| ← 1Chronicles (6/29) → |
| 1. | Vanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari; |
| 2. | navanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri, |
| 3. | Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMozisi, naMiriami. Vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriazari, naltamari. |
| 4. | Eriazari akabereka Pinehasi, Pinehasi akabereka Abhishua, |
| 5. | Abhishua akabereka Bhuki, Bhuki akabereka Uzi, |
| 6. | Uzi akabereka Zerahiya, Zerahiya akabereka Merayoti, |
| 7. | Merayoti akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi, |
| 8. | Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Ahimaazi, |
| 9. | Ahimaazi akabereka Azaria, Azaria akabereka Johanani, |
| 10. | Johanani akabereka Azaria, (ndiye waibata basa romupirisiti muimba yakavakwa naSoromoni paJerusaremu;) |
| 11. | Azaria akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi, |
| 12. | Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Sharumi, |
| 13. | Sharumi akabereka Hirikia, Hirikia akabereka Azaria, |
| 14. | Azaria akabereka Seraya, Seraya akabereka Jehozadhaki, |
| 15. | Jehozadhaki akatapwa, nguva yakatapa Jehovha Judha neJerusaremu noruoko rwaNebhukadhinezari. |
| 16. | Vanakomana vaRevhi, Gerishomi, naKohati, naMerari. |
| 17. | Mazita avanakomana vaGerishomi ndiwo: Ribhini naShimei. |
| 18. | Vanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri; |
| 19. | navanakomana vaMerari: Mari, naMushi. Uye ndidzo dzimba dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo. |
| 20. | VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, naJahati mwanakomana wake, naZima mwanakomana wake, |
| 21. | naJoa mwanakomana wake, naIdho mwanakomana wake, naZera mwanakomana wake, naJeaterai mwanakomana wake. |
| 22. | Vanakomana vaKohati: Aminadhabhu mwanakomana wake, naKora mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, |
| 23. | naErikana mwanakomana wake, naAbhiasafit mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, |
| 24. | naTahati mwanakomana wake, naUrieri mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naShauri mwanakomana wake. |
| 25. | Vanakomana vaErikana: Amasai, naAhimoti. |
| 26. | Vanakomana vaErikana: Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake, |
| 27. | naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake. |
| 28. | Vanakomana vaSamueri: wedangwe Joeri, nowechipiri Abhija. |
| 29. | Vanakomana vaMerari: Mari, naRibhini mwanakomana wake, naUza mwanakomana wake, |
| 30. | naShimira mwanakomana wake, naHagia mwanakomana wake, naAsaya mwanakomana wake. |
| 31. | Uye ava ndivo vakagadzwa naDhavhidhi kuzofambisa basa rokuimba mumba maJehovha, mushure mokuti areka yawana pokuzorora. |
| 32. | Vaishumira pakuimba pamberi petabhenekari yetende rokusangana, kusvikira Soromoni avaka imba yaJehovha paJerusaremu; vakamira pabasa ravo, sezvavakanga vagoverwa napo. |
| 33. | Ndivo vaimirapo navakomana vavo; kuvanakomana vaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waSamueri; |
| 34. | mwanakomana waErikana, mwanakomana waJehorami, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa; |
| 35. | mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai, |
| 36. | mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefaniya, |
| 37. | mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora; |
| 38. | mwanakomana waIshari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsiraeri. |
| 39. | Munun’una wake Asafi, akanga amire kurudyi rwake, iye Asafi mwanakomana waBherekia, mwanakomana waShimea; |
| 40. | mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waBhaaseya, mwanakomana waMarikija; |
| 41. | mwanakomana waItini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya; |
| 42. | mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimeri; |
| 43. | mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waRevhi. |
| 44. | Kurubhoshwe rwavo, hama dzavo ivo vanakomana vaMerari: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki; |
| 45. | mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia; |
| 46. | mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri; |
| 47. | mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi. |
| 48. | Hama dzavo ivo vaRevhi ndivo vakagoverwa mabasa ose patabhenekari yeimba yaJehovha. |
| 49. | Asi Aroni navanakomana vake vaibayira paaritari yezvipiriso zvinopiswa, napaaritari yezvinonhuwira, vaibata mabasa ose apanzvimbo tsvene-tsvene, nokuyananisira Isiraeri, vachiita zvose zvakarairwa naMozisi muranda waMwari. |
| 50. | Vanakomana vaAroni ndivo: Eriazari mwanakomana wake, naPinehasi mwanakomana wake, naAbhishua mwanakomana wake; |
| 51. | naBhuki mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naZerahiya mwanakomana wake; |
| 52. | naMerayoti mwanakomana wake, naAmaria mwanakomana wake, naAhitubhi mwanakomana wake; |
| 53. | naZadhoki mwanakomana wake, naAhimaazi mwanakomana wake. |
| 54. | Kwavaigara, kwavaidzika matende avo panyika yavo, ndiko, vanakomana waAroni, vedzimba dzavaKohati, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa, |
| 55. | ivo vakapiwa Hebhuroni panyika yaJudha, namafuro aro akanga akapoteredza; |
| 56. | asi minda yeguta, nemisha yaro, yakapiwa Karebhu mwanakomana waJefune. |
| 57. | Vanakomana vaAroni vakapiwa maguta outiziro, aiti: Hebhuroni, neRibhina namafuro awo, neJatiri, neEshitemoa namafuro awo; |
| 58. | neHireni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro; |
| 59. | neAshani namafuro aro, neBhetishemeshi namafuro aro. |
| 60. | Uye vorudzi rwaBhenjamini: Gebha namafuro aro, neArimeti namafuro aro, neAnatoti namafuro aro. Maguta avo ose pakati pedzimba dzavo dzose, aiva maguta ane gumi namatatu. |
| 61. | Vamwe vanakomana vaKohati vakapiwa nemijenya maguta ane gumi pakati pehafu yorudzi rwaManase, iyo hafu yaManase. |
| 62. | Vanakomana vaGerishomi nedzimba dzavo, vorudzi rwaIsakari, novorudzi rwaAsheri, novorudzi rwaNafutari, novorudzi rwaManase paBhashani, vakapiwa maguta ane gumi namatatu. |
| 63. | Vanakomana vaMerari nedzimba dzavo vakapiwa nemijenya vorudzi rwaRubheni, novorudzi rwaGadhi, novorudzi rwaZebhuruni, maguta ane gumi namaviri. |
| 64. | Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta namafuro awo. |
| 65. | Vakavapa nemijenya maguta iwayo akarehwa mazita awo vorudzi rwavana vaJudha, novorudzi rwavana vaSimiyoni, novorudzi rwavana vaBhenjamini. |
| 66. | Asi vamwe vedzimba dzavana vaKohati vakanga vana maguta panyika yavo, vorudzi rwaEfuremu. |
| 67. | Vakavapa maguta outiziro, aiti: Shekemu kunyika yamakomo aEfuremu namafuro aro, neGezeri namafuro aro; |
| 68. | neJokimeami namafuro aro, neBhetihoroni namafuro aro, |
| 69. | neAjaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; |
| 70. | vehafu yorudzi rwaManase vakapiwa Aneri namafuro aro, ndizvo zvakapiwa vamwe veimba yavana vaKohati. |
| 71. | Vanakomana vaGerishomi vakapiwa pakati peimba yehafu yorudzi rwaManase, Gorani paBhashani namafuro aro, neAshitaroti namafuro aro; |
| 72. | novorudzi rwaIsakari: Kedheshi namafuro aro, neDhabherati namafuro aro, |
| 73. | neRamoti namafuro aro, neAnemi namafuro aro; |
| 74. | novorudzi rwaAsheri: Mashari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro; |
| 75. | neHukoki namafuro aro, neRehobhi namafuro aro, |
| 76. | novorudzi rwaNafutari: Kedheshi paGarire namafuro aro, neHamoni namafuro aro, neKiriataimi namafuro aro. |
| 77. | Vamwe vavaRevhi, ivo vanakomana vaMerari, vakapiwa vorudzi rwaZebhuruni: Rimono namafuro aro, neTabhori namafuro aro; |
| 78. | uye mhiri kwaJorodhani paJeriko, kumabvazuva aJorodhani, vorudzi rwaRubheni, vakapiwa Bhezeri riri kurenje namafuro aro, neJaza namafuro aro, |
| 79. | neKedhemoti namafuro aro, neMefati namafuro aro; |
| 80. | novorudzi rwaGadhi: Ramoti paGiriyadhi namafuro aro, neMahanaimu namafuro aro, |
| 81. | neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro. |
| ← 1Chronicles (6/29) → |