. | Zvamakanatsa mweya yenyu muchiterera zvokwadi Mumweya, kuti mude hama nokusanyengera, munofanira kudana zvikuru nomoyo wose; |
| 23. | nokuti makaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inovora, asi pane isingavori, neshoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi. |
| 24. | Nokuti, Nyama yose yakaita sovuswa, Nokunaka kwose seruva rovuswa, Vuswa bwunosvava, neruva rinowira pasi; |
| 25. | Asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.Ndireri shoko romufaro ramakaparidzirwa. |
| 1Peter (1/5) → |