1Chronicles (7/29)  

1. Vanakomana vaIsakari: Tora, naPua, naJashubhi, naShimironi, ivo vana.
2. Vanakomana vaTora: Uzi, naRefaya, naJerieri, naJamai, naIbhisami, naShemueri, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, idzo dzaTora; vaiva varume vane simba noumhare pakati pamarudzi avo, pamazuva aDhavhidhi vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.
3. Vanakomana vaUzi; Izirahiya; navanakomana vaIzirahiya: Mikaeri naObhadhiya, naJoeri, naIshia, ivo vashanu; ava vose vakanga vari vakuru.
4. Kwavari, kumarudzi avo nokudzimba dzamadzibaba avo, kwakanga kuna mapoka ehondo dzokurwa ane zviuru zvina makumi matatu nezvitanhatu; nokuti vakanga vana vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.
5. Hama dzavo pakati pedzimba dzose dzaIsakari, ivo varume vane simba noumhare, vakasvika zviuru zvina makumi masere nezvinomwe, kana vachiverengwa mazita avo ose.
6. Vanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naJedhiyaeri, ivo vatatu.
7. Vanakomana vaBhera: Ezibhoni, naUzi, naUzieri, naJerimoti, naIri, ivo vashanu. Ivo vakanga vari vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, varume vane simba noumhare, vakaverengwa mazita avo vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.
8. Vanakomana vaBhekeri: Zemira, naJoashi, naEriezeri, naErioenai, naOmiri, naJeremoti, naAbhiia, naAnatoti, naArimeti. Ivo vose vakanga vari vanakomana vaBhekeri.
9. Vakaverengwa mazita avo namarudzi avo, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, varume vane simba noumhare, vakasvika zviuru zvina makumi maviri namazana maviri.
10. Vanakomana vaJedhiyaeri: Bhirihani, navanakomana vaBhirihani; Jehushi, naBhenjamini, naEhudhi, naKenani, naZetani, naTarishishi, naAhishahari.
11. Ivo vose vakanga vari vanakomana vaJedhiyaeri, vachiverengwa vakuru vedzimba dzamamdzibaba avo, varume vane simba noumhare, vakasvika zviuru zvine gumi nezvinomwe namazana maviri, vakanga vachigona kuenda kuhondo kundorwa.
12. NaShupimiwo, naHupimi, vanakomana vaIri, naHushimi, vanakomana vaAheri.
13. Vanakomana vaNafutari: Jazieri, naGuni, naJezeri, naSharumi, vanakomana vaBhiriha.
14. Vanakomana vaManase: Asirieri, waakaberekerwa nomukadzi wake; (murongo wake muArami akabereka Makiri baba vaGiriyadhi;
15. Makiri akawana mukadzi worudzi rwaHupimi naShupimi, zita rehanzvadzi yake raiva Maaka;) zita rowechipiri rakanga riri Zerofehadhi; Zerofehadhi akanga anavakunda.
16. Maaka mukadzi waMakiri akabereka mwanakomana, akatumidza zita rake Pereshi; zita romunun’una wake raiva Shereshi, vanakomana vake vakanga vari Urami naRakemi.
17. Vanakomana vaUrami: Bhedhani. Ndivo vanakomana vaGiriyadhi mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase.
18. Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, naAbhiezeri, naMara.
19. Vanakomana vaShemidha: Ahiani, naShekemu, naRiki naAniami.
20. Vanakomana vaEfuremu: Shutera, naBheredhi mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, naEreadha mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake,
21. naZabhadhi mwanakomana wake, naShutera mwanakomana wake, naEzeri, naEreadhi; ivo vakaurawa navanhu veGati vakanga vakaberekerwa panyika iyo, nokuti vakanga vaburukira kwavari kuzotora zvipfuwo zvavo.
22. Efuremu baba vavo akavachema mazuva mazhinji, hama dzake dzikauya kuzomubata ruoko.
23. Akapinda kumukadzi wake, iye akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Bheriya; nokuti imba yake yakanga ichitambudzika.
24. Mukunda wake waiva Sheera, iye akavaka Bhetihoroni rezasi nerokumusoro, neUzenisheera.
25. Mwanakomana waEfuremu aiva Refa, naReshefi, naTera mwanakomana wake, naTahani mwanakomana wake;
26. naRadhani mwanakomana wake, naErishama mwanakomana wake,
27. naNuni mwanakomana wake, naJoshua mwanakomana wake.
28. Nyika yavo nokwavakanga vagere ndiBhetieri nemisha yaro; nokumabvazuva, Naarani, nokumavirira Gezeri nemisha yaro; neShekemu nemisha yaro, kusvikira paAza nemisha yaro;
29. nokumiganhu yavana vaManase. Bhetisheani nemisha yaro, neTaanaki nemisha yaro, neMegidho nemisha yaro, neDhori nemisha yaro. Vana vaJosefa mwanakomana waIsiraeri vakagara mumisha iyi.
30. Vanakomana vaAsheri: Imina, naIshivha, naIshivhi, naBheriya, naSera hanzvadzi yavo.
31. Vanakomana vaBheriya: Hebheri, naMarikieri, waiva baba vaBhirizaiti.
32. Hebheri akabereka Jafureti, naShomeri, naHotami, naShua hanzvadzi yavo.
33. Vanakomana Jafureti: Pasaki, naBhimari, naAshivati. Ndivo vanakomana vaJafureti.
34. Vanakomana vaShemeri: Ahi, naRoga, naJehubha, naArami.
35. Vanakomana vaHeremi munun’una wake: Zofa, naImina, naShereshi, naAmari.
36. Vanakomana vaZofa: Shua, naHarineferi, naShuari, naBheri, naImira;
37. naBheseri, naHodhi, naShama, naShirisha, naItirani, naBheera.
38. Vanakomana vaJeteri: Jefune, naPisipa, naAra.
39. Vanakomana vaUra: Ara, naHanieri, naRizia.
40. Ava vose vaiva vana vaAsheri, vari vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, varume vakanga vakatsaurwa, vane simba noumhare, vakuru vamachinda. Vakaverengwa namazita avo, ivo vaigona kurwa, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu.

  1Chronicles (7/29)