1Kings (8/22)  

1. Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
2. Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, ndiwo mwedzi wechinomwe.
3. Ipapo vakuru vose vaIsiraeri vakauya, vapirisiti vakasimudza areka.
4. Vakakwira neareka yaJehovha netende rokusangana, nemidziyo mitsvene yose yaiva muTende, vapirisiti navaRevhi vakakwira nayo.
5. Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo.
6. Ipapo vapirisiti vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi.
7. Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro.
8. Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo pangataura Jehovha; asi akanga asingawonekwi nechokunze; achiripo kusvikira nhasi.
9. Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mahwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMozisi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika
10. Zvino vapirisiti vakati vabuda panzvimbo tsvene, gore rikazadza imba yaJehovha,
11. naizvozvo vapirisiti vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha.
12. Ipapo Soromoni akati, "Jehovha wakati, ndinoda kugara mukati merima guru.
13. Zvirokwazvo, ndakakuvakirai imba pamungagara, nzvimbo mamungagara nokusingaperi."
14. Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri, ungano yose yaIsiraeri ikasimuka.
15. Akati, "Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti,
16. 'Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paIjipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; asi ndakatsaura Dhavhidhi abate vanhu vangu vaIsiraeri.' "
17. Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.
18. Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, "Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba.
19. Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba."
20. Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba.
21. Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti.
22. Zvino Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yalsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga,
23. akati, "Jehovha, Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari wakafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.
24. "Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.
25. Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, `Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.'
26. Naizvozvo zvino, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.
27. "Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!
28. Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera kwomuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi;
29. meso enyu arambe achirindira imba ino usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, `Zita rangu richagarapo;' inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino.
30. Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.
31. Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino,
32. inzwai iko kudenga, muite, mururamisire varanda venyu, mupe wakaipa mhosva, arohwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.
33. "Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino;
34. inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakapa madzibaba avo.
35. "Kana denga richinge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vakatendeuka pazvivi zvavo, nokuti munenge mavarova;
36. inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
37. "Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo;
38. kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo pake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;
39. inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire, muite, muripire mumwe nomumwe zvakafanira mufambiro wake wose, iye wamunoziva moyo wake; nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;
40. kuti vakutyei mazuva ose oupenyu hwavo panyika yamakapa madzibaba edu.
41. "Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu;
42. nokuti vachazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino;
43. inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
44. "Kana vanhu venyu vakandorwa navavengi vavo, vakaenda nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kuna Jehovha vakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu,
45. inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire.
46. "Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko avavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedo;
47. kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yavatapi vavo, vachiti, `Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;'
48. kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaurirwa nokuimba yandakavakira zita renyu.
49. "Inzwai henyu kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo iko kudenga kwamunogara, muvaruramisire ;
50. mu kanganwire vanhu venyu vakakutadzirai, nokudarika kwavo kwose, kwavakadarika nako kwamuri; muvawanise tsitsi kunavakavatapa, kuti vavanzwire nyasha;
51. nokuti ndivo vanhu venyu, nenhaka yenyu, yamakabudisa Ijipiti pakati pevira ramatare;
52. meso enyu ngaawone kukumbira kwomuranda wenyu, nokukumbira kwavanhu venyu vaIsiraeri, kuti muvanzwe nguva ipi neipi yavanochema kwamuri.
53. "Nokuti imi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMozisi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paIjipiti."
54. Zvino Soromoni wakati apedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga.
55. Akamira akaropafadza ungano yose yaIsiraeri nenzwi guru, akati,
56. "Jehovha ngaakudzwe, wakapa vanhu vake kuzorora, sezvaakatipa zvose; hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona, izvo zvaakatipikira nomuromo waMozisi muranda wake.
57. "Jehovha wedu ngaave nesu, sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirasha;
58. kuti arerekese moyo yedu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, tichengete mirairo yake, nezvaakatema, nezvaakatonga, izvo zvaakaraira madzibaba edu.
59. Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake vaIsiraeri, panodikanwa napo zuva rimwe nerimwe;
60. kuti vanhu vose venyika vazive kuti Jehovha ndiye Mwari, hakuna mumwe."
61. Naizvozvo moyo yenyu ive yakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wedu, mufambe pane zvaakatema, nokuchengeta mirairo yake, sezvamunoita nhasi.
62. Zvino mambo navalsiraeri vose pamwechete naye vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.
63. Soromoni akabayira zvipiriso zvokuyananisa, zvaakabayira Jehovha, nzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Naizvozvo mambo navana vaIsiraeri vose vakatsaurira Jehovha imba iyo.
64. Nomusi uyo mambo akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha, nokuti ndipo paakabayira chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, yakanga iri duku kwazvo, isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa.
65. Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo nguva iyo yose, navaIsiraeri vose pamwechete naye, vakaita ungano huru, kubva pavanopinda paHamati kusvikira parukova rweIjipiti, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe namazuva manomwezve ndiwo mazuva ane gumi namana.
66. Pazuva rorusere akaendisa vanhu, ivo vakatenda mambo, vakaenda kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa Dhavhidhi muranda wake naIsiraeri vanhu vake naJehovha.

  1Kings (8/22)