1Corinthians (16/16)    

1. Zvino, kana zviri zvipo zakavunganidzirwa vatsvene, se zvandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemi vo seizvozvo.
2. Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, avunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuvunganidzwa, kana ndichisvika.
3. Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda nemwadhi, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusarema.
4. Kana zvakafanira kuti ini ndiende vo, vangaenda neni.
5. Zvino ndichavuya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia.
6. Zvimwe ndichagara nemi, kunyange ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda.
7. Nokuti handidi kukuvonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera.
8. Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPentekosta.
9. Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru unebasa guru; navadzivisi vazhinji varipo.
10. Zvino kana Timotio achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti unobata basa raShe, sezvandinoita ini.
11. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu unomuzvidza. Asi mumuperekedze norugare, kuti avuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwe chete nehama.
12. Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti avuye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama; asi wakanga asingatongodi kuvuya zvino, uchavuya hake kana awana nguva yakanaka.
13. Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe.
14. Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.
15. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaStefana, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene
16. Kuti nemi vo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata.
17. Ndinofara nokuvuya kwaStefana, naFortunato, naAkaiako; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi.
18. Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro.
19. Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru munaShe, pamwe chete nekereke iri mumba mavo.
20. Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokusveta kutsvene.
21. Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu.
22. Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave wakatukwa. Ishe unovuya!
23. Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nemi.
24. Rudo rwangu ngaruve nemi mose munaKristu Jesu. Ameni.

  1Corinthians (16/16)