1Chronicles (29/29)    

1. Zvino mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, "Mwanakomana wangu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMwari, achiri muduku asine simba, asi basa iguru; nokuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehovha Mwari.
2. "Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara-mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda.
3. Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine fuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene;
4. zvinoti matarenda endarama ane zviuru zvitatu, endarama yeOfiri, namatarenda akanatswa esirivha ane zviuru zvinomwe, kufukidza madziro eimba nazvo;
5. nendarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nezvamabasa ose anofanira kuitwa namaoko avapfuri. Zvino ndianiko anoda kupa nhendo dzake nomoyo wake wose kuna Jehovha?"
6. Ipapo machinda edzimba dzamadzibaba, namachinda amarudzi alsiraeri, navakuru vezviuru navamazana, pamwechete navatariri vamabasa amambo vakapa nomoyo wavo wose;
7. vakapa kubata basa reimba yaMwari ndarama, matarenda ane zviuru zvishanu, namadhariki ane zviuru zvine gumi, nesirivha, matarenda ane zviuru zvine gumi, nendarira, matarenda ane zviuru zvine gumi nezvisere, namatare, matarenda ane zviuru zvine zana.
8. Vakanga vane zvibwe zvinokosha vakazvipa zviiswe pafuma yeimba yaJehovha, zvichitarirwa naJehieri muGerishoni.
9. Ipapo vanhu vakafara zvavakapa nomoyo wose, nokuti vakapa Jehovha nomoyo wose wakarurama; mambo Dhavhidhiwo akafara nomufaro mukuru.
10. Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, "Imwi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi.
11. Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo, nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.
12. fuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe, ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba.
13. "Saka zvino Mwari wedu, tinokuvongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.
14. "Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.
15. Nokuti tiri vaeni pamberi penyu navatorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba edu; mazuva edu panyika akafanana nomumvuri, hakune tariro.
16. Jehovha Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu; zvose ndezvenyu;
17. ndinozivawo Mwari wangu, kuti imi munoidzawo moyo, munofanira kurarama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomoyo wakarurama nomoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomoyo wose.
18. Jehovha Mwari waAbhurahamu, nalsaka, naIsiraeri, madzibaba edu, garisai izvi nokusingaperi pandangariro dzemifungo yemoyo yavanhu venyu; rereudzai moyo yavo kwamuri,
19. ipai Soromoni mwanakomana wangu moyo wakarurama, kuti achengete mirairo yenyu, nezvipupuriro zvenyu, nezvamakatema, kuti aite zvinhu izvi zvose, avake imba huru yandakagadzirira zvose."
20. Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, "Zvino kudzai Jehovha Mwari wenyu." Ipapo ungano yakakudza Jehovha Mwari wamadzibaba avo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha namambo.
21. Vakabayira Jehovha zvibayiro, vakauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha mangwanani pazuva rakatevera, zvaiti: nzombe dzine chiuru chimwe, namakondohwe ane chiuru chimwe, namakwaiana ane chiuru chimwe, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, nezvibayiro zvakawanda zvavaIsiraeri vose;
22. vakadya, vakanwa pamberi paJehovha nomufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo rwechipiri, vakamuzodzera Jehovha ave mutungamiriri, naZadhoki ave mupirisiti.
23. Ipapo Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha akava mambo panzvimbo yaDhavhidhi baba vake, akafambiswa zvakanaka; vaIsiraeri vose vakamuteerera.
24. Machinda ose, navanhu vose vane simba, navanakomana vose vamambo Dhavhidhi vakazviisa pasi pamambo Soromoni.
25. Jehovha akakudza Soromoni kwazvo-kwazvo pamberi pavaIsiraeri vose, akamupa umambo hwakakura, husina kumbopiwa mumwe mambo waIsiraeri wakamutangira.
26. Zvino Dhavhidhi mwanakomana waJese akabata valsiraeri vose paushe hwake.
27. Nguva yaakabata ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; wakabata ushe paHebhuroni makore manomwe, napaJerusaremu akabata ushe makore makumi matatu namatatu.
28. Akazofa akwegura kwazvo, ava namakore mazhinji, nefuma, nokukudzwa; Soromoni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.
29. Zvino mabasa amambo Dhavhidhi, okutanga nookupedzisira, tarirai, akanyorwa pamashoko omuoni Samueri, napamashoko omupirisiti Natani, napamashoko omuoni Gadhi;
30. pamwechete namashoko oushe hwake, nesimba rake, nezvaakaitirwa panguva dzose, iye navaIsiraeri, noushe hwose hwedzimwe nyika.

  1Chronicles (29/29)