1Kings (13/22)  

1. Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakanga amire paaritari achipisa zvinonhuwira.
2. Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, "Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josia; iye uchabaya pamusoro pako vapirisiti vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako."
3. Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, "Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi."
4. Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, "Mubatei!" Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.
5. Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.
6. Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, "Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu." Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare.
7. Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, "Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro."
8. Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, "Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kunwa pano,
9. nokuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, Usadya zvokudya, kana kunwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.'
10. Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri.
11. Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa no munhu waMwari paBheteri pazuva iro, namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo.
12. Ipapo baba vavo vakati kwavari, "Waenda nenzira ipiko?" Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha.
13. Akati kuvanakomana vake, "Ndisungirei chigaro pambongoro;" ivo vakamusungira chigaro pambongoro, akaitasva.
14. Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, "Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here?" Akati, "Ndini."
15. Ipapo akati kwaari, "Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya."
16. Iye akati, "Handingagoni kudzoka nemi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kunwa mvura nemi pano,
17. nokuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, Usadya zvokudya, kana kunwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.'
18. Ipapo akati kwaari, "Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokunwa mvura.' " Akareva nhema kwaari.
19. Naizvozvo akadzoka naye, akandodya zvokudya mumba make nokunwa mvura.
20. Zvino vakati vagere patafura, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa,
21. akadanidzira kumunhu waMwari, wakanga abva kwaJudha, akati, "Zvanzi naJehovha, Zvausina kuteerera muromo waJehovha, ukasachengeta murayiro wawakarairwa naJehovha Mwari wako,
22. ukadzoka, ukadya zvokudya, ukanwa mvura ipapo paakati kwauri, Usadya zvokudya nokunwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.'
23. Zvino wakati adya zvokudya, nokunwa, akasungirira chigaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.
24. Zvino wakati aenda, shumba ikasangana naye munzira, ikamuuraya, chitunha chake chikakandirwa munzira, mbongoro ikamira nacho, uye shumbawo ikamira pachitunha.
25. Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.
26. Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, "Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukwevera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari."
27. Akati kuvanakomana vake, "Ndisungirirei chigaro pambongoro," vakaisungira chigaro.
28. Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.
29. Ipapo muporofita akasimudza chitunha chomunhu waMwari, akachiisa pamusoro pembongoro, akadzoka nacho; akasvika kuguta romuporofita mutana, akamuchema nokumuviga.
30. Akaisa chitunha chake muhwiro hwake, vakamuchema, achiti, "Haiwa, munun’una wangu!"
31. Zvino wakati amuviga, akataura navanakomana vake, akati, "Kana ndafa, mundivige muhwiro makavigwa munhu waMwari; muise mapfupa angu kurutivi rwamapfupa ake;
32. nokuti izvo zvaakataura, paakadanidzira achirairwa naJehovha, kuaritari paBheteri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, zvichaitika zvirokwazvo."
33. Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapirisiti pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapirisiti pamatunhu akakwirira.
34. Chinhu ichi chikava chivi paimba yaJerobhoamu, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika.

  1Kings (13/22)