1Corinthians (5/16)  

1. Vanhu vose vanoti vupombwe bwuripo pakati penyu, vupombwe bwakadaro bwusingazikanwi kunyange pakati pavahedheni, bwokuti mumwe unogara nomukadzi wababa vake.
2. Munozvikudza, hazvizaiva nani here kuti dai makachema, kuti uyo wakabate basa iri abviswe pakati penyu?
3. Nokuti ini, zvirokwazvo, kunyange ndisipo nomuviri, asi ndiripo hangu nomweya, ndatotongesa uyo wakaita chinhu ichi, sendinenge ndiripo,
4. nemi, makavungana pamwe chete nomweya wangu nezita raShe Jesu Kristu, nesimba raShe wedu Jesu Kristu.
5. kuti munhu wakadai aiswe kunaSatani, nyama iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raShe Jesu.
6. Kuzvirumbidza kwenyu hakuna kunaka. Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here?
7. Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti paseka yedu, yakatibayirwa isu, ndiKristu;
8. saka ngatiite mutambo, tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nezvokwadi.
9. Ndakakunyorerai nemwadhi yangu, kuti murege kufambidzana nemhombwe;
10. handiti nemhobwe dzose dzenyika ino, kana vanoruchiva, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro maifanira kubva panyika.
11. Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana achinamata zvifananidzo, kana mutuki, kana unosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.
12. Nokuti ini ndichatongereiko vari kunze? Ko imi hamutongi vari pakati penyu here?
13. Asi avo vari kunze. Mwari unovatonga. Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.

  1Corinthians (5/16)