1Kings (7/22)  

1. Soromoni wakapedza makore gumi namatatu pakuvaka imba yake, akapedza imba yake yose.
2. Nokuti wakavaka imba nemiti yamatondo eRebhanoni; yakanga yakasvika makubhiti ane zana pakureba kwayo, namakubhiti makumi mashanu paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo; akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari, namatanda emisidhari pamusoro pembiru.
3. Yakanga yakafukidzwa namatanda emisidhari kumusoro, pamusoro pamakamuri aiva namakumi mana namashanu pamusoro pembiru, makamuri ane gumi namashanu pamusara mumwe.
4. Kwakanga kunemisara mitatu yamahwindo, hwindo rimwe rakatarisana nerimwe hwindo, pamitsara mitatu yakaturikidzana.
5. Magonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana akaenzana; hwindo rimwe rakanga rakatarisana nerimwe hwindo, pamitsara mitatu yakaturikidzana.
6. Akaita biravira rembiru; rakanga rakasvika makubhiti makumi mashanu pakureba kwaro, namakubhiti makumi matatu paupamhi hwaro, nebiravira pamberi padzo, nedzimwe mbiru namatanda makobvu pamberi padzo.
7. Akaitawo biravira rechigaro chake choushe, paangatonga mhaka, iro biravira rokutonga; iro rakanga rakafukidzwa namapuranga omusidhari kubva paguva kusvikira padenga.
8. Neimba yake yokugara, kuno rumwe ruvazhe mukati mebiravira, yakanga yakaitwa saizvozvo. Akaitirawo mukunda waFarao imba, (waakanga awana iye Soromoni,) yakanga yakafanana nebiravira iro.
9. Idzi dzose dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, ari mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, akachekwa namajeko mukati nokunze, kubva panheyo kusvikira kumusoro, nokunzewo kusvikira kuruvazhe rukuru.
10. Nheyo dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, mabwe makuru, mabwe akasvika makubhiti ane gumi, namabwe akasvika makubhiti masere.
11. Kumusoro kwakanga kuna mabwe anokosha, mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, namapuranga omusidhari.
12. Ruvazhe rukuru rwakanga rwakapoteredza, rwakanga rune misara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara mumwe wamatanda omusidhari; rwakanga rwakafanana noruvazhe rwomukati rweimba yaJehovha, nebiravira reimba.
13. Zvino mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu paTire.
14. lye wakanga ari mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafitari; baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakanga akangwara kwazvo ane njere noumhizha kubata mabasa ose endarira. Akauya kuna mambo Soromoni, akabata mabasa ake ose.
15. Nokuti wakaumba mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakasvika makubhiti ane gumi namasere pakureba; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakapoteredza mbiru imwe neimwe.
16. Akaumbawo misoro miviri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamusoro pembiru; musoro mumwe wakasvika makubhiti mashanu pakureba, nomumwe musoro makubhiti mashanuwo pakureba.
17. Misoro, yaiva pamusoro pembiru, yakanga ine mimbure yakarukwa yendarira, nezvishongo zvamaketani; minomwe yomusoro mumwe, neminomwe yomumwe musorozve.
18. Akaitawo matamba, kwakanga kune misara miviri yakapoteredza pamusoro pomumbure mumwe, kufukidza misoro yakanga iri pamusoro pembiru, akaitira mumwe musoro saizvozvo.
19. Misoro, yaiva pamusoro pembiru pabiravira, yakanga ina maruva amahapa akavezwa, akasvika makubhiti mana.
20. Kumusoro kwakanga kune misorowo pamusoro pembiru mbiri, pedo nedumbu rakanga riri parutivi rwomumbure wakarukwa; namatamba akanga ana mazana maviri, akaita mitsara yakapoteredza pamusoro pomumwe musoro.
21. Zvino akamisa mbiru pabiravira retemberi, akamisa mbiru yorudyi, akatumidza zita rayo Jakini; akamisa mbiru yoruboshwe, akatumidza zita rayo Bhoazi.
22. Pamusoro pembiru pakanga pane zvishongo zvamaruva amahapa, naizvozvo basa rapambiru rakapera.
23. Zvino akaita dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; kukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti makumi matatu rwakaripoteredza.
24. Pasi pomuromo waro pakanga panamafundo akaripoteredza, akanga ane gumi pakubhiti rimwe nerimwe, aipoteredza dziva; mafundo akaita misara miviri, akaumbwa pamwechete naro.
25. Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwa mavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, uye nhatu kurutivi rwamabvazuva, dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.
26. Ukobvu hwaro hwaiva soupamhi hwechanza, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa, mukati maro maipinda mabhati ane zviuru zviviri.
27. Akaitawo zvingoro zvine gumi zvendarira; chingoro chimwe nechimwe chaisvika makubhiti mana pakureba, namakubhiti mana paupamhi, namakubhiti matatu pakukwirira.
28. Zvingoro zvakanga zvakaitwa kudai: Zvaiva noukomba, ukomba uhwo hwakakombwa nemidengerero.
29. Paukomba uhwo pakati pemidengerero paiva neshumba, nenzombe, namakerubhi; pamusoro pemidengerero pakanga pakadarowo; pasi peshumba nenzombe paiva nezvishongo zvakarembera.
30. Chingoro chimwe nechimwe chaiva namakumbo mana endarira nezvokumonerekerapo zvendarira, makumbo acho mana aiva nezvitsigiro; zvitsigiro izvo zvakanga zvakaumbirwa pasi pomudziyo wokushambidzira, nezvishongo kurutivi rumwe norumwe.
31. Muromo wawo pakati pomusoro nokumusoro kwawo wakasvika kubhiti rimwe; muromo wawo wakanga wakatenderera, wakafanana nechigadziko, kubhiti rimwe nehafu; pamuromo wawo paiva nezvakanyorwa, asi ukomba hwawo hwaiva namativi mana akaenzana, zvisina kutenderera.
32. Makumbo mana akanga ari pasi poukomba, uye zvokubatisa makumbo zvaiva pangoro; gumbo rimwe nerimwe rakasvika kubhiti rimwe nehafu pakukwirira kwaro.
33. Makumbo akanga akafanana namakumbo engoro; zvokubatisa makumbo, namafero, namasipoki, namaneivhi zvakanga zvakaumbwa zvose.
34. Paiva nezvitsigiro zvina pamakona mana echingoro chimwe nechimwe; zvitsigiro zvaiva zvimwe nengoro imene.
35. Pamusoro pechingoro paiva nechitenderere chakasvika hafu yekubhiti pakukwirira uye pamusoro pengoro zvitsigiro zvayo nohukomba hwayo zvaiva zvimwe.
36. Panhivi dzezvitsigiro zvayo, uye paukomba hwayo akaveza makerubhi neshumba, nemiti yemichindwe pazvakaringana, nezvishongo kunhivi dzose.
37. Akaita zvingoro zvine gumi saizvozvo; zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa nokuenzana, nomufananidzo mumwe.
38. Akaita midziyo yokushambidzira ine gumi; mudziyo mumwe nomumwe waipinda mabhati makumi mana emvura; mudziyo mumwe nomumwe wakasvika makubhiti mana; pangoro dzose gumi pakanga pane mudziyo pangoro imwe neimwe.
39. Akaisa zvingoro, zvishanu kurutivi rworudyi rweimba, uye zvishanu kurutivi rworuboshwe rweimba; akagadzika dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva nechezasi.
40. Hiramu akaita midziyo yokushambidzira, nefoshoro, nembiya. Naizvozvo Hiramu akapedza mabasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehovha;
41. zvaiti: Mbiru mbiri, nembiya mbiri dzemisoro miviri, yaiva pamisoro yembiru; uye mimbure miviri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miviri yaiva pamusoro pembiru;
42. namatamba ana mazana mana emimbure miviri, misara miviri yamatamba pamumbure mumwe nomumwe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yaiva pamusoro pembiru;
43. nezvingoro zvine gumi, nemidziyo yokushambidzira ine gumi pamusoro pezvingoro;
44. nedziva rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziva;
45. nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHiramu mumba maJehovha, dzakanga dzakaitwa nendarira yakabwinyiswa.
46. Mambo akadziumba pabani raJorodhani, pakati peSukoti neZaretani, paiva nevhu rokuumba.
47. Soromoni haana kuyera nhumbi dzose, nokuti dzaiva zhinji kwazvo; vakanga vasingagoni kuverenga kurema kwendarira.
48. Soromoni akaita nhumbi dzose dzaiva mumba maJehovha, dzaiti: Aritari yendarama, netafura yendarama paiva nezvingwa zvokuratidza;
49. nemwenje yendarama yakaisvonaka, mishanu kurutivi rworudyi, nemishanu kurutivi rworuboshwe, pamberi pangataura Jehovha; namaruva, nemwenje, nembato dzendarama;
50. nemikombe, nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvomoto zvendarama yakaisvonaka; nezvibato zvamagonhi zvendarama, zvamagonhi eimba yomukati, iyo nzvimbo tsvenetsvene, nezvamagonhi eimba, iyo temberi.
51. Naizvozvo basa rose, rakaitwa namambo Soromoni paimba yaJehovha, rakapera. Soromoni akaisawo nhumbi dzakanga dzatsaurirwa Mwari naDhavhidhi baba vake, sirivha, nendarama, nemidziyo, akadziisa padzimba dzokuchengeta fuma dzeimba yaJehovha.

  1Kings (7/22)