1Corinthians (4/16)  

1. Munhu upi noupi ngaarangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu.vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
2. Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka.
3. Zvino chinhu chiduku-duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga kwomunhu; handizvitongi ini ndimene.
4. Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi unonditonga ndiye’She.
5. Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe avuya, iye uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomoyo; apo munhu mumwe nomumwe ucharumbidzwa naMwari.
6. Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuvura izvo zvakanyorwa, kuti mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.
7. Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?
8. Matoguta, matofuma, mabata vushe kunze kwedu; dai maibata vushe henyu, kuti isu tibate vo pamwe chete nemi.
9. Nokuti ndinoti Mwari wakatigadza isu vaapostora pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa navanhu.
10. Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imi munesimba; imi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
11. Kusikira nguva ino isu tinenzara, tinenyota, hatina chatingafuka, tinorobwa netsiva, hatinenzvimbo kwayo yokugara;
12. tinotambudzika, tichibata namavoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga moyo;
13. kana tichipomerwa, tinovaraidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino.
14. Handikunyoreriyi zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei savana vangu vanodikanwa.
15. Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vanezvuru zvinegumi munaKristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti munaJesu Kristu ini ndakakuberekai neEvhangeri.
16. Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu.
17. Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mwana wangu unodikanwa, wakatendeka munaShe; iye uchakuyevudzai, mitovo yangu iri munaKristu Jesu, se zvandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
18. Zvino vamwe vanozvikudza, vachiti sokuti handingavuyi kwamuri.
19. Ndichakurumidza kuvuya kwamuri, kana Ishe achida; handingazivi shoko raivavo vanozvikudza, asi simba ravo.
20. Nokuti vushe bwaMwari habwuzi pamashoko, asi pasimba.
21. Munotsvakeiko? Ndivuye kwamuri neshamhu, kana norudo nomweya wovuyoro here?

  1Corinthians (4/16)