1Chronicles (8/29)  

1. Bhenjamini akabereka mwana wake wedangwe Bhera, naAshibheri wechipiri, naAhara wechitatu;
2. naNoa wechina, naRafa weshanu.
3. Bhera akabereka vanakomana: Adhari, naGera naAbhihudhi;
4. naAbhishua, naNaamani, naAhoa;
5. naGera, naShefufani, naHurami.
6. Ava ndivo vanakomana vaEhudhi: Ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paGebha, vakavatapa, vakaenda navo Manahati;
7. naNaamani, naAhiya, naGera, iye akavatapa; akabereka Uza naAhihudhi.
8. Shaharaimi akabereka vanakomana panyika yaMoabhi, adzinga vakadzi vake Hushimi naBhaara.
9. Akabereka kumukadzi wake Hodheshi: Jobhabhu, naZibhia, naMesha, naMarikami;
10. naJeuzi, naShakia, naMirima. Ndivo vanakomana vake, vakuru vedzimba dzamadzibaba.
11. Hushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.
12. Vanakomana vaEripaari: Ebheri, naMishami, naShemedhi; ndiye wakavaka Ono, naRodhi, nemisha yawo;
13. naBheira, naShema, ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paAjaroni, vakadzinga vakanga vagere paGati;
14. naAhiyo, naShashaki, naJeremoti;
15. naZebhedhia, naAradhi, naEdheri;
16. naMikaeri, naIshipa, naJoha, ivo vanakomana vaBheira;
17. naZebhedhia, naMeshurami, naHiziki, naHebheri;
18. naIshimerai, naIziria, naJobhabhu, ivo vanakomana vaEripaari;
19. naJakimi, naZikiri, naZabhudhi;
20. naErienai, naZiretai, naErieri;
21. naAdhaya, naBheraya, naShimirati, ivo vanakomana vaShimei;
22. naIshipani, naEbheri, naErieri;
23. naAbhidhoni, naZikiri, naHanani;
24. naHanania, naErami, naAnatotiya;
25. naIfudheya, naPenueri, ivo vanakomana vaShashaki;
26. naShamisherai, neSheharia, naAtaria;
27. naJareshia, naEria, naZikiri, ivo vanakomana vaJehorami.
28. Ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba kumarudzi avo ose, vakuru; ivo vaigara Jerusaremu.
29. PaGibhiyoni paigara baba vaGibhiyoni, wainzi Jeyieri, zita romukadzi wake rakanga riri Maaka.
30. Mwanakomana wake wedangwe aiva Abhidhoni, naZuri, naKishi, naBhaari, naNadhabhi;
31. naGedhori, naAhio, naZekariya.
32. Mikiroti akabereka Shimea. Naivo vaigara nehama dzavo Jerusaremu, vakatarisana nehama dzavo.
33. Neri akabereka Kishi, Kishi akabereka Sauro, Sauro akabereka Jonatani, naMarikishua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari.
34. Mwanakomana waJonatani akanga ari Meribhibhaari; Meribhibhaari akabereka Mika.
35. Vanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi.
36. Ahazi akabereka Joadha, Joadha akabereka Arimeti, naAzimavheti, naZimiri; Zimiri akabereka Moza;
37. Moza akabereka Bhinea; Rafa waiva mwanakomana wake, naEreasa mwanakomana wake, naAzeri mwanakomana wake.
38. Azeri wakanga ana vanakomana vatanhatu; mazita avo ndiwo: Azirikami, naBhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ava vose vaiva vanakomana vaAzeri.
39. Vanakomana vaEsheki munun’una wake: Urami mwanakomana wake wedangwe, naJeuzi wechipiri, naErifereti wechitatu.
40. Vanakomana vaUrami vaiva varume vane simba noumhare, vapfuri vemiseve; vakanga vana vanakomana vazhinji, navanakomana vavanakomana vavo, vakasvika zana namakumi mashanu. Ivo vose vaiva vanakomana vaBhenjamini.

  1Chronicles (8/29)