| ← 1Corinthians (6/16) → |
| 1. | Ko kana mumwe wenyu anemhosva nomumwe, ungatsunga kumukwirira kunavasakarurama, akasamukwirira kunavatsvene here? |
| 2. | Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here? |
| 3. | Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei izvo zvovupenyu bwuno! |
| 4. | Zvino kana munemhosva dzovupenyu bwuno dzinofanira kutongwa, munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge? |
| 5. | Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko hakuna wakachenejera pakati pwenyu ungagona kutonga pakati pehama nehama yake here? |
| 6. | Asi hama inokwirira hama, achizviita pamberi pavasingatendi here? |
| 7. | Zvino matova nemosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa? |
| 8. | Asi imi munoita zvisakarurama, munonyengetera, muchizviitira hama. |
| 9. | Ko hamuzivi kuti vasakarama havangagari nhaka yovushe bwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, |
| 10. | kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka yovushe bwaMwari. |
| 11. | Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene. Asi mukaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu. |
| 12. | Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvinhu zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi handidi kukundwa nechinhu chimwe. |
| 13. | Zvokudya ndezvedumbu, nedumbu nderezvokudya; asi Mwari uchaparadza iro naizvo, zvose. Asi muviri hauzi wovupombwe, asi ndowaShe; naShe ndowomuviri; |
| 14. | Mwari wakamutsa Ishe, vuye uchatimutsa isu nesimba rake. |
| 15. | Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu, ndichatora mitezo yaKristu ndikaiita mitezo yechifeve here |
| 16. | hamuzivi kuti wakasonganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye unoti: Ava vaviri vachava nyama imwe. |
| 17. | Asi wakasonganiswa naShe, wava mweya mumwe naye. |
| 18. | Tizai vupombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze kwomuviri; asi unoita vupombwe, unotadzira muviri wake. |
| 19. | Hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yoMweya Mutsvene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu; |
| 20. | nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu vuye mumweya yenyu iri yaMwari. |
| ← 1Corinthians (6/16) → |