1Kings (22/22)    

1. Zvino vakagara makore matatu kusino kurwa pakati pavaSiria navaIsiraeri.
2. Zvino negore rechitatu Jehoshafati mambo waJudha wakaburukira kuna mambo waIsiraeri.
3. Ipapo mambo waIsiraeri akati kuvaranda vake, "Munoziva here kuti RamotiGiriyadhi nderedu? Asi isu tigere hedu tinyerere, tisingaritori kuna mambo weSiria."
4. Akati kuna Jehoshafati, "Uchaenda neni kundorwa neRamotiGiriyadhi here?" Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, "Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako."
5. Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, "Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi."
6. Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, vanenge varume vaiva namazana mana, akati kwavari, "Ndiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege?" Ivo vakati, "Endai, nokuti Ishe uchariisa mumaoko amambo."
7. Asi Jehoshafati akati, "Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?"
8. Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Mumwe murume uchiriko, Mikaya mwanakomana waImira, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa." Jehoshafati akati, "Mambo ngaarege kudaro."
9. Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, "Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira."
10. Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vakafuka nguvo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.
11. Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, "Zvanzi naJehovha, `Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.'
12. Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, "Endai Ramotigiteadhi, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo."
13. Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, "Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka."
14. Ipapo Mikaya akati, "NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naJehovha kwandiri, ndizvo zvandichataura."
15. Zvino wakati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, "Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana tirege?" Akapindura, akati, "Endai henyu, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo."
16. Mambo akati kwaari, "Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?"
17. Iye akati, "Ndaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi, Jehovha akati, Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.'
18. Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Handina kukuudza here? Kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?"
19. Mikaya akati, "Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire naye kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.'
20. Ipapo Jehovha akati, "Ndianiko uchandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi?" Zvino mumwe akati zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
21. Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, "Ini ndichandomunyengera."
22. Jehovha akati kwauri, "Neiko?" Iwo ukati, "Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose." Iye akati, "Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, undoita saizvozvo."
23. Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha wakaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu.
24. Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, "Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?"
25. Mikaya akati, "Uchazviona musi uyo wauchandovanda mukamuri yomukati."
26. Ipapo mambo waIsiraeri akati, "Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo,
27. muti, 'Zvanzi namambo, pinzai munhu uyu mutorongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.'
28. Ipapo Mikaya akati, "Kana mukadzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni." Akati, "Inzwai, imi vanhu, imi mose."
29. Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi.
30. Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzangu dzoushe." Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
31. Zvino mambo weSiria wakanga araira vatariri vengoro dzake, vana makumi matatu navaviri, akati, "Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga."
32. Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, "Zvirokwazvo ndiye mambo waIsiraeri." Vakatsaukira kundorwa naye; zvino Jehoshafati akaridza mhere.
33. Ipapo vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.
34. Zvino mumwe murume akahwembura uta hwake asingashumbi, hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo, ipapo mambo akati kumufambisi wengoro yake, "Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo."
35. Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; mambo akatsigirwa mungoro yake pakurwa navaSiria, akafa madekwana; ropa rikabuda pavanga rikaerera mukati mengoro.
36. Zvino zuva rakati rovira mhere ikanzwika pahondo yose, ichiti, "Mumwe nomumwe ngaadzokere kuguta rake, mumwe nomumwe kunyika yake."
37. Naizvozvo mambo akafa, akaiswa Samaria, vakaviga mambo paSamaria.
38. Vakasuka ngoro padziva reSamaria, imbwa dzikananzva ropa rake, (ndipo paishamba zvifeve); sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha.
39. Zvino mamwe mabasa aAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, namaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
40. Naizvozvo Ahabhi akavata namadzibaba ake, Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
41. Zvino Jehoshafati mwanakomana waAsa, wakatanga kubata ushe hwaJudha negore rechina raAhabhi mambo waIsiraeri.
42. Jehoshafati wakanga ava namakore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata makore makumi maviri namashanu paJerusaremu. Zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi.
43. Akafamba panzira dzose dzababa vake Asa; haana kutsauka padziri, asi wakaita zvakarurama pamberi paJehovha; kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachingobayira nokupisira zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
44. Jehoshafati akayanana namambo waIsiraeri.
45. Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, nesimba rakaonekwa kwaari, nokurwa kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
46. VaSodhomiwo vakanga vasiyiwa pamazuva aAsa baba vake, akavabvisawo panyika.
47. Asi paEdhomu pakanga pasina mambo mumwe wakanga achibata panzvimbo yamambo.
48. Jehoshafati akavaka zvikepe zveTarishishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi hazvina kuenda, nokuti zvikepe zvakaputsika paEZiyonigebheri.
49. Zvino Ahazia mwanakomana waAhabhi akati kuna Jehoshafati, "Varanda vangu ngavaende navaranda vako nezvikepe." Asi Jehoshafati wakaramba.
50. Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake, Jehorami mwanakomana wake akamutevera paushe.
51. Ahazia mwanakomana waAhabhi, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria pagore regumi namanomwe raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri.
52. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Isiraeri.
53. Nokuti wakashumira Bhaari, akanamata kwaari, akatsamwisa Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvakaita baba vake pazvose.

  1Kings (22/22)