| ← 1Corinthians (10/16) → |
| 1. | Nokuti handidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore, vuye kuti vose vakayambuka gungwa; |
| 2. | vose vakabhabhatidzwa munaMosesi mugore nomugungwa; |
| 3. | vose vakadya zvokudya zvimwe zomweya; |
| 4. | vose vakanwa zvokunwa padombo romweya rakavatevera; dombo iro rakanga riri Kristu. |
| 5. | Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; nokuti vakaparadzwa murenje. |
| 6. | Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo. |
| 7. | imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi pakudya nokunwa, vakasimuka kuti vatambe. |
| 8. | Zvino ngatirege kuita vupombwe, savamwe vavo vakaita vupombwe, vakafa nezuva rimwe venezvuru zvinamakumi maviri nezvitatu. |
| 9. | Ngatirege kuidza Kristu, savamwe vavo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka. |
| 10. | Murege kun’un’una savamwe vavo vakan’un’una, vakaparadzwa nomuparadzi. |
| 11. | Zvino, zvinhu izvi zvose zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika. |
| 12. | Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa. |
| 13. | Hakunomuidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuvura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupai vo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga. |
| 14. | Naizvozvo, vadikanwa vangu, tizai kunamata zvifananidzo. |
| 15. | Ndinotaura sokunavakachenjera; fungai zvandinotaura. |
| 16. | Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusongana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusongana nomuviri waKristu here? |
| 17. | Zvachiri chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe. |
| 18. | Tarirai vaIsraeri panyama; avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here? |
| 19. | Zvino ndotiyiko? Kuti chakabayirwa chifananidzo chinhu here? kana chifananidzo chinhu here? |
| 20. | Kwete, asi ndinoti izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayirwi Mwari, asi mweya yakaipa; zvino handidi kuti muyanane nemweya yakaipa. |
| 21. | Hamunganwiri pamukombe waShe, napamukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaShe napatafura yemweya yakaipa. |
| 22. | Ko tinoda kumutsa godo raShe here? Tinomukunda nesimba here? |
| 23. | Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi. |
| 24. | Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe. |
| 25. | Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana; |
| 26. | nokuti nyika ndeyaShe nokuzara kwayo. |
| 27. | Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana. |
| 28. | Asi kana mumwe akati kwamuri: Ichi chakabayirwa zvifananidzo, regai kudya nokuda kwaiye wakakuratidzai, vuye nokuda kwehana; |
| 29. | handirevi hana yako, asi yomumwe;nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe? |
| 30. | Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho? |
| 31. | Naizvozvo, kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe. |
| 32. | Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana kereke yaMwari. |
| 33. | Seni vo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe. |
| ← 1Corinthians (10/16) → |