1Corinthians (2/16)  

1. Zvino ini, hama dzangu, pakuvuya kwangu kwamuri, handina kuvuya ndichikuparidzirai vuchapupu bwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kwovuchenjeri.
2. Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroverwa pamuchinjikwa.
3. Ndakanga ndiri pakati penyu novutera, nokutya, nokudedera kukuru,
4. neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ovuchenjeri; hwavanhu asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba;
5. kuti kutenda kwenyu kurege kuva muvuchenjeri bwavanhu, asi musimba raMwari.
6. Zvino tinotaura vuchenjeri pakati pavakakwana; asi vuchenjeri bwusati bwuri bwenyika ino, kana bwavabati venyika ino vanoshaiswa simba.
7. Asi tinotaura vuchenjeri bwaMwari bwakavanzika, bwakafukidzwa, bwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo;
8. bwusina kuzivikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.
9. Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.
10. Nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwatiri isu noMweya; nokuti Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.
11. Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu, uri maari? Saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.
12. Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kunaMwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.
13. Ndizvo zvatinotauravo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa novuchenjeri bwomunhu, asi anodzidziswa noMweya mutsvene; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya.
14. Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya.
15. Asi uri woMweya unonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu.
16. Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomurangariro waKristu.

  1Corinthians (2/16)