| ← 1Corinthians (3/16) → |
| 1. | Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi sokunavoMweya, asi sokunavenyama, sokunavacheche munaKristu. |
| 2. | Ndakakupai mukaka mumwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni. |
| 3. | Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachinegodo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutovo wavanhu here? |
| 4. | Nokuti kana mumwe achiti: Ini ndiri waPauro; mumwe; Ini ndiri waAporo; ko hamuzi venyama here? |
| 5. | Zvino Pauro ndiani? Aporo ndiani? Asi vabati vamakatenda navo. |
| 6. | Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa. |
| 7. | Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza' asi Mwari unomeresa. |
| 8. | Zvino unosima nounodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe uchapiwa mubairo wake, sezvaakabata. |
| 9. | Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari. |
| 10. | Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki wakachenjera; mumwe unovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo. |
| 11. | Nokuti hakunomumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu. |
| 12. | Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana siravheri, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga; |
| 13. | basa romumwe nomumwe richavonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti zvicharatidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini. |
| 14. | Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, uchapiwa mubairo. |
| 15. | Kana basa romunhu rikapiswa, ucharashikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto. |
| 16. | Ko hamuzivi kuti muri tembere yaMwari, vuye kuti Mweya waMwari unogara mukati menyu here? |
| 17. | Kana munhu achitadzira tembere yaMwari Mwari uchamutadzira vo; nokuti tembere yaMwari itsvene, ndimi iyo. |
| 18. | Kurege kuva nomunhu unozvinyengera. Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera. |
| 19. | Nokuti vuchenjeri bwenyika ino vupenzi kunaMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera, pamano avo. |
| 20. | Vuye zve: Ishe unoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzinamaturo. |
| 21. | Naizvozvongakurege kuva nomunhu unovimba navanhu. Nokuti zvinhu zvose ndezvenyu; |
| 22. | kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana vupenyu; kana rufu, kana zvazvino, kana zvinovuya; zvose ndezvenyu; |
| 23. | imi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari. |
| ← 1Corinthians (3/16) → |