| 1John (1/5) → |
| 1. | Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakavona nemeso edu, zvatakatarira, nezvatakabata namavoko edu, zveShoko rovupenyu |
| 2. | (vupenyu bwakaratidzwa, tikabwuvona, tinopupura nokukuparidzirai vupenyu bwusingaperi, bwakanga bwuri kunaBaba, bwukaratidzwa kwatiri); |
| 3. | Izvo zvatakavona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidzai vo, kuti nemi vo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana wake Jesu Kristu. |
| 4. | Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wenyu uzadziswe. |
| 5. | Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai vo, kuti Mwari chiedza, hamunerima maari. |
| 6. | Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima tinoreva nhema, hatiiti zvokwadi; |
| 7. | asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari pachiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose. |
| 8. | Kana tichiti, hatinezvivi, tinozvinyengera, zvokwadi haizi matiri. |
| 9. | Kana tichizvirevurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kwose. |
| 10. | Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri. |
| 1John (1/5) → |