1Kings (20/22)  

1. Zvino Bhenihadhadhi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiva namadzimambo ana makumi matatu ana maviri, namabhiza, nengoro pamwechete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.
2. Akatuma nhume kuna Ahabhi, mambo waIsiraeri, mukati meguta, akati kwaari, "Zvanzi naBhenihadhadhi
3. Sirivha yako nendarama yako ndezvangu, navakadzi vako navana vako vakanaka ndavangu.' "
4. Mambo waIsiraeri akapindura, akati, "Ndizvo hazvo zvamareva, ishe wangu mambo; ndiri wenyu, nezvose zvandinazvo."
5. Nhume dzikadzoka, dzikati, "Zvanzi naBhenihadhadhi, `Ndakatuma shoko kwauri,' ndikati, `Unofanira kundipa sirivha yako nendarama yako, navakadzi vako navana vako;
6. asi ndichatuma varanda vangu kwauri mangwana nenguva ino; ivo vachanzvera imba yako, nedzimba dzavaranda vako; zvino, zvose zvinofadza meso ako vachazvitora namaoko avo, ndokuenda nazvo.' "
7. Ipapo mambo waIsiraeri wakadana vakuru vose venyika, akati, "Cherekedzai, muvone, kuti munhu uyu unotsvaka kutiitira zvakaipa; nokuti wakatuma shoko kwandiri, achiti uchatora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu nendarama yangu, ndikasamurambira chinhu."
8. Ipapo vakuru vose navanhu vose vakati kwaari, "Regai kumuteerera, kana kumutenda."
9. Naizvozvo akati kunhume dzaBhenihadhadhi, "Udzai ishe wangu mambo, muti, `Zvose zvakazivisa muranda wenyu pakutanga, ndichazviita; asi chinhu ichi handingagoni kuchiita.' " Nhume dzikaenda, dzikadzokera kwaari nemhinduro.
10. Ipapo Bhenihadhadhi akatuma shoko kwaari akati, "Vamwari ngavandirove, varambe vachidaro, kana guruva reSamaria rikagona kuringana kuti vanhu vose vanonditevera vatsamure tsama namaoko avo."
11. Mambo waIsiraeri akapindura, akati, "Muudzei muti, `Unoshonga nhumbi dzake dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza saiye wodzibvisa.' "
12. Zvino iye wakati achinzwa shoko iro ari pakunwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuvaranda vake, "Rongedzai!" Ivo vakarongedza kundorwa neguta.
13. Zvino mumwe muporofita akaswedera kuna Ahabhi mambo waIsiraeri, akati, "Zvanzi naJehovha, `Waona vanhu ava vazhinji here? Tarira, ndichavapa mumaoko ako nhasi, ugoziva kuti ndini Jehovha.' "
14. Ahabhi akati, "Naniko?" Iye akati, "Zvanzi naJehovha, `Namajaya amachinda amativi enyika.' " Iye akati, "Ndianiko unofanira kuvamba kurwa?" Akapindura akati, "Iwe!"
15. Ipapo akaverenga majaya amachinda amativi enyika, vakasvika mazana maviri namakumi matatu namaviri; zvino akaverenga vanhu vose, ivo vana vaIsiraeri vose, vakasvika zviuru zvinomwe.
16. Vakasimuka masikati makuru. Zvino Bhenihadhadhi wakanga ari pakunwa pamisasa, akabatwa, iye namadzimambo, iwo madzimambo makumi matatu namaviri akanga achimubatsira.
17. Zvino majaya amachinda amativi enyika akatanga kutungamira Bhenihadhadhi akatuma nhume, vakamuudza, vachiti, "Kuna varume vanobuda Samaria."
18. Iye akati, "Kunyange vabuda vachitsvaka rugare, muvabate vari vapenyu, kunyange vabuda vachitsvaka kurwa, muvabate vari vapenyu."
19. Naizvozvo vakabuda muguta, iwo majaya amachinda amativi enyika nehondo yakavatevera.
20. Mumwe nomumwe akauraya munhu wake, vaSiria vakatiza, vaIsiraeri vakavateverera; naBhenihadhadhi mambo weSiria akatiza, akatasva bhiza ana vamwe vakanga vakatasva mabhiza.
21. Ipapo mambo waIsiraeri akabuda, akaparadza mabhiza nengoro, akauraya vaSiria vazhinji-zhinji.
22. Zvino muporofita akaswedera kuna mambo waIsiraeri, akati kwaari, "Enda undozvisimbisa, uchenjere, ufunge zvakanaka zvaunofanira kuita; nokuti kana gore rapera mambo weSiria uchauya kuzorwa newe."
23. Zvino varanda vamambo weSiria vakati kwaari, "Mwari wavo ndimwari wamakomo, nemhaka iyo vakatikunda; asi ngatirwe navo pabani, ipapo zvirokwazvo tichavakunda.
24. Naizvozvo itai chinhu ichi, Mubvise madzimambo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, mugoisa vatariri vehondo panzvimbo yavo;
25. mugozviunganidzira hondo yakafanana nehondo yamakarashikirwa nayo, bhiza panzvimbo yebhiza, nengoro panzvimbo yengoro, tirwe navo pabani; zvirokwazvo tichavakunda." Iye akateerera inzwi ravo, akaita saizvozvo.
26. Pakupera kwegore Bhenihadhadhi akaunganidza vaSiria, akaenda Afeki kundorwa navaIsiraeri.
27. Vana vaIsiraeri vakaunganidzwawo, vakapiwa mbuva, vakandorwa navo; vana vaIsiraeri vakadzika matende avo pakatarisana navo, vakafanana namapoka maduku maviri embudzi, asi vaSiria vakanga vakazadza nyika.
28. Zvino munhu waMwari akaswedera, akataura kuna mambo waIsiraeri, akati, "Zvanzi naJehovha, `VaSiria zvavakati, Jehovha ndimwari wamakomo, asi haazi mwari wamapani, naizvozvo ndichapa vanhu avo vose mumaoko ako, vazive kuti ini ndiri Jehovha.' "
29. Zvino vakagara pamisasa vakatarisana mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe vakasangana vakarwa, vana vaIsiraeri vakauraya vaSiria vaifamba namakumbo vane zviuru zvine zana nomusi mumwe.
30. Asi vamwe vakatizira muguta reAfeki, rusvingo ndokuwira pamusoro pavarume vane zviuru zvina makumi maviri nezvinomwe vakanga vasara. NaBhenihadhadhi akatizawo, akasvika muguta, akapinda mukamuri yomukati.
31. Ipapo varanda vake vakati kwaari, "Tarirai zvino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsiraeri madzimambo ane nyasha; zvino ngatisunge magumbu pazviuno zvedu namakavi pamisoro yedu, tibudire kuna mambo waIsiraeri; zvimwe uchakuregai muri vapenyu."
32. Naizvozvo vakasunga magumbu pazviuno zvavo, namakavi pamisoro yavo, vakaenda kuna mambo waIsiraeri, vakati, "Zvanzi nomuranda wenyu Bhenihadhadhi, `Ndinokumbira kuti murege kundiuraya henyu.' " Akati, "Uchiri mupenyu here? Iye ihama yangu."
33. Zvino varume avo vakacherekedza kwazvo, vakakurumidza kugamuchira shoko iro kwaari, vakati, "Hoyo, Bhenihadhadhi hama yenyu." Ipapo iye akati, "Endai, mumutore." Bhenihadhadhi akabudira kwaari, akamukwidza pangoro.
34. Zvino Bhenihadhadhi akati kwaari, "Ndichadzosa maguta akatorerwa baba vako nababa vangu; ungazviitira migwagwa muDhamasiko, sezvakaita baba vangu paSamaria." Ahabhi akati, "Ini ndichakutendera kuenda nokuda kwesungano iyi." Naizvozvo akaita sungano naye, akamutendera kuenda.
35. Zvino mumwe murume wavana vavapomfita akati kushamwari yake arairwa naJehovha, "Ndirove hako." Murume akaramba kumurova.
36. Ipapo akati kwaari, "Zvausina kuteerera inzwi raJehovha, tarira, uchaurawa neshumba kana uchangobva kwandiri." Zvino wakati achangobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuuraya.
37. Zvino akawanazve mumwe murume, akati, "Ndirove hako." Murume uyo akamurova, akamukuvadza kwazvo.
38. Naizvozvo muporofita akabva, akandomirira mambo panzira, akazvishandura nomucheka waakanga asunga kumeso kwake.
39. Zvino mambo wakati achipfuura, akadanidzira kuna mambo, akati, "Muranda wenyu wakanga apinda pakati pokurwa, ndikaona munhu achitsauka, akauya kwandiri nomumwe murume, akati, `Rinda munhu uyu; kana akatongoshaikwa, upenyu hwake huchatsihwa noupenyu hwako; kana izvo zvikakona, uchafanira kuripa netarenda resirivha.' "
40. Zvino muranda wenyu wakati achibatabata hake pano napapo, iye akanyangarika. Mambo waIsiraeri akati kwaari, "Ndizvo zvauchatongerwa, wazvitonga umene."
41. Akakurumidza kubvisa mucheka kumeso kwake, mambo walsiraeri akamuziva kuti ndomumwe wavaporofita.
42. Iye akati kwaari, "Zvanzi naJehovha, `Zvawatendera munhu kupukunyuka pamaoko ako, iye wakanga atukwa neni kuti aparadzwe, naizvozvo upenyu hwake hwuchatsihwa noupenyu hwako, uye vanhu vake vachatsihwa navanhu vako.' "
43. Mambo waIsiraeri akaenda kumba kwake awora moyo ane shungu, ndokusvika paSamaria.

  1Kings (20/22)