1John (1/5)  

1. Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakavona nemeso edu, zvatakatarira, nezvatakabata namavoko edu, zveShoko rovupenyu
2. (vupenyu bwakaratidzwa, tikabwuvona, tinopupura nokukuparidzirai vupenyu bwusingaperi, bwakanga bwuri kunaBaba, bwukaratidzwa kwatiri);
3. Izvo zvatakavona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidzai vo, kuti nemi vo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana wake Jesu Kristu.
4. Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
5. Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai vo, kuti Mwari chiedza, hamunerima maari.
6. Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima tinoreva nhema, hatiiti zvokwadi;
7. asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari pachiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.
8. Kana tichiti, hatinezvivi, tinozvinyengera, zvokwadi haizi matiri.
9. Kana tichizvirevurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kwose.
10. Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.

      1John (1/5)