1Kings (1/22)  

1. Zvino mambo Dhavhidhi wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana ku­dziyirwa.
2. Naizvozvo varanda vake va­kati kwaari, "Ishe wangu mambo ngaa­tsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avachengete, avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyi­rwe."
3. Ipapo vakatsvaka musikana waka­naka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo.
4. Uyu musikana wakanga aka­naka kwazvo, akachengeta mambo, aka­mushandira, asi mambo haana kupinda kwaari.
5. Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, "Ini ndi­chava mambo;" akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana ma­kumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.
6. Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, "Unoitireiko kudaro?" Wakanga ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakanga achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake.
7. Akarangana naJoa­bhu, mwanakomana waZeruya, naAbhia­tari mupirisiti, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira.
8. Asi Zadhoki mupirisiti, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, ha­vana kutevera Adhonia.
9. Adhonia akabaya makwai nenzo­mbe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohe­reti, raiva paEni-rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vama­mbo;
10. asi haana kudana Natani muporo­fita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munun’una wake.
11. Ipapo Natani akataura naBhati­shebha mai vaSoromoni, akati, "Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanako­mana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhi­dhi ishe wedu haazvizivi?
12. Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu bwako noupenyu bwomwana­komana wako Soromoni.
13. Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, "Ishe wangu mambo, hamuna kupikira mura­ndakadzi wenyu here,' mukati, `Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adho­nia unobatireiko ushe?"
14. Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndi­chapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako."
15. Bhati-shebha akapinda kuna ma­mbo mumba; zvino mambo wakanga akwegura kwazvo, Abhishagi muShu­nami waishandira mambo.
16. Ipapo Bhati­shebha akakotama, akanamata kuna ma­mbo. Mambo akati, "Unoreveiko?"
17. Iye akati kwaari, "Ishe wangu, imi makapikira murandakadzi wenyu naJeho­vha Mwari wenyu, mukati, `Zvirokwa­zvo, Soromoni mwanakomana wako ndiye uchanditevera paushe, ndiye ucha­gara pachigaro changu choushe.
18. Asi zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; asi imi ishe wangu mambo, hamuzvizivi.
19. Iye wabaya nzombe, nemhuru dzaka­kora, namakwai mazhinji, akadana vana­komana vose vamambo, naAbhiatari mu­pirisiti, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu.
20. Zvino ishe wangu mambo, meso avaI­siraeri vose anotarira kwamuri, kuti mu­vaudze kuti ndianiko unofanira kukuteve­rai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo.
21. Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzi­baba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi.' "
22. Zvino wakati achataura namambo, Natani muporofita akapindawo.
23. Vakau­dza mambo, vakati, "Natani muporofita wasvika." Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
24. Zvino Natani akati, "Ishe wangu, mambo, makareva here kuti Adhonia uchakuteverai paku­bata ushe, uchagara pachigaro chenyu choushe here?
25. Nokuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanako­mana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupirisiti; tarirai, vodya noku­nwa pamberi pake, vachiti, `Mambo Adhonia ngaararame
26. Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupirisiti, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
27. Chi­nhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa varanda venyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo?"
28. Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, "Ndidanirei Bhati-shebha." Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo.
29. Zvino mambo akapika, akati, "NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura upenyu hwangu panjodzi dzose,
30. zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, `Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.' "
31. Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, "Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi."
32. Mambo Dhavhidhi akati, "Ndidanirei Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha." Ivo vakapinda kuna mambo.
33. Mambo akati kwavari, "Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni;
34. Zadhoki mupirisiti naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, `Mambo Soromoni ngaararame.'
35. Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nokuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha."
36. Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, "Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo.
37. Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi."
38. Ipapo Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni.
39. Zvino Zadhoki mupirisiti akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, "Mambo Soromoni ngaararame!"
40. Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.
41. Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, "Mhere-mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?"
42. Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupirisiti, akasvika; Adhonia akati kwaari, "Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka."
43. Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, "Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe.
44. Uye mambo wakatuma Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo;
45. uye Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere-mhere yamanzwa.
46. Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe.
47. Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, `Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe;' mambo akakotama panhovo dzake.
48. Uyezve mambo wakataura akati, `Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.' "
49. Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake.
50. Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari.
51. Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, "Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nokuti wandobata nyanga dzeatari, akati, `Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.' "
52. Ipapo Soromoni akati, "Kana akazova munhu kwaye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa."
53. Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, "Enda kumba kwako."

      1Kings (1/22)