1Corinthians (9/16)  

1. Handizi wakasununguka here? Handizi muapostora here? Handina kuvona Jesu Kristu, Ishe wedu here? Imi hamuzi basa rangu munaShe here?
2. Kana ndisati ndiri muapostora kuna vamwe, kunyange zvakadaro zvirokwazo ndiri muapostora kwamuri hangu; nokuti imi muri chisimbiso chovuapostora bwangu munaShe.
3. Kuzvidavirira kwangu kunaivo vanonditonga ndikoku:
4. Hatine simba rokudya nokunwa here?
5. Hatine simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vaapostora navanun’una vaShe, naKefasi here?
6. Ko ini ndoga naBharnabhasi hatine simba rokurega kubata basa here?
7. Ndianiko ungandorwa achizviripira mubairo? Ndianiko unorima munda wemizambiringa, akasadya zvibereko zvawo? Ndianiko unofudza boka, akasadya mukaka weboka?
8. Izvi ndinozvitaura nokutaura kwavanhu here?
9. Nokuti pamurairo waMosesi pakanyorwa, pachiti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Ko Mwari unehanya nenzombe here?
10. Kana unoreva saizvozvo nokuda kwedu kwoga here? Zvirokwazvo, zvakanyorwa nokuda kwedu, nokuti unorima unofanira kurima netariro; nounopura, achitarira kuti uchagoverwa vo.
11. Kana isu takakudzvarirai zvinhu zvomweya, chingava chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?
12. Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Evhangeri yaKristu..
13. Hamuzivi here kuti vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanorarama nezvinhu zvetembere? Vuye kuti vanobata basa paaritari, vanogovana nearitari here?
14. Saizvozvo vo Ishe wakaraira kuti vanoparidza Evhangeri, vararame neEvhangeri.
15. Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zvirinani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho.
16. Nokuti kana ndichiparidza evhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinoroveverwa; ndinenhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.
17. Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndinomubairo; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu vutariri.
18. Zvino mubairo wangu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndichiparidza Evhangeri, ndivigire vanhu Evhangeri yaKristu vasingaripi, kuti ndirege kuzvibatira pandaigona napo nesimba randinaro reEvhangeri.
19. Nokuti kunyange ndakasununguka kunavose, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
20. KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kunavari pasi pomurairo, ndakava somunhu uri pasi pomurairo, kunyange ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo;
21. kunavasinomurairo, ndakava somunhu usinomurairo, kunyange ndisati ndiri munhu usinomurairo waMwari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane vasinomurairo.
22. Kuna vasinesimba ndakava sousinesimba, kuti ndiwane vasinesimba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitovo yose.
23. Zvinhu zvose ndinozviita nokuda kweEvhangeri, kuti ndigoverwe iyo pamwe chete navamwe.
24. Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwe chete unopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muwane.
25. Mumwe nomumwe, unoshingaira pakutamba, unozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inovora, asi isu kuti tiwane isingavori.
26. Zvino ini handirwi somunhu unorova mhepo;
27. asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.

  1Corinthians (9/16)