| ← 1Corinthians (11/16) → |
| 1. | Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu. |
| 2. | Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengeta tsika, sezvandakakupai idzo. |
| 3. | Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu;vuye musoro womukadzi ndiye murume; vuye musoro waKristu ndiye Mwari. |
| 4. | Murume mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake wakafukidzwa, unoninipisa musoro wake. |
| 5. | Asi mukadzi mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake usina kufukidzwa, unoninipisa musoro wake; nokuti ndizvo zvimwe nokuvevurwa. |
| 6. | Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rake vo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana avevurwe, ngaafukidzwe. |
| 7. | Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, zvaari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi ndiye kubwinya kwomurume. |
| 8. | Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume; |
| 9. | vuye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume; |
| 10. | nokuda kweizvozvo mukadzi unofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake, nokuda kwavatumwa. |
| 11. | Kunyange zvakadaro munaShe mukadzi haazi kunze kwomurume,, nomurume haazi kunze kwomukadzi. |
| 12. | Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, nokudaro vo murume unoberekwa nomukadzi; asi zvose zvinobva kunaMwari. |
| 13. | Tongai imi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kunaMwari asina kufukidzwa here? |
| 14. | Ko hamudzidziswi naiwo musikirwe wavanhu kuti kana murume anevhudzi refu, unonyadziswa nazvo here? |
| 15. | Asi kana mukadzi anevhudzi refu, ndiko kubwinya kwake; nokuti wakapiwa vhudzi rake, chive chifukidzo. |
| 16. | Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatinetsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari. |
| 17. | Zvino kana ndichikuvudzai izvi, handikurumbidziyi, nokuti hamuvunganiri zvinopfuvura nokunaka, asi zvakaipa. |
| 18. | Nokuti shoko rokutanga, kana muchivungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo. |
| 19. | Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vavonekwe pakati penyu. |
| 20. | Zvino kana muchivungana pamwe chete, hakuzi kuti mudye chirayiro chaShe; |
| 21. | nokuti kana modya, mumwe nomumwe unotangira vamwe kudya chirayiro chake; mumwe unenzara, mumwe wakabatwa. |
| 22. | Ko hamunedzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasinechinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidziyi. |
| 23. | Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupai vo, kuti Ishe Jesu novusiku bwaakapandukirwa, wakatora chingwa; |
| 24. | akati avonga, akachimedura, akati: torai mudye. Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira. |
| 25. | Saizvozvo vo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu;itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira. |
| 26. | Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achivuya. |
| 27. | Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe. |
| 28. | Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu. |
| 29. | Nokuti unodya nokunwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganatso nzwisisa muviri waShe. |
| 30. | Nemhaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasinesimba, vanorwara; vazhinji vavete. |
| 31. | Nokuti dai taizviidza isu timene, hatizairobwa. |
| 32. | Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naShe, kuti tirege kutongerwa kurohwa pamwe chete nenyika. |
| 33. | Naizvozvo, hama dzangu, kana muchivunganira pakudya, miriranai. |
| 34. | Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuvunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika. |
| ← 1Corinthians (11/16) → |