1Chronicles (3/29)  

1. Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi, vakamuberekerwa paHebhuroni: Wedangwe Amunoni, mwana waAhinoami muJezireeri; wechipiri Dhanyeri waAbhigairi muKarimeri;
2. wechitatu Abhusaromu mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai mambo weGeshuri; wechina Adhonia mwanakomana waHagiti;
3. weshanu Shefatia waAbhitari, wetanhatu Itireami kuna Egira mukadzi wake.
4. Wakaberekerwa vatanhatu paHebhuroni, akabata ushepo makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu.
5. Ava ndivo vaakaberekerwa paJerusaremu: Shimea, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni, ivo vana, vaBhatishua mukunda waAmieri;
6. naIbhari, naErishama, naErifereti;
7. naNoga, naNefegi, naJafia;
8. naErishama, naEriadha, naErifereti, ivo vapfumbamwe.
9. Ndivo vose vaiva vana vaDhavhidhi, vanakomana vavarongo vasingaverengwi; uye Tamari wakanga ari hanzvadzi yavo.
10. Mwanakomana waSoromoni akanga ari Rehobhoami, mwanakomana wake Abhia, mwanakomana wake Asa, mwanakomana wake Jehoshafati;
11. mwanakomana wake Joramu, mwanakomana wake Ahazia, mwanakomana wake Joashi;
12. mwanakomana wake Amazia, mwanakomana wake Azaria, mwanakomana wake Jotamu;
13. mwanakomana wake Ahazi, mwanakomana wake Hezekia, mwanakomana wake Manase;
14. mwanakomana wake Amoni, mwanakomana wake Josia.
15. Vanakomana vaJosia: Wedangwe Johanani, wechipiri Jehoyakimu, wechitatu Zedhekia, wechina Sharumi.
16. Vanakomana vaJehoyakimu: Mwanakomana wake Jekonia, mwanakomana wake Zedhekia.
17. Vanakomana vaJekonia, vakatapwa. Shearitieri mwanakomana wake,
18. naMarikirami, naPedhaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedhabhia.
19. Vanakomana vaPedhaya: Zerubhabheri, naShimei; vanakomana vaZerubhabheri: Meshurami, naHanania; uye Sheromiti akanga ari hanzvadzi yavo;
20. naHashubha, naOheri, naBherekia, naHasadhia, naJushabhiheshedhi, ivo vashanu.
21. Vanakomana vaHanania: Peratia, naJeshaya; vanakomana vaRefaya, vanakomana vaArinani, vanakomana vaObhadhiya, vanakomana vaShekania.
22. Vanakomana vaShekania: Shemaya; navanakomana vaShemaya; Hatushi, naIgari, naBharia, naNearia, naShafati, ivo vatanhatu.
23. Vanakomana vaNearia: Erioenai, naHizikia, naAzirikami, ivo vatatu.
24. Vanakomana vaErioenai: Hodhavhia, naEriashibhi, naPeraya, naAkubhi, naJohanani, naDheraya, naAnani, ivo vanomwe.

  1Chronicles (3/29)