1Kings (21/22)  

1. Zvino shure kwaizvozvo Nabhoti muJezereeri wakanga anomunda wemizambiringa, waiva paJezereeri pedo neimba youshe yaAhabhi mambo weSamaria.
2. Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, "Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nokuti uri pedo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemizambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo."
3. Ipapo Nabhoti akati kuna Ahabhi, "Jehovha ngaandidzivise, ndirege kukupai nhaka yamadzibaba angu."
4. ipapo Ahabhi akapinda mumba make, avora moyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereeri, nokuti iye wakanga ati, "Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu." Akavata panhovo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya.
5. Zvino Izebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, "moyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?"
6. Iye akati kwaari, "Nokuti ndakataura naNabhoti muJezereeri, ndikati kwaari, `Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa panzvimbo yawo,' iye akapindura, akati, `Handingakupiyi munda wangu wemizambiringa.' "
7. Zvino Izebheri makadzi wake akati kwaari, "Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, moyo wenyu ufare, nokuti ini ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri."
8. Naizvozvo akanyora mwadhi nezita raAhabhi, akadzisimbisa nechisimbiso chake, akatuma mwadhi idzo kuvakuru, nokumachinda, vaiva muguta rake, vakanga vagere naNabhoti.
9. Akanyora pamwadhi idzo, achiti, "Tarirai musi wokuzvinyima zvokudya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu.
10. Mugoraira vanhu vaviri vakaisvoipa vamire pamberi pake, vamupupurire, vachiti, `Iwe wakatuka Mwari namambo.' Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabwe, afe."
11. Ipapo varume veguta rake, ivo vakuru namachinda, vakanga vagere muguta rake, vakaita sezvakarairwa naIzebheri, sezvakanyorwa pamwadhi dzavakanga vatumirwa naye.
12. Vakatara zuva rokuzvinyima zvokudya, vakakudza Nabhoti pakati pavanhu.
13. Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, "Nabhoti wakatuka Mwari namambo." Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa.
14. Ipapo vakatuma shoko kuna Izebheri, vakati, "Nabhoti watakwa namabwe, wafa."
15. Zvino Izebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Izebheri akati kunaAhabhi, "Simukai, mundozvitorera munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nokuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa."
16. Zvino Ahabhi wakati achinzwa kuti Nabhoti wafa, akasimuka, akaburuka kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, kundozvitorera iwo.
17. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,
18. " Simuka, buruka undosangana naAhabhi mambo waIsiraeri, unogara Samaria; uchamuwana ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaburukira kundozvitorera iwo.
19. "Umuudze, uti, `Zvanzi naJehovha, Wauraya, zvino watorawo here?' Zvino umuudzewo, uti, `Zvanzi naJehovha, Apo pakananzva imbwa ropa raNabhoti, ndipo padzichananzva ropa rakowo.' "
20. Ahabhi akati kuna Eria, "Wandiwana, iwe muvengi wangu here?" Akapindura, akati, "Ndakuwana; nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.
21. Tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pako, ndichakutsvaira chose, ubve, ndichaparadza vanakomana vose vaAhabhi, vaduku navakuru kuvaIsiraeri.
22. Imba yako ndichaiita seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, neimba yaBhaasha mwanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamwisa iwe, ukatadzisa Isiraeri.
23. Uye Jehovha akataura pamusoro paIzebheri, akati, 'Imbwa dzichadya Izebheri parusvingo rweJezereeri.'
24. Ani naani waAhabhi, unofira muguta, uchadyiwa nembwa, Ani naani, unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzekudenga."
25. (Asi hakuna munhu wakafanana naAhabhi, wakazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naIzebheri mukadzi wake.
26. Akaita zvakanyangadza kwazvo, nokuti wakatevera zvifananidzo netsika dzose dzavaAmori, ivo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri).
27. Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguvo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akazvinyima zvokudya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba.
28. Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,
29. "Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake."

  1Kings (21/22)