| 1Corinthians (1/16) → |
| 1. | Pauro, wakadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave muapostora waKristu Jesu, naSostene, hama yedu, |
| 2. | kukereke yaMwari iri paKorinte, kunavakaitwa vatsvene munaKristu Jesu, vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vanodana pose-pose zita raJesu Kristu, Ishe wedu, wavo nowedu: |
| 3. | Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu. |
| 4. | Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa munaKristu Jesu; |
| 5. | kuti makafumiswa pazvose maari, pakutaura kwose, napakuziva kwose; |
| 6. | nokudaro vuchapupu bwaKristu bwakasimbiswa mamuri; |
| 7. | kuti hamushaiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaShe wedu, Jesu Kristu; |
| 8. | uchakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi pazuva raShe Jesu Kristu. |
| 9. | Mwari ndiye wakatendeka, wamakadanwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu. |
| 10. | Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe. |
| 11. | Nokuti ndakavudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navari vokwaKroe, kuti kunegakava pakati penyu. |
| 12. | Zvandinoreva ndizvo, kuti mumwe nomumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu. |
| 13. | Ko Pauro wakaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here? |
| 14. | Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Krispo naGayo; |
| 15. | kuti kurege kuva nomunhu ungati, makabhabhatidzwa muzita rangu. |
| 16. | Ndakabhabhatidza vo veimba yaStefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe. |
| 17. | Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Evhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKrsitu urege kukoneswa. |
| 18. | Nokuti shoko romuchinjikwa vupenzi kunavanoparadzwa; asi kwatiri., isu tinoponeswa, isimba raMwari. |
| 19. | Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza vuchenjeri bwavakachenjera, Ndichakonesa kuziva kwavanoziva. |
| 20. | Wakachenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mwari haana kuita vuchenjeri bwenyika bwuve vupenzi here? |
| 21. | Nokuti pashure muvuchenjeri bwaMwari, nyika novuchenjeri bwayo haina kuziva Mwari, nokuti zvakafadza Mwari novupenzi bwokuparidza kuponesa vanotenda. |
| 22. | Nokuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, navaGiriki vanotsvaka vuchenjeri; |
| 23. | asi isu tinoparidza Kristu, wakaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, novupenzi kuvahedheni; |
| 24. | asi kunavakadanwa, vaJudha navaGiriki Kristu isimba raMwari novuchenjeri hwaMwari. |
| 25. | Nokuti vupenzi bwaMwari bwakachenjera kupfuvura vanhu; novutera bwaMwari bwakasimba kupfuvura vanhu. |
| 26. | Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vanesimba, havazi vazhinji vanokudzwa; |
| 27. | asi Mwari wakatsaura zvinhu zvovupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; Mwari wakatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, kuti anyadzise izvo zvinesimba; |
| 28. | Mwari wakatsaura zvinhu zvinozidzwa zvenyika, nezvinoshovorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zviripo simba razvo, |
| 29. | kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari. |
| 30. | Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu vuchenjeri bwunobva kunaMwari, nokururama, nokuitwa vatsvene, norudzikinuro. |
| 31. | Kuti unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe, sezvazvakanyorwa. |
| 1Corinthians (1/16) → |