| ← 1Chronicles (3/29) → |
| 1. | Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi, vakamuberekerwa paHebhuroni: Wedangwe Amunoni, mwana waAhinoami muJezireeri; wechipiri Dhanyeri waAbhigairi muKarimeri; |
| 2. | wechitatu Abhusaromu mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai mambo weGeshuri; wechina Adhonia mwanakomana waHagiti; |
| 3. | weshanu Shefatia waAbhitari, wetanhatu Itireami kuna Egira mukadzi wake. |
| 4. | Wakaberekerwa vatanhatu paHebhuroni, akabata ushepo makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu. |
| 5. | Ava ndivo vaakaberekerwa paJerusaremu: Shimea, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni, ivo vana, vaBhatishua mukunda waAmieri; |
| 6. | naIbhari, naErishama, naErifereti; |
| 7. | naNoga, naNefegi, naJafia; |
| 8. | naErishama, naEriadha, naErifereti, ivo vapfumbamwe. |
| 9. | Ndivo vose vaiva vana vaDhavhidhi, vanakomana vavarongo vasingaverengwi; uye Tamari wakanga ari hanzvadzi yavo. |
| 10. | Mwanakomana waSoromoni akanga ari Rehobhoami, mwanakomana wake Abhia, mwanakomana wake Asa, mwanakomana wake Jehoshafati; |
| 11. | mwanakomana wake Joramu, mwanakomana wake Ahazia, mwanakomana wake Joashi; |
| 12. | mwanakomana wake Amazia, mwanakomana wake Azaria, mwanakomana wake Jotamu; |
| 13. | mwanakomana wake Ahazi, mwanakomana wake Hezekia, mwanakomana wake Manase; |
| 14. | mwanakomana wake Amoni, mwanakomana wake Josia. |
| 15. | Vanakomana vaJosia: Wedangwe Johanani, wechipiri Jehoyakimu, wechitatu Zedhekia, wechina Sharumi. |
| 16. | Vanakomana vaJehoyakimu: Mwanakomana wake Jekonia, mwanakomana wake Zedhekia. |
| 17. | Vanakomana vaJekonia, vakatapwa. Shearitieri mwanakomana wake, |
| 18. | naMarikirami, naPedhaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedhabhia. |
| 19. | Vanakomana vaPedhaya: Zerubhabheri, naShimei; vanakomana vaZerubhabheri: Meshurami, naHanania; uye Sheromiti akanga ari hanzvadzi yavo; |
| 20. | naHashubha, naOheri, naBherekia, naHasadhia, naJushabhiheshedhi, ivo vashanu. |
| 21. | Vanakomana vaHanania: Peratia, naJeshaya; vanakomana vaRefaya, vanakomana vaArinani, vanakomana vaObhadhiya, vanakomana vaShekania. |
| 22. | Vanakomana vaShekania: Shemaya; navanakomana vaShemaya; Hatushi, naIgari, naBharia, naNearia, naShafati, ivo vatanhatu. |
| 23. | Vanakomana vaNearia: Erioenai, naHizikia, naAzirikami, ivo vatatu. |
| 24. | Vanakomana vaErioenai: Hodhavhia, naEriashibhi, naPeraya, naAkubhi, naJohanani, naDheraya, naAnani, ivo vanomwe. |
| ← 1Chronicles (3/29) → |