| ← 1John (5/5) | 
| 1. | Mumwe nomumwe, unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye wakaberekwa naMwari; mumwe nomumwe, unoda iye wakabereka, unoda vo wakaberekwa naye. | 
| 2. | Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirairo yake. | 
| 3. | Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi. | 
| 4. | Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, ndiko kutenda kwedu. | 
| 5. | Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti Jesu Kristu; ndiye mwanakomana waMwari here? | 
| 6. | ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuvuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Mweya ndiye unopupura nokuti mweya ichokwadi | 
| 7. | Nokuti vatatu vanopupura kudenga Baba, Shoko naMweya Mutsvene, ava vatatu ndimumwe. | 
| 8. | Varipo vatatu vanopupura panyika zvinoti Mweya, mvura neropa izvi zvitatu ava vatatu vanotenderana pachinhu chimwe. | 
| 9. | Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kupupura kwaMwari ndiko, kuti wakapupura pamusoro poMwanakomana wake. | 
| 10. | Uyo, unotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura unako mukati make; usingatendi Mwari, wakamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake. | 
| 11. | Kupupura ndiko, kuti Mwari wakatipa vupenyu bwusingaperi; zvino vupenyu ubwu bwuri muMwanakomana wake. | 
| 12. | UnoMwanakomana, unovupenyu; usinoMwanakomana waMwari haanovupenyu. | 
| 13. | Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munovupenyu bwusingaperi, iyemwi munotenda kuzita romwanakomana waMwari. | 
| 14. | Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa; | 
| 15. | zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari. | 
| 16. | Kana munhu achivona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, uchakumbira, Mwari agomupa vupenyu bwunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi. | 
| 17. | Kusarurama kwose chivi; zvino chivi chiripo chisati chiri chorufu. | 
| 18. | Tinoziva kuti mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi; asi wakaberekwa naMwari unochengetwa naye, wakaipa haangamubati. | 
| 19. | Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose ivete munaiye wakaipa. | 
| 20. | Tinoziva kuti mwanakomana waMwari wakavuya, akatipa kuziva, kuti tizive iye wazvokwadi; nesu tiri munaiye wazvokwadi, mumwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wazvokwadi, novupenyu bwusingaperi. | 
| 21. | Vana vaduku, zvichenjererei pazvifananidzo. | 
| ← 1John (5/5) |