1Corinthians (14/16)  

1. Teverai rudo, shingairirai zvipo zvoMweya, asi zvikuru kuti muprofite.
2. Nokuti unotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kunaMwari; nokuti hakuna unomunzwa; asi noMweya unotaura zvakavanzika.
3. Asi unoporofita, unotaura kuvanhu, kuti vasimbiswe nokurairwa, nokunyaradzwa.
4. Unotaura norurimi, unozvisimbisa iye; asi unoporofita, unosimbisa kereke.
5. Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite; unoporofita mukuru kunounotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe.
6. Asi zvino, hama dzangu, kana ndichivuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?
7. Kunyange zvinhu zvisinovupenyu, zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana rudimbwa?
8. Nokuti kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko ungazvigadzira kundorwa?
9. Zvakadaro vo nemi, kana musingatauri norurimi mashoko anonatso-zikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo.
10. Manzwi anamarudzi mazhinji panyika, hakunechinhu chisinenzwi racho.
11. Zvino kana ndisingazivi kuti inzwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kuno unotaura, nounotaura uchava kwandiri somunhu worumwe rurimi.
12. Saizvozvovo imi, zvamunoshingairira zvinhu zvoMweya, tsvakai zvikuru kuti musimbise kereke.
13. Saka unotaura norumwe rurimi,ngaanyengetere kuti adudzirevo
14. Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi,mweya wangu unonyengetera asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko.
15. Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu vuye ndichanyengetera nokufunga kwangu vo; ndichaimba nomweya wangu, vuye ndichaimba nokufunga kwangu vo.
16. Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo ugere pachigaro chavasina kudzidza, uchati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe?
17. Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi.
18. Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose;
19. asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashoma nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwe vo, pakutaura norumwe rurimi mashoko anezvuru zvinegumi.
20. Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru.
21. Pamurairo pakanyorwa, pachiti: Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditereri ndizvo zvinoreva Ishe.
22. Saka ndimi hadzizi chiratidzo kunavanotenda, asi kunavasingatendi; asi kunavanotenda.
23. Naizvozvo, kana kereke yose yavungana, vose vakataura nendimi, vasinakudzidza kana vasina kutenda vakapinda, havati munopenga here?
24. Asi kana vose vakaporofita, mumwe usingatendi kana usina kudzidza akapinda, uchatendiswa; navose, uchatongwa navose;
25. nenzira iyi zvakavanzika zvomoyo wake zvinoratidzwa; naizvozvo uchawira pasi nechiso chake, achinamata Ishe, nokupupura kuti Mwari uri pakati penyu zvirokwazvo.
26. Zvino tichatiyiko, hama dzangu? Kana muchivungana, mumwe nomumwe unepisarema, unechokudzidzisa, unechaakazarurirwa, unorumwe rurimi, unechokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe.
27. Kana mumwe achitaura norurimi, ngazviitwe navaviri, kana varege kupfuvura vatatu, vachiravana; nomumwe ngaadudzire.
28. Asi kana pasina unodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye, nokunaMwari.
29. Vaporofita ngavataure vaviri, kana vatatu, navamwe ngavaidze.
30. Zvino kana chimwe chinhu chikazarurirwa mumwe ugerepo, wokutanga ngaanyarare.
31. Nokuti mungaporofita mose, muchiita mumwe-mumwe, kuti vose vadzidze, vose vanyaradzwe.
32. Mweya yavaporofita inozviisa pasi pavaporofita;
33. nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzavatsvene.
34. Vanhukadzi venyu ngavanyarare mukereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi vanorairwa kuti vazviise pasi, sezvinoreva vo murairo.
35. Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti chinhu chinonyadzisa kuti vanhukadzi vataure mukereke.
36. Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here?
37. Kana munhu achiti, ndiri muporofita, kana ndiri womweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai, murairo waShe,
38. Asi kana munhu asingazivi, ngaave usingazivi hake.
39. Saka, hama dzangu, shingairirai kuporofita, musingadzivisi mumwe kutaura nendimi.
40. Asi zinhu zvose ngazviitwe nomutovo wakafanira zvinemirairo yazvo.

  1Corinthians (14/16)