| ← 1Corinthians (13/16) → |
| 1. | Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisinorudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti: Ngwere-ngwere! |
| 2. | Kunyange ndinechipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinorudo, handizi chinhu. |
| 3. | Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisinorudo, handibatsirwi chinhu. |
| 4. | Rudo runomoyo murefu, runomoyo munyoro; rudo harunegodo; rudo harunamanyawi, haruzvikudzi; |
| 5. | haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, harunezvishura; |
| 6. | harufariri zvisakarurama, asi runofarira zvokwadi; |
| 7. | runofukidza zvose, runotenda zvose, runetariro pazvose, runotsungirira pazvose. |
| 8. | Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa. |
| 9. | Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana; |
| 10. | asi kana zvakakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabiswa. |
| 11. | Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana. |
| 12. | Nokuti zvino tinovona pachivoni-voni, tisingavoni kwazvo; asi nenguva iyo tichavona nezviso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neni vo. |
| 13. | Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo. |
| ← 1Corinthians (13/16) → |