| ← 1Corinthians (16/16) |
| 1. | Zvino, kana zviri zvipo zakavunganidzirwa vatsvene, se zvandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemi vo seizvozvo. |
| 2. | Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, avunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuvunganidzwa, kana ndichisvika. |
| 3. | Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda nemwadhi, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusarema. |
| 4. | Kana zvakafanira kuti ini ndiende vo, vangaenda neni. |
| 5. | Zvino ndichavuya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia. |
| 6. | Zvimwe ndichagara nemi, kunyange ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda. |
| 7. | Nokuti handidi kukuvonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera. |
| 8. | Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPentekosta. |
| 9. | Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru unebasa guru; navadzivisi vazhinji varipo. |
| 10. | Zvino kana Timotio achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti unobata basa raShe, sezvandinoita ini. |
| 11. | Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu unomuzvidza. Asi mumuperekedze norugare, kuti avuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwe chete nehama. |
| 12. | Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti avuye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama; asi wakanga asingatongodi kuvuya zvino, uchavuya hake kana awana nguva yakanaka. |
| 13. | Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe. |
| 14. | Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo. |
| 15. | Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaStefana, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene |
| 16. | Kuti nemi vo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata. |
| 17. | Ndinofara nokuvuya kwaStefana, naFortunato, naAkaiako; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi. |
| 18. | Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro. |
| 19. | Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru munaShe, pamwe chete nekereke iri mumba mavo. |
| 20. | Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokusveta kutsvene. |
| 21. | Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu. |
| 22. | Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave wakatukwa. Ishe unovuya! |
| 23. | Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nemi. |
| 24. | Rudo rwangu ngaruve nemi mose munaKristu Jesu. Ameni. |
| ← 1Corinthians (16/16) |