1Kings (19/22)  

1. Zvino Ahabhi wakaudza Izebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria, zvokuuraya kwake vaporofita vose nomunondo.
2. Ipapo Izebheri akatuma nhume kuna Eria, akati, "Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino."
3. Zvino wakati achiona izvozvo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuurawa, akasvika paBheerishebha raiva raJudha, akasiya muranda wake ipapo.
4. Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, "Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama."
5. Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara. Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, "Simuka, udye."
6. Akatarira, akaona pedo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akavata pasizve.
7. Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, "Simuka, udye, nokuti uchakundwa norwendo."
8. Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo, mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari.
9. Akapindapo mubako, akagarapo. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, rikati, "Unobateiko pano Eria?"
10. Iye akati, "Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana valsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya."
11. Iye akati, "Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha." Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha wakanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha wakanga asiri mukudengenyeka kwenyika.
12. Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha wakanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kwokudzikama kukavapo.
13. Zvino Eria wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguvo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo inzwi rikasvika kwaari, rikati, "Unobateiko pano, Eria?"
14. Iye akati, "Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo; nokuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, vakauraya vaporofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya."
15. Zvino Jehovha akati kwaari, "Dzoka nenzira yako yokurenje reDhamasiko; kana wasvikapo, uzodze Hazaeri, ave mambo weSiria,
16. naJehu mwanakomana waNimishi umuzodze ave mambo waIsiraeri, naErisha mwanakomana waShafati weAbherimehora, umuzodze ave muporofita panzvimbo yako.
17. Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, uchaurawa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, uchaurawa naErisha.
18. Kunyange zvakadaro ndichasiya pakati paIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu vasina kupfugamira Bhaari namabvi avo, vasina kumutsvoda nemiromo yavo."
19. Naizvozvo akabvapo, akandowana Erisha mwanakomana waShafati, wakanga achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri, iye ari pajoko regumi namaviri; Eria akapfuura nokwaari, akakanda nguvo yake pamusoro pake.
20. Iye akasiya nzombe, akamhanya achitevera Eria, akati, "Nditenderei henyu ndimbondotsvoda baba vangu namai vangu, ndigokuteverai." Iye akati kwaari, "Chidzoka hako, nokuti ndakuiteiko?"
21. Akadzoka pakumutevera, akatora nzombe dzejoko iro, akadzibaya, akagocha nyama yadzo achiita nhumbi dzadzo huni, ndokupa vanhu, ivo vakadya. Zvino wakasimuka, akatevera Eria, akamubatira.

  1Kings (19/22)