1Kings (15/22)  

1. Zvino negore regumi namasere ramambo Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija wakatanga kubata ushe hwaJudha.
2. Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Maaka, mukunda waAbhusaromi.
3. Iye akafamba pazvivi zvose zvababa vake, zvavakamutangira kuita; moyo wake wakanga usina kururama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, somoyo waDhavhidhi baba vake.
4. Kunyange zvakadaro nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje paJerusaremu, akamumutsira mwanakomana wake shure kwake, asimbise Jerusaremu;
5. nokuti Dhavhidk waiita zvakarurama pamberi paJehovha, haana kutsauka pachinhu chimwe chaakamuraira mazuva ose oupenyu hwake, asi pamhaka yaUriya muHiti bedzi.
6. Kurwa kwakanga kuripo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu mazuva ose oupenyu hwake.
7. Zvino mamwe mabasa aAbhija, nezvose zvaakaita hazvina kunyorwa here mubhuku raMakoronike amadzimambo aJudha? Kurwa kwakanga kuripo pakati paAbhija naJerobhoamu.
8. Abhija akavata namadzibaba ake, vakamuviga muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe.
9. Negore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Asa wakatanga kubata ushe paJudha.
10. Akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana nerimwe, zita ramai vake rakanga riri Maaka mukunda waAbhusaromi.
11. Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
12. Akabvisa vaSodhomi panyika, akabvisawo zvifananidzo zvose zvakaitwa namadzibaba ake.
13. Akabvisawo Maaka mai vake pauhosi hwavo, nokuti vakanga vaitira matanda okunamata nawo chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachipisa parukova Kidhironi.
14. Asi matunhu akakwirira haana kubviswa; kunyange zvakadaro moyo waAsa wakanga wakarurama kwazvo kuna Jehovha mazuva ake ose.
15. Akaisa mumba maJehovha nhumbi dzakanga dzatsaurwa nababa vake, nenhumbi dzaakanga atsaura iye amene, sirivha, nendarama, nemidziyo.
16. Zvino kurwa kwakanga kuripo pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri mazuva avo ose.
17. Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.
18. Ipapo Asa akatora sirivha yose nendarama zvakanga zvasara pafuma yeimba yaJehovha, napafuma yeimba yamambo, akazvipa mumaoko avaranda vake, mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHeZiyoni, mambo weSiria wakanga agere Dhamasiko, akati,
19. "Sungano iripo pakati pangu nemi, pakati pababa vangu nababa venyu;tarirai ndinokutumirai chipo chesirivha nendarama, endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri."
20. Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbheribhetimaaka, neKineroti rose, nenyika yose yaNafitari.
21. Zvino Bhaasha wakati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akandogara Tiriza.
22. Ipapo mambo Asa akakoka vaJudha vose, hakuna wakadarikwa, vakandotora mabwe eRama, namatanda aro, zvaakanga achivaka nazvo iye Bhaasha; mambo Asa akavaka nazvo Ghebha rokwaBhenjamini neMizipa.
23. Zvino mamwe mabasa ose aAsa, nesimba rake rose, nezvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzibaba aJudha? Asi panguva yokukwegura kwake wakanga achinzwa makumbo.
24. Asa akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake; Josafati mwanakomana wake, akamutevera paushe.
25. Zvino Nadhabhi mwanakomana waJerobhoamu, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri negore rechipiri raAsa mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri.
26. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, nomuzvivi zvake zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
27. Ipapo Bhaasha mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, Bhaasha akamuuraya paGibhetoni raiva ravaFirisitia; nokuti Nadhabhi navaIsiraeri vose vakanga vakomba Gibhetoni.
28. Bhaasha akamuuraya negore retatu raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe.
29. Zvino wakati achangogara ushe, akauraya vose veimba yaJerobhoamu; haana kusiyira Jerobhoamu mumwe wakanga achafema, kusvikira amuparadza, sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake Ahija muShiro;
30. nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeri nazvo, nokuda kwokutambudza kwaakatambudza Jehovha Mwari waIsiraeri nako.
31. Zvino mamwe mabasa aNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo alsiraeri?
32. Kurwa kwakanga kuripo nguva dzose pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri.
33. Negore rechitatu raAsa mambo waJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija, wakatanga kubata ushe hwavaIsiraeri vose paTiriza, akabata makore makumi maviri namana.
34. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

  1Kings (15/22)