| ← 1Corinthians (8/16) → |
| 1. | Zvino, pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tinako kuziva. Kuziva kunovuyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa. |
| 2. | Kana munhu achiti, ndinoziva chinhu, ugere kutongoziva sezvaakafanira kuziva. |
| 3. | Asi kana munhu achida Mwari, iye unozikanwa naye. |
| 4. | Zvino kana kuri kudya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, vuye kuti hakunaMwari, asi iye mumwe chete. |
| 5. | Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga kana panyika; se zvavaripo vamwari vazhinji, namadzishe mazhinji; |
| 6. | asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo Baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiri,po nokuda kwake; vuye Ishe mumwe, Jesu Kristu;zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye. |
| 7. | Asi vose havana kuziva ikoko; nokuti vamwe, vakarovera chifananidzo kusvikira zvino, vanodya vachiti zvakabayirwa zvifananidzo; hana yavo zvaisinesimba, inoshatiswa. |
| 8. | Zvino zvokudya hazvingatisvitsi kunaMwari; nokuti kana tisingadyi, hatiipiswi; kana tichidya, hatinatswi. |
| 9. | Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kunavasinesimba. |
| 10. | Nokuti kana mumwe achikuvona iwe, unako kuziva, ugere pakudya mutembere yechifananidzo, ko hana yaiyeye usinesimba haingatsungiswi, kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here? |
| 11. | Nokuti nokuziva kwako uyo usinesimba unoparadzwa, iri hama yakafirwa vo naKrsitu. |
| 12. | Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchirwadzisa hana yavo isinesimba, munotadzira Kristu. |
| 13. | Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu. |
| ← 1Corinthians (8/16) → |