1Corinthians (3/16)  

1. Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi sokunavoMweya, asi sokunavenyama, sokunavacheche munaKristu.
2. Ndakakupai mukaka mumwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni.
3. Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachinegodo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutovo wavanhu here?
4. Nokuti kana mumwe achiti: Ini ndiri waPauro; mumwe; Ini ndiri waAporo; ko hamuzi venyama here?
5. Zvino Pauro ndiani? Aporo ndiani? Asi vabati vamakatenda navo.
6. Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa.
7. Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza' asi Mwari unomeresa.
8. Zvino unosima nounodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe uchapiwa mubairo wake, sezvaakabata.
9. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
10. Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki wakachenjera; mumwe unovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.
11. Nokuti hakunomumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.
12. Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana siravheri, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga;
13. basa romumwe nomumwe richavonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti zvicharatidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.
14. Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, uchapiwa mubairo.
15. Kana basa romunhu rikapiswa, ucharashikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto.
16. Ko hamuzivi kuti muri tembere yaMwari, vuye kuti Mweya waMwari unogara mukati menyu here?
17. Kana munhu achitadzira tembere yaMwari Mwari uchamutadzira vo; nokuti tembere yaMwari itsvene, ndimi iyo.
18. Kurege kuva nomunhu unozvinyengera. Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.
19. Nokuti vuchenjeri bwenyika ino vupenzi kunaMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera, pamano avo.
20. Vuye zve: Ishe unoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzinamaturo.
21. Naizvozvongakurege kuva nomunhu unovimba navanhu. Nokuti zvinhu zvose ndezvenyu;
22. kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana vupenyu; kana rufu, kana zvazvino, kana zvinovuya; zvose ndezvenyu;
23. imi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari.

  1Corinthians (3/16)