1John (2/5)  

1. Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinoMurevereri kunaBaba, iye Jesu Kristu wakarurama;
2. ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose vo.
3. Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.
4. Uyo, unoti, ndinomuziva, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, zvokwadi haizi maari;
5. asi uyo, unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari;
6. uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba vo sezvaakafamba iye.
7. Hamadzangu, handikunyoririyi murairo mutsva, asi murairo wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa.
8. Pamwe zve ndinokunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chazvokwadi maari nomamuri; nokuti rima ropfuvura, chiedza chazvokwadi chotovhenekera.
9. Uyo, unoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, uchiri murima kusvikira zvino.
10. Unoda hama yake, unogara muchiedza, hapane chigumbuso maari.
11. Asi unovenga hama yake, uri murima, unofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
12. Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makakanganwirwa zvivi nokuda kwezita rake.
13. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba.
14. Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.
15. Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.
16. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwovupenyu, hazvibvi kunaBaba, asi panyika.
17. Nyika inopfuvura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.
18. Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.
19. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vavonekwe kuti vose havazi vedu.
20. Imi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutsvene, munoziva zvose.
21. Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi zvokwadi, asi nokuti munoiziva, vuye nokuti hakunenhema dzingabva pazvokwadi.
22. Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Baba noMwanakomana.
23. Aninani unoramba Mwanakomana, naiye haanaBaba vo.
24. Kana muri imwi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri, nemi vo muchagara muMwanakomana, nomunaBaba.
25. Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndibwo vupenyu bwusingaperi.
26. Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai.
27. Kana muri imwi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwazvokwadi, dzisati dziri nhema, se zvakwakakudzidzisai, garai maari.
28. Zvino, vana vaduku, garai maari,kuti, kana achizovoneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswa vo pamberi pake pakuvuya kwake.
29. Kana muchiziva kuti iye wakarurama zivai vokuti mumwe nomumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.

  1John (2/5)