| ← 1Corinthians (15/16) → |
| 1. | Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai Evhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamagamuchira vo, neyamunomira vo mairi; |
| 2. | iyo yamunoponeswa vo nayo, kana muchiibatisa nomutovo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina. |
| 3. | Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchira vo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa paMagwaro; |
| 4. | vuye kuti wakavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa paMagwaro; |
| 5. | akazviratidza kunaKefasi, ipapo kunavanegumi navaviri; |
| 6. | ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuvura mazana mashanu kamwe-vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vavata. |
| 7. | Ipapo akazviratidza kunaJakobho; ipapo kunavaapostora vose. |
| 8. | pakupedzisira akazviratidza kwandiri vo, sokunowakazvarwa nguva isati yasvika. |
| 9. | Nokuti ini ndiri muduku kuvapostora vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari. |
| 10. | Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu wakadai zvino: nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuvura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni. |
| 11. | Naizvozvo, kana ndirini kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemi makatenda kudai. |
| 12. | Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti wakamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa? |
| 13. | Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu ungadai asina kumutswa vo; |
| 14. | vuye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva vo pasina. |
| 15. | Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari wakamutsa Kristu, iye waasina kumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi. |
| 16. | Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu, haana kumutswa vo; |
| 17. | kana Kristu asinakumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu. |
| 18. | Zvino naivo vakafa munaKristu vakarashika vo. |
| 19. | Kana tinetariro kunaKristu pavupenyu bwuno bedzi, tinonzwisa vurombo kukunda vanhu vose. |
| 20. | Nokuti zvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata. |
| 21. | Nokuti rufu zvarwakavuya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakavuya nomunhu vo. |
| 22. | Nokuti vose sezvavanofa munaAdhama, saizvozvo vo vose vachararamiswa munaKristu. |
| 23. | Asi mumumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuvuya kwake. |
| 24. | Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, vushe panguva yaachaparadza kubata kwose, novushe bwose, nesimba. |
| 25. | Nokuti unofanira kubata vushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. |
| 26. | Muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirworufu. |
| 27. | Nokuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti: Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinovonekwa pachena kuti iye, wakaisa zvose pasi pake, haana kuiswapo. |
| 28. | Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomana vo amene uchaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kunavose. |
| 29. | Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzwirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa? |
| 30. | Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko? |
| 31. | Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu munaKristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe. |
| 32. | Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa. |
| 33. | Musanyengerwa; vushamwari bwakaipa bwunovodza tsika dzakanaka. |
| 34. | Pengenukai kune zvakarurama, murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kutimunyadziswe. |
| 35. | Asi mumwe ungati: Vachavuya nomuviri wakaita sei? |
| 36. | Iwe benzi, icho chaunodzwara hachimeri, kana chisingafi. |
| 37. | Chaunodzwara, haudzwari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe; |
| 38. | asi Mwari unoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo. |
| 39. | Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe; ndeyehove. |
| 40. | Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe. |
| 41. | Kunokubwinya kwezuva, ndokumwe, nkubwinya kwomwedzi, ndokumwe kubwinya kwenyeredzi, ndokumwe nokuti imwe nyeredzi inosiyana neimwe pakubwinya. |
| 42. | Ndizvo zvakaita vo kumuka kwavakafa. Muviri unodzvarwa pakuvora; unomutswa pakusavora; |
| 43. | unodzwarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodzwarwa pavutera, unomutswa pasimba. |
| 44. | Unodzwarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo. |
| 45. | Zvakanyorwa vo saizvozvo, zvichinzi: Munhu wokutanga, Adhama, wakaitwa munhu mupenyu; Adhama wokupedzisira wakaitwa mweya, unopa vupenyu. |
| 46. | Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya. |
| 47. | Munhu wokutanga ndowenyika, ivhu; munhu wechipiri ndiIshe akabva kudenga. |
| 48. | Saiye wevhu, ndizvo zvakaita vo avo vevhu; saiye okudenga, ndizvo zvakaita vo ivo vokudenga. |
| 49. | Vuye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichava vo nomufananidzo waiye wokudenga. |
| 50. | Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari; nokuvora hakungagari nhaka yokusavora. |
| 51. | Tarirai, ndinokuvudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; |
| 52. | pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa mukusavora; nesu tichashandurwa; |
| 53. | nokuti ichi chinovora chinofanira kufuka kusavora; nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa. |
| 54. | Zvino kana ichi chinovora chafuka kusavora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda. |
| 55. | Iwe rufu rumborera rwako ruripiko? Iwe bwiro kukunda kwako kuripiko? |
| 56. | Rumborera gorufu chivi, nesimba rechivi murairo. |
| 57. | Zvino Mwari ngaavongwe, unotipa kukunda munaKristu Jesu. |
| 58. | Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe. |
| ← 1Corinthians (15/16) → |