1Chronicles (5/29)  

1. Vana vaRubheni mwana wedangwe walsiraeri, (nokuti ndiye akanga ari wedangwe; asi zvaakasvibisa nhovo yababa vake, udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefa mwanakomana waIsiraeri; naizvozvo mazita amadzitateguru haaverengwi nohudangwe.
2. Nokuti Judha ndiye akanga ari mukuru pakati pavana vababa vake, mutungamiriri akabva kwaari; asi udangwe hwakanga huri hwaJosefa;)
3. Vanakomana vaRubheni mwana wedangwe waIsiraeri: Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi.
4. Vanakomana vaJoeri: Shemaya mwanakomana wake, Gogi mwanakomana wake, naShimei mwanakomana wake;
5. Mika mwanakomana wake, naReaya mwanakomana wake, naBhaari mwanakomana wake;
6. naBheera mwanakomana wake, iye akatapwa naTirigatipirineseri mambo weAsiria; iye akanga ari muchinda wavaRubheni.
7. Navanun’una vake nedzimba dzavo kana mazita amadziteteguru achiverengwa: Mukuru Jeyieri, naZekariya,
8. naBhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoeri, aigara paAroeri kusvikira paNebho neBhaarimeoni;
9. kurutivi rwamabvazuva akanga agere kusvikira pakutanga kwerenje kubva kurwizi Yufuratesi; nokuti mombe dzavo dzakanga dzawanda panyika yeGiriyadhi.
10. Namazuva aSauro vakarwa navaHagari, vakavakunda; vakagara pamatende avo panyika yose yakanga iri kumabvazuva eGiriyadhi.
11. Vanakomana vaGadhi vakanga vagere kwakatarisana navo panyika yeBhashani, kusvikira paSareka;
12. Joeri mukuru, naShafani wechipiri, naJanai, naShafati, paBhashani;
13. vanun’una vavo vedzimba dzamadzibaba avo: Mikaeri, naMeshurami, naShebha, naJorai, naJakani, naZiya, naEbheri, ivo vanomwe.
14. Ndivo vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJaroa, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJadho, mwanakomana waBhuzi,
15. naAhi, mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, mukuru wedzimba dzamadzibaba avo.
16. Ivo vakanga vagere paGiriyadhi paBhashani, nomumisha yaro mikuru, nomuruwa rweSharoni, kusvikira kumiganhu yayo.
17. Ava vose vaiverengwa namazita amadzitateguru avo pamazuva aJotamu mambo waJudha, napamazuva aJerobhoamu mambo waIsiraeri.
18. Vanakomana vaRubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, varume voumhare, varume vaigona kushonga nhovo neminondo, nokupfura nouta, vaigona kurwa, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe namakumi matanhatu, vaigona kundorwa.
19. Vakarwa vanaHagari, naJeturi, naNafishi, naHobhabhi.
20. Vakabatsirwa pakurwa navo, vaHagari vakakundwa navo, navose vaiva navo; nokuti vakadana kuna Jehovha vari pakurwa, akavanzwa; nokuti vakanga vachitenda kwaari.
21. Vakatapa zvipfuwo zvavo, makamera ane zviuru zvina makumi mashanu, namakwai ane zviuru zvina mazana maviri namakumi mashanu, nembongoro dzine zviuru zviviri, navanhu vane zviuru zvine zana.
22. Vazhinji vakafa vaurawa, nokuti kurwa kwanga kuri kwaMwari. Ivo vakagara panzvimbo yavo kusvikira pakutapwa kwavo.
23. Vanakomana vehafu yorudzi rwaManase vakanga vagere panyika iyo; vakawanda kubva paBhashani kusvikira paBhaariherimoni neSeniri, negomo reHerimoni.
24. Vakuru vedzimba dzamadzibaba avo ndivo: Eferi, nalshi, naErieri, naAshirieri, naJeremiya; naHodhavhia, naJadhieri, varume vaiva nesimba noumhare, vanhu vaiva nembiri, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo.
25. Asi vakazotadzira Mwari wamadzibaba avo, vakapata vachitevera vamwari vendudzi dzenyika iyo, dzakanga dzaparadzwa naMwari pamberi pavo.
26. Mwari walsiraeri akamutsa mweya waPuri mambo waAsiria, nomweya waTirigatipirineseri mambo weAsiria; iye akavatapa, ivo vaRubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, akavaisa Hara, neHabhori, neHara, nokurwizi Gozani kusvikira nhasi.

  1Chronicles (5/29)