1Kings (9/22)  

1. Zvino Soromoni wakati apedza kuvaka imba yaJehovha, neimba yamambo, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuita,
2. Jehovha akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibhiyoni.
3. Jehovha akati kwaari, "Ndakanzwa kunyengetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi pangu; ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomoyo wangu zvichavapo nguva dzose.
4. Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako Dhavhidhi nomoyo usinganyengeri, nokururama, ukaita zvose zvandakakuraira ukachengeta zvandatema nezvandatonga,
5. ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri,
6. Asi kana mukatsauka pakunditevera, imi kana vana venyu, mukasachengeta mirairo yangu nezvandatema zvandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira vamwe vamwari, mukanamata kwavari;
7. ipapo ndichaparadza Isiraeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, vaIsiraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose;
8. uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?'
9. Vachapindura, vachiti, Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakanga abudisa madzibaba avo munyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, nokuvashumira; saka Jehovha wakavapinza panjodzi idzi dzose.'
10. Makore ana makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehovha neimba yamambo;
11. (zvino Hiramu mambo weTire wakanga atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire.
12. Hiramu akabva Tire kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kumufadza.
13. Akati, "Maguta kunyiko awa awandipa, hama yangu?" Akatumidza nyika yeKabhuri kusvikira zuva ranhasi.
14. Hiramu akatumira mambo matarenda endarama ane zana namakumi maviri.
15. Zvino ndiro shoko rechibharo chakarairwa namambo Soromoni, kuzovaka imba yaJehovha, neimba yake, neMiro, norusvingo rweJerusaremu, neHazori, neMegidho, neGezeri.
16. Farao mambo weIjipiti wakanga andokunda Gezeri, akaripisa nomoto, akauraya vaKanani vakanga vagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni.
17. Soromoni akavaka Gezeri, neBhe- tihoroni rezasi,
18. naBharati, neTamari, murenje munyika iyo,
19. namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaaida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakanga yakabatwa naye.
20. Kuvanhu vose vakanga vasara vavaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi navaJebhusi, vakanga vasi vana vaIsiraeri;
21. navana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, ivo vana vaIsiraeri vakanga vasingagoni kuvaparadza chose kuna ivavo Soromoni wakaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.
22. Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vaiva varwi vake, navabatiri vake, namachinda ake, navakuru vake, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.
23. Ndivo vaiva vatariri vakuru vamabasa aSoromoni, vaiva namazana mashanu namakumi mashanu, vairairira vanhu vaibata basa.
24. Zvino mukunda waFarao wakabva kuguta raDhavhidhi, akaenda kuimba yake, yaakanga avakirwa naSoromoni; ipapo akavaka Miro.
25. Katatu pagore Soromoni waibayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamusoro pearitari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuwira pamwechete nazvo paaritari yakanga iri pamberi paJehovha. Naizvozvo akapedza imba.
26. Mambo Soromoni wakavakawo zvikepe zvizhinji paEZiyonigebheri, pedo neEroti, pamhenderekedzo yeGungwa Dzvuku, panyika yaEdhomu.
27. Hiramu akatuma nezvikepe izvo varanda vake, vaiva vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kwazvo, pamwechete navaranda vaSoromoni.
28. Vakasvika Ofiri, vakatorapo ndarama yakasvika matarenda ana mazana mana namakumi maviri vakauya nayo kuna mambo Soromoni.

  1Kings (9/22)