| ← 1John (4/5) → |
| 1. | Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muvone kana yakabva kunaMwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika. |
| 2. | Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari: Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu wakavuya munyama, ndowaMwari. |
| 3. | Mweya mumwe nomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya' nazvino watova panyika. |
| 4. | Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika. |
| 5. | Ivo ndovenyika, naizvozvo vanotaura savenyika, nenyika inovanzwa. |
| 6. | Isu tiri vaMwari; unoziva Mwari, unotinzwa; usi waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wazvokwadi, nomweya wokutsauka. |
| 7. | Vadikanwa, ngatidane; nokuti rudo runobva kunaMwari, mumwe nomumwe, unoda, wakaberekwa naMwari, unoziva Mwari. |
| 8. | Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. |
| 9. | Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive novupenyu naye. |
| 10. | Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu. |
| 11. | Vadikanwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu vo tinofanira kudana. |
| 12. | Hakuno munhu wakambovona Mwari; kana tichidana, Mwari unogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri. |
| 13. | Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvoMweya wake. |
| 14. | Isu takavona, vuye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika. |
| 15. | Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari unogara maari, naiye munaMwari. |
| 16. | Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu, Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; unogara murudo, unogara munaMwari, naMwari maari. |
| 17. | Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaita vo panyika ino. |
| 18. | Hakunokutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorobwa; munhu, unotya, haana kukwaniswa parudo. |
| 19. | Isu tinoda, nokuti iye wakatanga kutida. |
| 20. | Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakavona, ungada seiko Mwari, waasina kuvona? |
| 21. | Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoda Mwari, ngaade vo hama yake. |
| ← 1John (4/5) → |