← 1Chronicles (8/29) → |
1. | Bhenjamini akabereka mwana wake wedangwe Bhera, naAshibheri wechipiri, naAhara wechitatu; |
2. | naNoa wechina, naRafa weshanu. |
3. | Bhera akabereka vanakomana: Adhari, naGera naAbhihudhi; |
4. | naAbhishua, naNaamani, naAhoa; |
5. | naGera, naShefufani, naHurami. |
6. | Ava ndivo vanakomana vaEhudhi: Ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paGebha, vakavatapa, vakaenda navo Manahati; |
7. | naNaamani, naAhiya, naGera, iye akavatapa; akabereka Uza naAhihudhi. |
8. | Shaharaimi akabereka vanakomana panyika yaMoabhi, adzinga vakadzi vake Hushimi naBhaara. |
9. | Akabereka kumukadzi wake Hodheshi: Jobhabhu, naZibhia, naMesha, naMarikami; |
10. | naJeuzi, naShakia, naMirima. Ndivo vanakomana vake, vakuru vedzimba dzamadzibaba. |
11. | Hushimi akabereka Abhitubhi naEripaari. |
12. | Vanakomana vaEripaari: Ebheri, naMishami, naShemedhi; ndiye wakavaka Ono, naRodhi, nemisha yawo; |
13. | naBheira, naShema, ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paAjaroni, vakadzinga vakanga vagere paGati; |
14. | naAhiyo, naShashaki, naJeremoti; |
15. | naZebhedhia, naAradhi, naEdheri; |
16. | naMikaeri, naIshipa, naJoha, ivo vanakomana vaBheira; |
17. | naZebhedhia, naMeshurami, naHiziki, naHebheri; |
18. | naIshimerai, naIziria, naJobhabhu, ivo vanakomana vaEripaari; |
19. | naJakimi, naZikiri, naZabhudhi; |
20. | naErienai, naZiretai, naErieri; |
21. | naAdhaya, naBheraya, naShimirati, ivo vanakomana vaShimei; |
22. | naIshipani, naEbheri, naErieri; |
23. | naAbhidhoni, naZikiri, naHanani; |
24. | naHanania, naErami, naAnatotiya; |
25. | naIfudheya, naPenueri, ivo vanakomana vaShashaki; |
26. | naShamisherai, neSheharia, naAtaria; |
27. | naJareshia, naEria, naZikiri, ivo vanakomana vaJehorami. |
28. | Ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba kumarudzi avo ose, vakuru; ivo vaigara Jerusaremu. |
29. | PaGibhiyoni paigara baba vaGibhiyoni, wainzi Jeyieri, zita romukadzi wake rakanga riri Maaka. |
30. | Mwanakomana wake wedangwe aiva Abhidhoni, naZuri, naKishi, naBhaari, naNadhabhi; |
31. | naGedhori, naAhio, naZekariya. |
32. | Mikiroti akabereka Shimea. Naivo vaigara nehama dzavo Jerusaremu, vakatarisana nehama dzavo. |
33. | Neri akabereka Kishi, Kishi akabereka Sauro, Sauro akabereka Jonatani, naMarikishua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari. |
34. | Mwanakomana waJonatani akanga ari Meribhibhaari; Meribhibhaari akabereka Mika. |
35. | Vanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi. |
36. | Ahazi akabereka Joadha, Joadha akabereka Arimeti, naAzimavheti, naZimiri; Zimiri akabereka Moza; |
37. | Moza akabereka Bhinea; Rafa waiva mwanakomana wake, naEreasa mwanakomana wake, naAzeri mwanakomana wake. |
38. | Azeri wakanga ana vanakomana vatanhatu; mazita avo ndiwo: Azirikami, naBhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ava vose vaiva vanakomana vaAzeri. |
39. | Vanakomana vaEsheki munun’una wake: Urami mwanakomana wake wedangwe, naJeuzi wechipiri, naErifereti wechitatu. |
40. | Vanakomana vaUrami vaiva varume vane simba noumhare, vapfuri vemiseve; vakanga vana vanakomana vazhinji, navanakomana vavanakomana vavo, vakasvika zana namakumi mashanu. Ivo vose vaiva vanakomana vaBhenjamini. |
← 1Chronicles (8/29) → |