1John (5/5)    

1. Mumwe nomumwe, unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye wakaberekwa naMwari; mumwe nomumwe, unoda iye wakabereka, unoda vo wakaberekwa naye.
2. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirairo yake.
3. Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi.
4. Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, ndiko kutenda kwedu.
5. Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti Jesu Kristu; ndiye mwanakomana waMwari here?
6. ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuvuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Mweya ndiye unopupura nokuti mweya ichokwadi
7. Nokuti vatatu vanopupura kudenga Baba, Shoko naMweya Mutsvene, ava vatatu ndimumwe.
8. Varipo vatatu vanopupura panyika zvinoti Mweya, mvura neropa izvi zvitatu ava vatatu vanotenderana pachinhu chimwe.
9. Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kupupura kwaMwari ndiko, kuti wakapupura pamusoro poMwanakomana wake.
10. Uyo, unotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura unako mukati make; usingatendi Mwari, wakamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake.
11. Kupupura ndiko, kuti Mwari wakatipa vupenyu bwusingaperi; zvino vupenyu ubwu bwuri muMwanakomana wake.
12. UnoMwanakomana, unovupenyu; usinoMwanakomana waMwari haanovupenyu.
13. Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munovupenyu bwusingaperi, iyemwi munotenda kuzita romwanakomana waMwari.
14. Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa;
15. zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.
16. Kana munhu achivona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, uchakumbira, Mwari agomupa vupenyu bwunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.
17. Kusarurama kwose chivi; zvino chivi chiripo chisati chiri chorufu.
18. Tinoziva kuti mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi; asi wakaberekwa naMwari unochengetwa naye, wakaipa haangamubati.
19. Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose ivete munaiye wakaipa.
20. Tinoziva kuti mwanakomana waMwari wakavuya, akatipa kuziva, kuti tizive iye wazvokwadi; nesu tiri munaiye wazvokwadi, mumwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wazvokwadi, novupenyu bwusingaperi.
21. Vana vaduku, zvichenjererei pazvifananidzo.

  1John (5/5)