1Kings (14/22)  

1. Zvino nenguva iyo Abhija mwanakomana waJerobhoamu akarwara.
2. Jerobhoamu akati kumukadzi wake, "Simuka hako, ushandure nguvo dzako, kuti urege kuzikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu, ugoenda Shiro; tarira, muporofita Ahija uripo, iye wakadeya kutaura pamusoro pangu, kuti ndizova mambo wavanhu ava.
3. Uende nezvingwa zvine gumi, nezvingwa zviduku, nechidende chouchi, uzviise kwaari; iye uchakuudza zvichaitirwa mwana."
4. Mukadzi waJerobhoamu akaita saizvozvo, akasimuka, akaenda Shiro, akasvika paimba yaAhija. Zvino Ahija wakanga asingagoni kuona, nokuti meso ake akanga owonera madzedzerere nemhaka yokukwegura kwake.
5. Zvino Jehovha akati kuna Ahija, "Tarira, mukadzi waJerobhoamu unouya kuzokubvunza pamusoro pomwanakomana wake, nokuti unorwara; unofanira kutaura zvokuti nezvokuti kwaari, nokuti kana achipinda, uchazviita somumwe mukadzi."
6. Zvino Ahija wakati achinzwa kufamba kwetsoka dzake, achipinda pamukova, akati, "Chipinda hako, iwe mukadzi waJerobhoamu, unozviitireiko somumwe? Nokuti ndatumwa kwauri namashoko anorwadza moyo.
7. Enda, uudze Jerobhoamu, uti, `Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri: Ndakakukudza pakati pavanhu, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri,
8. ndikabvarura ushe, ndikahubvisa paimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva saDhavhidhi muranda wangu, waichengeta mirairo yangu, akanditevera nomoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu;
9. asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakakutangira, ukandozviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa, kuti unditsamwise; ukandirashira shure kwomusana wako.
10. Naizvozvo, tarira, ndichaitira imba yaJerobhoamu zvakaipa; ndichaparadza kuna Jerobhoamu vana vakomana vose, vaduku navakuru kuvaIsiraeri, nditsvaire chose imba yaJerobhoamu, somunhu unotsvaira marara kusvikira abva ose.
11. Ani naani weimba yaJerobhoamu unofira paguta uchadyiwa nembwa; unofira kusango uchadyiwa neshiri dzokudenga; nokuti Jehovha wakataura saizvozvo.'
12. "Naizvozvo iwe, simuka uende kumba kwako; kana tsoka dzako dzichipinda paguta, mwana uchafa.
13. Valsiraeri vose vachamuchema, vakamuviga; nokuti ndiye oga waJerobhoamu uchasvika pahwiro, nokuti maari makawanikwa chinhu chakanaka chakafadza Jehovha Mwari waIsiraeri, paimba yaJerobhoamu.
14. Jehovha uchazvimutsirawo mambo kuvaIsiraeri, uchaparadza imba yaJerobhoamu nomusi uyo. Nomusi uyo here? Zvotoitwa zvino.
15. Nokuti Jehovha ucharova Isiraeri, sorutsanga runozununguswa mumvura; uchadzura Isiraeri panyika ino yakanaka, yaakapa madzibaba avo, nokuvaparadzira mhiri kwoRwizi; nokuti vakazviitira matanda okunamata nawo vakatsamwisa Jehovha.
16. Uchaisa Isiraeri kuvavengi nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeriwo nazvo."
17. Zvino mukadzi waJerobhoamu akasimuka, akaenda, akasvika Tiriza; wakati achisvika pachikumbaridzo cheimba, mwana akafa.
18. VaIsiraeri vose vakamuviga, vakamuchema, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake muporofita Ahija.
19. Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, kurwa kwake, nokubata kwake ushe, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
20. Mazuva okubata ushe kwaJerobhoamu akanga ari makore makumi maviri namaviri; akavata namadzibaba ake, Nadhabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe.
21. Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, wakabata ushe hwaJudha. Rehobhoamu wakanga ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore ane gumi namanomwe paJerusaremu, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakepo. Zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
22. VaJudha vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsa shungu dzake nezvivi zvavo zvavakanga vachiita, vakapfuura zvose zvakaitwa namadzibaba avo.
23. Nokuti naivo vakazvivakira matunhu akakwirira, neshongwe, namatanda okunamata nawo pazvikomo zvose zvakakwirira, napasi pemiti yose mitema.
24. Vasodhomi vakanga varipowo panyika; ivo vakaita nemitowo yokunyangadza kwose kwendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
25. Zvino pagore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akakwira kuzorwa naJerusaremu;
26. akatora fuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo; akazvitora zvose, akatorawo nhovo duku dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni.
27. Ipapo mambo Rehobhoamu akaita panzvimbo yadzo nhovo duku dzendarira, akadziisa pamaoko avakuru vavarindi, vairinda mukova weimba yamambo.
28. Zvino nguva dzose kana mambo achipinda mumba maJehovha, varindi vaidzibata, ndokudzidzoserazve mumba mavarindi.
29. Mamwe mabasa aRehobhoamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha.
30. Asi kurwa kwaivapo nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.
31. Rehobhoamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake muguta raDhavhidhi; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paushe.

  1Kings (14/22)