1Kings (2/22)  

1. Zvino mazuva aDhavhidhi okufa kwake akaswedera, akaraira Soromoni mwanakomana wake, akati,
2. "Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naizvozvo iva nesimba, uve murume chaiye.
3. Chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, nezvipupuriro zvake, sezvazvakanyorwa pamurayiro waMozisi, kuti ufare pazvose zvaunoita, uye kwose kwaunoenda.
4. Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, `Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nezvokwadi nomoyo wavo wose uye nomweya wavo wose, (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.'
5. "Uye unozivawo zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, izvo zvaakaitira vakuru vaviri vehondo dzaIsiraeri, vanaAbhineri mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya, akateura panguva yorugare ropa raifanira kuteurwa panguva yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabhanhire rakanga riri pachiuno chake, nomushangu dzake dzakanga dziri patsoka dzake.
6. Naizvozvo ita nokuziva kwako, urege kutendera musoro wake wachena kuburukira muhwiro norugare.
7. "Asi vanakomana vaBharizirai muGiriyadhi, uvaitire unyoro, vave pakati paivo vanodya patafura yako; nokuti vakauya kwandiri saizvozvo panguva yandakatiza pamberi paAbhusaromu mukuru wako.
8. "Tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini weBhahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuva randakanga ndichienda Mahanaimi; asi wakazouya akasangana neni paJorodhani, ndikamupikira naJehovha, ndikati, `Handingakuurayi nomunondo.'
9. Asi zvino usamurega ave somunhu usine mhosva, nokuti iwe uri munhu wakachenjera; uchaziva hako zvaunofanira kumuitira, unofanira kuburusira musoro wake wachena muhwiro neropa."
10. Dhavhidi akazovata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi.
11. Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; akabata paHebhuroni makore manomwe, uye akabata paJerusaremu makore makumi matatu namatatu.
12. Zvino Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi; ushe hwake hukasimba kwazvo.
13. Ipapo Adhonia mwanakomana waHagiti, akasvika kuna Bhati-shebha mai vaSoromoni. Ivo vakati, "Unouya norugare here?" Iye akati, "Hongu, norugare."
14. Akatizve, "Ndine chimwe chandinoda kukuudzai." Ivo vakati, "Taura hako."
15. Akati, "Munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, meso avalsiraeri vose ainditarira, kuti ndive mambo; asi ushe hwakashandurwa, hukazova hwomunun’una wangu, nokuti hwakanga huri hwake nokuda kwaJehovha.
16. Zvino ndinokumbira chinhu chimwe choga kwamuri; musandirambira henyu chinhu icho." Ivo vakati kwaari, "Taura hako."
17. Akati, "Dotauriranai henyu namambo Soromoni, nokuti haangakurambiriyi chinhu, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu."
18. Bhati-shebha akati, "Ndizvo hazvo, ndichakurevera kuna mambo."
19. Naizvozvo Bhati-shebha akaenda kuna mambo Soromoni kundorevera Adhonia. Mambo akasimuka kuzosangana naye, akakotama pamberi pake, akagara pachigaro choushe, akaraira kuti chigaro choushe chigadzirirwe mai vamambo; ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.
20. Ipapo vakati, "Ndinokumbira kwauri chinhu chiduku; usandirambira hako chinhu ichi." Mambo akati kwavari, "Kumbirai henyu, mai vangu, nokuti handingakurambiriyi icho."
21. Vakati, "Adhonia mukuru wako ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake."
22. Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kuna mai vake, "Munokumbirira Adhonia Abhishagi muShunami neiko? Mumukumbirireiwo ushe, nokuti ndiye mukuru wangu; mumukumbirirei iye, naAbhiatari mupirisiti, naJoabhu mwanakomana waZeruya."
23. Ipapo mambo Soromoni akapika naJehovha, akati, "Mwari ngaandirove, arambe achidaro, Adhonia ucharipira shoko iri noupenyu hwake.
24. Naizvozvo zvino, naJehovha mupenyu, iye wakandisimbisa, akandigadza pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandimutsira imba sezvaakandipikira, zvirokwazvo Adhonia uchaurawa nhasi."
25. Ipapo mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuvamba akamuuraya.
26. Mambo akati kuna Abhiatari mupirisiti, "Enda Anatoti kunyika yako, nokuti waifanira kufa; asi handingakuurayi nhasi, nokuti wakambotakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi, uye nokuti wakatambudzika pamwechete nababa vangu pakutambudzika kwavo kwose."
27. Naizvozvo Soromoni akadzinga Abhiatari, kuti arege kuva mupirisiti pamberi paJehovha; kuti aite shoko raJehovha, raakanga ataura pamusoro peimba yaEri paShiro.
28. Zvino shoko iro rikasvika kuna Joabhu, nokuti Joabhu wakanga atevera Adhonia, kunyange asina kutevera Abhusaromu. Joabhu akatizira kuTende raJehovha, akandobata nyanga dzeatari.
29. Ipapo mambo Soromoni akaudzwa, zvichinzi, "Joabhu watizira kuTende raJehovha, tarirai, ari paatari." Ipapo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akati, "Enda undomuvamba."
30. Bhenaya akaenda kuTende raJehovha, akati kwaari, "Zvanzi namambo, `Budai!' " Iye akati, "Kwete, ndichafira pano hangu." Bhenaya akaudza mambozve, akati, "Ndizvo zvataura Joabhu, ndizvo zvaandipindura."
31. Ipapo mambo akati kwaari, "Ita sezvaataura, umuvambe, ugomuviga; kuti ubvise kwandiri napaimba yababa vangu ropa rakateurwa naJoabhu rakanga risine mhosva.
32. Jehovha uchadzosera ropa rake pamusoro wake, nokuti wakauraya vanhu vaviri vakanga vakamupfuura pakururama nokunaka, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, iye Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, mukuru wehondo yaJudha.
33. Naizvozvo ropa ravo richadzokera pamusoro waJoabhu napamisoro yorudzi rwake nokusingaperi; asi rugare runobva kuna Jehovha ruchava naDhavhidhi, norudzi rwake, neimba yake, nechigaro chake choushe nokusingaperi."
34. Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akaenda, akamuvamba, ndokuuraya; akavigwa mumba make murenje.
35. Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, panzvimbo yake ave mukuru wehondo; mambo akagadzawo Zadhoki ave mupirisiti panzvimbo yaAbhiatari.
36. Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, "Uzvivakire imba paJerusaremu, ugarepo, usabvapo uchienda kumwe.
37. Nokuti nomusi waunobuda nawo, ukayambuka rukova Kidhironi, uzive kwazvo kuti uchaurawa zvirokwazvo; ropa rako richava pamusoro wako."
38. Ipapo Shimei akati kuna mambo, "Ishoko rakanaka; muranda wenyu uchaita sezvakarehwa nashe wangu mambo." Shimei akagara mazuva mazhinji paJerusaremu.
39. Zvino makore matatu akati apfuura, varanda vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati. Vakaudza Shimei, vachiti, "Tarira varanda vako vari Gati."
40. Ipapo Shimei akasimuka, akasungira chigaro pambongoro yake, akaenda Gati kuna Akishi, kundotsvaka varanda vake; Shimei akatora varanda vake Gati.
41. Zvino Soromoni akaudzwa kuti Shimei wakanga abuda Jerusaremu, akaenda Gati, akadzokazve.
42. Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, "Handina kukupikisa naJehovha here, ndikakunyevera, ndichiti, `Uzive kwazvo kuti nomusi waunobuda nawo, ukafamba kumwe, uchaurawa zvirokwazvo?' Iwe ukati kwandiri, `Shoko randanzwa rakanaka.'
43. Zvino wakaregereiko kuchengeta mhiko yawakapika kuna Jehovha, nomurayiro wandakakuraira?"
44. Mambo akatiwo kuna Shimei, "Iwe unoziva kwazvo zvakaipa zvose zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi; naizvozvo Jehovha uchadzosera zvakaipa zvako pamusoro wako.
45. Asi mambo Soromoni ucharopafadzwa, nechigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi."
46. Naizvozvo mambo akaraira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda, akandomuvamba, ndokumuuraya. Naizvozvo ushe, hwakanga hwakabatwa naSoromoni, hwakasimbiswa.

  1Kings (2/22)