| ← 1Corinthians (2/16) → |
| 1. | Zvino ini, hama dzangu, pakuvuya kwangu kwamuri, handina kuvuya ndichikuparidzirai vuchapupu bwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kwovuchenjeri. |
| 2. | Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroverwa pamuchinjikwa. |
| 3. | Ndakanga ndiri pakati penyu novutera, nokutya, nokudedera kukuru, |
| 4. | neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ovuchenjeri; hwavanhu asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba; |
| 5. | kuti kutenda kwenyu kurege kuva muvuchenjeri bwavanhu, asi musimba raMwari. |
| 6. | Zvino tinotaura vuchenjeri pakati pavakakwana; asi vuchenjeri bwusati bwuri bwenyika ino, kana bwavabati venyika ino vanoshaiswa simba. |
| 7. | Asi tinotaura vuchenjeri bwaMwari bwakavanzika, bwakafukidzwa, bwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo; |
| 8. | bwusina kuzivikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. |
| 9. | Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda. |
| 10. | Nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwatiri isu noMweya; nokuti Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari. |
| 11. | Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu, uri maari? Saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari. |
| 12. | Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kunaMwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari. |
| 13. | Ndizvo zvatinotauravo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa novuchenjeri bwomunhu, asi anodzidziswa noMweya mutsvene; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya. |
| 14. | Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya. |
| 15. | Asi uri woMweya unonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu. |
| 16. | Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomurangariro waKristu. |
| ← 1Corinthians (2/16) → |