1Corinthians (7/16)  

1. Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kubata mukadzi.
2. Asi nokuda kwovupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake.
3. Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadaro vo kumurume.
4. Mukadzi haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvo vo murume haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi.
5. Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mumbotenderana, kuti muve nenguva yokuzvinyima zvokudya nokunyengetera, ndokusonganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.
6. Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarairi.
7. Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe unechipiwa chake, chinobva kunaMwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi.
8. Asi ndinoti kunavasina kuwana,, nokuchirikadzi: Zvakanaka kuti vagare seni.
9. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zvirinani kuti vawane pakutsva.
10. Zvino vakawana ndinovaraira, asi handizini, ndiShe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake,
11. (kana achibva, ngaagare asingawanikwi, kana ayanane nomumrume wake)
12. Zvino kunavamwe ndinoti ini, haazi Ishe; Kana hama inomukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha.
13. Nomukadzi unomurume usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kurasha murume wake,
14. nokuti murume usingatendi unoitwa mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene.
15. Zvino kana usingatendi achienda, ngaaende hake. Hama, kana ari murume kana mukadzi, haisungwi nezvakadaro; asi Mwari wakakudanai kuti muve norugare.
16. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako?Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?
17. Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naShe, mumwe nomumwe sezvaakadanwa naMwari, ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinoraira pakereke dzose.
18. Kana mumwe achinge akadanwa akadzingiswa, ngaarege kuitwa usakadzingiswa; kana mumwe achinge akadanwa asakadzingiswa, ngaaarege kudzingiswa.
19. Kudzingiswa hachizi chinhu, nokusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirairo yaMwari.
20. Mumwe nomumwe ngaagare pakudanwa kwaakadanwa nako.
21. Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asi kana ungasunungurwa, zvirinani kuti udaro hako.
22. Nokuti wakadanwa munaShe, ari muranda, wava musunungurwa waShe; saizvozvo vo, wakadanwa akasununguka, wava muranda waKristu.
23. Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu.
24. Hama dzangu, mumwe nomumwe ngaagare pamberi paMwari ipapo paakadanwa napo.
25. Zvino, pamusoro pemhandara, handinomurairo waShe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ngoni naShe kuti ave wakatendeka.
26. Naizvozvo ndinoti nokuda kwenhamo ino, zvakanaka kuti munhu agare akadaro.
27. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here?.
28. Zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.
29. Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vanavakadzi vave savasina;
30. navanochema vave savasingachemi; navanofara savasingafari; navanotenga savasinechinhu;
31. navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuvura.
32. Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Usina kuwana, unofunga zvaShe, kuti ungafadza Ishe wake sei.
33. Asi wakawana, unofunga zvenyika, kuti ungafadza mukadzi wake sei.
34. Panomusiyano pakati pomukadzi nemhandara usina kuwanikwa unofunga zvaShe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi wakawanikwa unofunga zvenyika, kuti ungafadza murume wake sei.
35. Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, vuye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.
36. Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, kana zvirinani kuti zviitwe, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.
37. Asi uyo unomira akasimba pamoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi anesimba pamusoro pokuda kwake, akatema mumoyo make chinhu ichi, kuti uchachengeta mhandara yake, iye unoita zvakanaka.
38. Naizvozvo, unomuwanisa unoita zvakanaka; nosingamuwanisi, unoita zvinopfuvura nokunaka.
39. Mukadzi wakasungwa nomurairo murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, wasununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe munaShe.
40. Asi unganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti neni vo ndinoMweya waMwari.

  1Corinthians (7/16)