1Corinthians (1/16)  

1. Pauro, wakadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave muapostora waKristu Jesu, naSostene, hama yedu,
2. kukereke yaMwari iri paKorinte, kunavakaitwa vatsvene munaKristu Jesu, vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vanodana pose-pose zita raJesu Kristu, Ishe wedu, wavo nowedu:
3. Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu.
4. Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa munaKristu Jesu;
5. kuti makafumiswa pazvose maari, pakutaura kwose, napakuziva kwose;
6. nokudaro vuchapupu bwaKristu bwakasimbiswa mamuri;
7. kuti hamushaiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaShe wedu, Jesu Kristu;
8. uchakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi pazuva raShe Jesu Kristu.
9. Mwari ndiye wakatendeka, wamakadanwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu.
10. Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.
11. Nokuti ndakavudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navari vokwaKroe, kuti kunegakava pakati penyu.
12. Zvandinoreva ndizvo, kuti mumwe nomumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu.
13. Ko Pauro wakaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
14. Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Krispo naGayo;
15. kuti kurege kuva nomunhu ungati, makabhabhatidzwa muzita rangu.
16. Ndakabhabhatidza vo veimba yaStefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe.
17. Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Evhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKrsitu urege kukoneswa.
18. Nokuti shoko romuchinjikwa vupenzi kunavanoparadzwa; asi kwatiri., isu tinoponeswa, isimba raMwari.
19. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza vuchenjeri bwavakachenjera, Ndichakonesa kuziva kwavanoziva.
20. Wakachenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mwari haana kuita vuchenjeri bwenyika bwuve vupenzi here?
21. Nokuti pashure muvuchenjeri bwaMwari, nyika novuchenjeri bwayo haina kuziva Mwari, nokuti zvakafadza Mwari novupenzi bwokuparidza kuponesa vanotenda.
22. Nokuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, navaGiriki vanotsvaka vuchenjeri;
23. asi isu tinoparidza Kristu, wakaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, novupenzi kuvahedheni;
24. asi kunavakadanwa, vaJudha navaGiriki Kristu isimba raMwari novuchenjeri hwaMwari.
25. Nokuti vupenzi bwaMwari bwakachenjera kupfuvura vanhu; novutera bwaMwari bwakasimba kupfuvura vanhu.
26. Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vanesimba, havazi vazhinji vanokudzwa;
27. asi Mwari wakatsaura zvinhu zvovupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; Mwari wakatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, kuti anyadzise izvo zvinesimba;
28. Mwari wakatsaura zvinhu zvinozidzwa zvenyika, nezvinoshovorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zviripo simba razvo,
29. kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.
30. Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu vuchenjeri bwunobva kunaMwari, nokururama, nokuitwa vatsvene, norudzikinuro.
31. Kuti unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe, sezvazvakanyorwa.

      1Corinthians (1/16)