1Kings (17/22)  

1. Zvino Eria muTishibhi, waigara Giriyadhi, wakati kuna Ahabhi, "NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini."
2. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
3. "Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJorodhani.
4. Unofanira kunwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguvo kukupa zvokudya ipapo."
5. Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJorodhani.
6. Makunguvo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akanwa mvura yorukova.
7. Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.
8. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
9. "Simuka, uende Zarefati panyika yeZidhoni, ugarepo; tarira, ndaraira chirikadzi igerepo, kuti ikupe zvokudya."
10. Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, "Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndinwe
11. "Zvino wakati achienda kundoitora, akamudana, akati, "Dondivigirawo chimedu chechingwa muruoko rwako."
12. Iye akati, "NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu."
13. Ipapo Eria akati kwaari, "Usatya hako, enda undoita chingwa chiduku, undivigire icho, ugozviitira iwe nomwanakomana wako pashure.
14. "Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.' "
15. Iye akaenda, akandoita sezvakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, vakadya mazuva mazhinji.
16. Upfu hwakanga huri mudende hauna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushaikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEria.
17. Zvino pashure paizvozvo mwanakomana womukadzi, mwene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwazvo, kusvikira apererwa nomweya.
18. Mukadzi akati kuna Eria, "Ndineiko nemi, imi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?"
19. Akati kwaari, "Ndipe mwanakomana wako." Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhovo yake,
20. akadanidzira kuna Jehovha, akati, "Jehovha Mwari wangu, makaitireiko chirikadzi yandigere nayo chakaipa chakadai, zvamauraya mwanakomana wake?"
21. Akatsivama pamusoro pomwana katatu, akadanidzira kuna Jehovha, akati, "Jehovha Mwari wangu, ndinokumbira, mweya womwana uyu ngaudzokerezve kwaari."
22. Jehovha akanzwa inzwi raEria, mweya womwana ukadzokerazve kwaari, akararamazve.
23. Ipapo Eria akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumusoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eria akati, "Tarira, mwana wako mupenyu."
24. Mukadzi akati kuna Eria, "Zvino ndinoziva kuti muri munhu waMwari, uye kuti shoko raJehovha, riri mumuromo menyu, nderazvokwadi."

  1Kings (17/22)