| ← 1John (2/5) → |
| 1. | Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinoMurevereri kunaBaba, iye Jesu Kristu wakarurama; |
| 2. | ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose vo. |
| 3. | Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake. |
| 4. | Uyo, unoti, ndinomuziva, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, zvokwadi haizi maari; |
| 5. | asi uyo, unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari; |
| 6. | uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba vo sezvaakafamba iye. |
| 7. | Hamadzangu, handikunyoririyi murairo mutsva, asi murairo wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa. |
| 8. | Pamwe zve ndinokunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chazvokwadi maari nomamuri; nokuti rima ropfuvura, chiedza chazvokwadi chotovhenekera. |
| 9. | Uyo, unoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, uchiri murima kusvikira zvino. |
| 10. | Unoda hama yake, unogara muchiedza, hapane chigumbuso maari. |
| 11. | Asi unovenga hama yake, uri murima, unofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. |
| 12. | Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makakanganwirwa zvivi nokuda kwezita rake. |
| 13. | Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba. |
| 14. | Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa. |
| 15. | Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. |
| 16. | Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwovupenyu, hazvibvi kunaBaba, asi panyika. |
| 17. | Nyika inopfuvura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi. |
| 18. | Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira. |
| 19. | Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vavonekwe kuti vose havazi vedu. |
| 20. | Imi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutsvene, munoziva zvose. |
| 21. | Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi zvokwadi, asi nokuti munoiziva, vuye nokuti hakunenhema dzingabva pazvokwadi. |
| 22. | Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Baba noMwanakomana. |
| 23. | Aninani unoramba Mwanakomana, naiye haanaBaba vo. |
| 24. | Kana muri imwi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri, nemi vo muchagara muMwanakomana, nomunaBaba. |
| 25. | Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndibwo vupenyu bwusingaperi. |
| 26. | Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai. |
| 27. | Kana muri imwi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwazvokwadi, dzisati dziri nhema, se zvakwakakudzidzisai, garai maari. |
| 28. | Zvino, vana vaduku, garai maari,kuti, kana achizovoneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswa vo pamberi pake pakuvuya kwake. |
| 29. | Kana muchiziva kuti iye wakarurama zivai vokuti mumwe nomumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye. |
| ← 1John (2/5) → |