1Kings (12/22)  

1. Zvino Rehobhoamu wakaenda Shekemu, nokuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemu kuzomuita mambo.
2. Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakati achizvinzwa, (nokuti wakanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni, Jerobhoamu akagara Ijipiti,
3. vakatuma nhume kundomudana;) Jerobhoamu neungano yose yavaIsiraeri vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,
4. "Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imi chirerutsai basa rababa venyu rakanga richigozha; nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai."
5. Iye akati kwavari, "Chimboendai henyu, mugare mazuva matatu, mugodzokera kwandiri." Vanhu vakaenda.
6. Ipapo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu akati, "Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?"
7. Ivo vakataura kwaari vakati, "Kana mukatenda kuva muranda wavanhu ava nhasi, mukavashumira, mukavapindura nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.
8. Asi iye wakaramba zano ravakuru ravakanga vamupa, akarangana namajaya ezero rake, aimira pamberi pake.
9. Akati kwavari, "Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?'
10. Zvino majaya ezero rake akataura kwaari achiti, "Iti kuvanhu ava vakataura newe vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro,' utaure kwavari uti, Munwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
11. Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu, baba vangu vaikurovai neshamhu; asi ini ndichakurovai nezvinyavada."
12. Naizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakasvika kunaRehobhoamu nomusi wetatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, "Dzokeraizve kwandiri nomusi wetatu."
13. Mambo akapindura vanhu nehasha, akarasha zano ravakuru, ravakanga vamupa;
14. akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namaj aya, akati, "Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada."
15. Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti chinhu icho chakanga chabva kuna Jehovha, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
16. Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, "Tinomugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, vaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako." Naizvozvo vaIsiraeri vakaenda kumatende avo.
17. Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu wakanga ari mambo wavo.
18. Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mutariri wavanhu vechibharo, vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akakurumidza kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.
19. Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.
20. Zvino vaIsiraeri vose vakati vachinzwa kuti Jerobhoamu wadzoka, vakatuma nhume kuzomudanira kuungano, vakamuita mambo wavaIsiraeri vose; hakuna wakatevera imba yaDhavhidhi, asi rudzi rwaJudha bedzi.
21. Zvino Rehobhoamu wakati achisvika Jerusaremu, akaunganidza vose veimba yaJudha, novorudzi rwaBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuzorwa neimba yaIsiraeri, kuti vadzoserezve ushe kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.
22. Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,
23. Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo wavaJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuna vamwe vanhu, uti,
24. "Zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu ivo vana vaIsiraeri; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri." Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha, vakadzoka, vakaenda havo, sezvavakaudzwa naJehovha.
25. Ipapo Jerobhoamu wakavaka Shekemu panyika yamakomo yaEfuremu, akagaramo; akabvapo, akandovaka Penueri.
26. Jerobhoamu akati mumoyo make, "Zvino ushe huchadzokerazve kuimba yaDhavhidhi.
27. Kana vanhu ava vakakwira kundobayira zvibayiro zvavo mumba maJehovha paJerusaremu, ipapo moyo yavanhu ava ichadzokera kunashe wavo, iye Rehobhoamu mambo waJudha; vachandiuraya, vakadzokera kuna Rehobhoamu mambo waJudha."
28. Naizvozvo mambo akarangana navakuru, akaumba mhuru mbiri dzendarama, akati kwavari, "Kukwira Jerusaremu kwava kure; tarirai, vaIsiraeri, vamwari venyu vakakubudisai panyika yeIjipiti."
29. Akagadza imwe paBheteri, imwe akaiisa paDhani.
30. Chinhu ichi chikava chivi, nokuti vanhu vakandonamata kwadziri idzo mbiri, kusvikira paDhani.
31. Akavakawo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora vamwe pakati pavanhu akavaita vapirisiti, vasati vari vavana vaRevhi.
32. Zvino Jerobhoamu akaraira mutambo pamwedzi worusere, nezuva regumi namashanu romwedzi, wakanga wakafanana nomutambo waiva kuvaJudha; akabayira paaritari; akaitawo saizvozvo paBheteri, akabayira mhuru dzaakaumba; akagadzawo paBheteri vapirisiti vamatunhu akakwirira aakaita.
33. Akandobayira paaritari yaakavaka paBheteri nezuva regumi namashanu romwedzi worusere, iwo mwedzi waakafunga hake mumoyo make; akaraira vana valsiraeri mutambo, akandobayira paaritari, akapisa zvinonhuwira.

  1Kings (12/22)