1Corinthians (6/16)  

1. Ko kana mumwe wenyu anemhosva nomumwe, ungatsunga kumukwirira kunavasakarurama, akasamukwirira kunavatsvene here?
2. Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here?
3. Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei izvo zvovupenyu bwuno!
4. Zvino kana munemhosva dzovupenyu bwuno dzinofanira kutongwa, munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge?
5. Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko hakuna wakachenejera pakati pwenyu ungagona kutonga pakati pehama nehama yake here?
6. Asi hama inokwirira hama, achizviita pamberi pavasingatendi here?
7. Zvino matova nemosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa?
8. Asi imi munoita zvisakarurama, munonyengetera, muchizviitira hama.
9. Ko hamuzivi kuti vasakarama havangagari nhaka yovushe bwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume,
10. kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka yovushe bwaMwari.
11. Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene. Asi mukaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.
12. Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvinhu zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi handidi kukundwa nechinhu chimwe.
13. Zvokudya ndezvedumbu, nedumbu nderezvokudya; asi Mwari uchaparadza iro naizvo, zvose. Asi muviri hauzi wovupombwe, asi ndowaShe; naShe ndowomuviri;
14. Mwari wakamutsa Ishe, vuye uchatimutsa isu nesimba rake.
15. Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu, ndichatora mitezo yaKristu ndikaiita mitezo yechifeve here
16. hamuzivi kuti wakasonganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye unoti: Ava vaviri vachava nyama imwe.
17. Asi wakasonganiswa naShe, wava mweya mumwe naye.
18. Tizai vupombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze kwomuviri; asi unoita vupombwe, unotadzira muviri wake.
19. Hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yoMweya Mutsvene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu;
20. nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu vuye mumweya yenyu iri yaMwari.

  1Corinthians (6/16)