| ← 1Corinthians (5/16) → |
| 1. | Vanhu vose vanoti vupombwe bwuripo pakati penyu, vupombwe bwakadaro bwusingazikanwi kunyange pakati pavahedheni, bwokuti mumwe unogara nomukadzi wababa vake. |
| 2. | Munozvikudza, hazvizaiva nani here kuti dai makachema, kuti uyo wakabate basa iri abviswe pakati penyu? |
| 3. | Nokuti ini, zvirokwazvo, kunyange ndisipo nomuviri, asi ndiripo hangu nomweya, ndatotongesa uyo wakaita chinhu ichi, sendinenge ndiripo, |
| 4. | nemi, makavungana pamwe chete nomweya wangu nezita raShe Jesu Kristu, nesimba raShe wedu Jesu Kristu. |
| 5. | kuti munhu wakadai aiswe kunaSatani, nyama iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raShe Jesu. |
| 6. | Kuzvirumbidza kwenyu hakuna kunaka. Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here? |
| 7. | Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti paseka yedu, yakatibayirwa isu, ndiKristu; |
| 8. | saka ngatiite mutambo, tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nezvokwadi. |
| 9. | Ndakakunyorerai nemwadhi yangu, kuti murege kufambidzana nemhombwe; |
| 10. | handiti nemhobwe dzose dzenyika ino, kana vanoruchiva, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro maifanira kubva panyika. |
| 11. | Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana achinamata zvifananidzo, kana mutuki, kana unosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai. |
| 12. | Nokuti ini ndichatongereiko vari kunze? Ko imi hamutongi vari pakati penyu here? |
| 13. | Asi avo vari kunze. Mwari unovatonga. Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa. |
| ← 1Corinthians (5/16) → |