| ← 1Chronicles (4/29) → |
| 1. | Vanakomana vaJudha: Perezi, naHezironi, naKarimi, naHuri, naShobhari. |
| 2. | Reaya mwanakomana waShobhari akabereka Jahati, Jahati akabereka Ahumai naRahadhi. Ndiwo marudzi avaZorati. |
| 3. | Uye ava ndivo vaiva vanakomana vababa vaEtami: Jezireeri, naIshima, naIdhibhashi; uye zita rehanzvadzi yavo rakanga riri Hazereponi; |
| 4. | naPenueri baba vaGedhori, naEzeri baba vaHusha. Ndivo vana vaHuri, wedangwe waEfurata, baba vaBheterehemu. |
| 5. | Zvino Ashuri baba vaTekoa akanga ana vakadzi vaviri, Hera naNaara. |
| 6. | Naara akamuberekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashitari. Ndivo vaiva vanakomana vaNaara. |
| 7. | Vanakomana vaHera vaiva Zereti, naIzhari, naEtinani. |
| 8. | Hakozi akabereka Anubhi, naZobhebha, nehama dzaAhareri mwanakomana waHarumi. |
| 9. | Jabhezi akakudzwa kukunda vanun’una vake, mai vake vakamutumidza zita rinonzi Jabhezi, vachiti, "Nokuti ndakamubereka ndichitambudzika. |
| 10. | Jabhezi akadana kuna Mwari waIsiraeri, akati, "Haiwa, dai muchindiropafadza henyu, nokukurisa nyika yangu, nokundifambisa noruoko rwenyu, nokundichengeta kune zvakaipa, kuti zvirege kundiwira!" Mwari akamupa zvaakakumbira. |
| 11. | Kerubhi munun’una waShuha akabereka Mehiri, iye akanga ari baba vaEshitoni. |
| 12. | Eshitoni akabereka Bhetirafa, naPasea, naTehina baba vaIrinahashi. Ndivo vana vaReka. |
| 13. | Vanakomana vaKenazi : Otineri, naSeraya; vanakomana vaOtineri: Hatati. |
| 14. | Meonotai akabereka Ofira; Seraya akabereka Joabhu baba vaGeharashimi; nokuti dzaiva mhizha. |
| 15. | Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune: Iru, naEra, naNaami; vanakomana vaEra: Kenazi. |
| 16. | Vanakomana vaJehareri: Zifi, naZifa, naTiria, naAsareri. |
| 17. | Vanakomana vaEzira: Jeteri, naMeredhi, naEferi, naJaroni. Bhitia, mukunda waFarao, akabereka Miriami, naShamai, naIshabha baba vaEshitemoa. |
| 18. | Mukadzi wake muJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanoa. Ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao, akanga akawanikwa naMeredhi. |
| 19. | Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vakanga vari baba vaKeira muGarimi, naEshitemba muMaakati. |
| 20. | Vanakomana vaShimoni: Amunoni, naRina, naBhenihanani, naTironi. Vanakomana vaIshi; Zoheti, naBhenizoheti. |
| 21. | Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha: Eri baba vaReka, naRaadha baba vaMaresha, nehama yedzimba dzaivo vairuka mucheka wakaisvonaka, veimba yaAshibhiya; |
| 22. | naJokimi, navarume veKozebha, naJoashi, naSarafi, vaibata ushe hwaMoabhi, naJashubhirehemi. Mashoko awa ndeekare. |
| 23. | Ndivo vaiva vaumbi vehari, uye vaigara paNetaimi neGedhera; ndipo pavaigara namambo kuzobata basa rake. |
| 24. | Vanakomana vaSimiyoni: Nemueri, naJamini, naJaribhi, naZera, naShauri; |
| 25. | mwanakomana wake Sharumi, mwanakomana wake Mibhisami, mwanakomana wake Mishima. |
| 26. | Vanakomana vaMishima: Mwanakomana wake Haumueri, mwanakomana wake Zakuri, mwanakomana wake Shimei. |
| 27. | Zvino Shimei akanga ana vanakomana vatanhatu; asi vanun’una vake vakanga vasina vana vazhinji, uye rudzi rwavo rwose haruna kuwanda, savana vaJudha. |
| 28. | Ivo vakagara paBheerishebha, neMoradha, naHazarishuari; |
| 29. | napaBhiriha, napaEzemi, napaToradhi; |
| 30. | napaBhetueri, napaHorima, napaZikiragi; |
| 31. | napaBhetimarikabhoti, napaHazarisusimi napaBhetibhiri, napaShaaraimi. Ndiwo aiva maguta avo kusvikira Dhavhidhi achibata ushe. |
| 32. | Misha yavo yakanga iri Etami, neAini, neRimoni, neTokeni, neAshani, maguta mashanu; |
| 33. | nemisha yavo yose, yakanga yakakomba maguta iwayo, kusvikira paBhaari. Ndipo pavaigara, uye mazita amarudzi avo aripo. |
| 34. | NaMeshobhabhi, naJamireki, naJosha mwanakomana waAmazia; |
| 35. | naJoseri, naJehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri; |
| 36. | naErioenai, naJaakobha, naJeshohaya, naAsaya, naAdhieri, naJeshimieri, naBhenaya; |
| 37. | naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni, mwanakomana waJedheiya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya; |
| 38. | ava vakarehwa mazita avo, vaiva machinda pamarudzi avo; dzimba dzamadzibaba avo dzikawanda kwazvo. |
| 39. | Vakaenda pavanopinda paGedhori, kusvikira parutivi rwamabvazuva rwomupata, kutsvakira makwai avo mafuro. |
| 40. | Vakawana mafuro akanaka kwazvo, uye nyika yakanga iri mhami, ino rugare nokunyarara; nokuti vaigarapo kare vaiva vana vaHamu. |
| 41. | Ava, vakanyorwa mazita avo, vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, vakaputsa matende avo uye vaMeunimi vakavawanapo, vakavaparadza chose, kusvikira nhasi, vakagara panyika yavo; nokuti kwakanga kuna mafuropo amakwai avo. |
| 42. | Vamwe vavo, ivo vanakomana vaSimiyoni, vaiva varume vana mazana mashanu, vakaenda kugomo reSeiri, vakatungamirirwa naPeratia, naNearia, naRefaia, naUzieri, vanakomana valshi. |
| 43. | Vakakunda vakanga vasara vavaAmareki, vakapukunyuka, vakagarapo kusvikira zuva ranhasi. |
| ← 1Chronicles (4/29) → |