1Corinthians (8/16)  

1. Zvino, pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tinako kuziva. Kuziva kunovuyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa.
2. Kana munhu achiti, ndinoziva chinhu, ugere kutongoziva sezvaakafanira kuziva.
3. Asi kana munhu achida Mwari, iye unozikanwa naye.
4. Zvino kana kuri kudya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, vuye kuti hakunaMwari, asi iye mumwe chete.
5. Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga kana panyika; se zvavaripo vamwari vazhinji, namadzishe mazhinji;
6. asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo Baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiri,po nokuda kwake; vuye Ishe mumwe, Jesu Kristu;zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.
7. Asi vose havana kuziva ikoko; nokuti vamwe, vakarovera chifananidzo kusvikira zvino, vanodya vachiti zvakabayirwa zvifananidzo; hana yavo zvaisinesimba, inoshatiswa.
8. Zvino zvokudya hazvingatisvitsi kunaMwari; nokuti kana tisingadyi, hatiipiswi; kana tichidya, hatinatswi.
9. Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kunavasinesimba.
10. Nokuti kana mumwe achikuvona iwe, unako kuziva, ugere pakudya mutembere yechifananidzo, ko hana yaiyeye usinesimba haingatsungiswi, kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here?
11. Nokuti nokuziva kwako uyo usinesimba unoparadzwa, iri hama yakafirwa vo naKrsitu.
12. Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchirwadzisa hana yavo isinesimba, munotadzira Kristu.
13. Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.

  1Corinthians (8/16)