1Chronicles (27/29)  

1. Zvino vana vaIsiraeri vakaverengwa vakuru vedzimba dzamadzibaba, navakuru vezviuru navamazana, navatariri vavo vaibatira mambo pazvinhu zvose zvamapoka aipinda nokubuda mwedzi mumwe nomumwe, mwedzi yose yegore, boka rimwe nerimwe rikasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.
2. Mutariri weboka rokutanga, pamwedzi wokutanga, akanga ari Jashobhiyami mwanakomana waZabhadhieri; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
3. Iye akanga ari mumwe wavana vaPerezi, mukuru wavatariri vose vehondo pamwedzi wokutanga.
4. Mutariri weboka romwedzi wechipiri akanga ari Dodai muAhohi, neboka rake; Mikiroti ndiye aivaraira; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
5. Mukuru wechitatu wehondo pamwedzi wechitatu, akanga ari Bhenaya, mwanakomana womupirisiti Jehoyadha, iye mukuru; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
6. Uyu ndiye Bhenaya uya, akanga ari munhu wesimba pakati pavana makumi matatu, waiva mutariri wavana makumi matatu; Amizabhadhi mwanakomana wake akanga ari weboka rake.
7. Mukuru wechina, pamwedzi wechina, akanga ari Asaheri munun’una waJoabhu, naZebhedhia mwanakomana wake aimutevera; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
8. Mukuru weshanu, pamwedzi weshanu, wakanga ari Shamhuti mulzirahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
9. Mukuru wetanhatu, pamwedzi wetanhatu, akanga ari Ira mwanakomana waIkeshi muTekoite; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
10. Mukuru wechinomwe, pamwedzi wechinomwe, akanga ari Herezi muPeroni, wavana vaEfuremu; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
11. Mukuru wourusere, pamwedzi worusere, akanga ari Shebhekai muHushati, wavaZerahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
12. Mukuru wepfumbamwe, pamwedzi wepfumbamwe, akanga ari Abhiezeri muAnatoti, wavaBhenjamini; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
13. Mukuru wegumi, pamwedzi wegumi, akanga ari Maharai muNetofati, wavaZerahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
14. Mukuru wegumi nomumwe, pamwedzi wegumi nomumwe, akanga ari Bhenaya muPiratoni, wavana vaEfuremu; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
15. Mukuru wegumi navaviri, pamwedzi wegumi nemiviri, akanga ari Heridhai muNetofati, waOtinieri; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
16. Uye, kwakanga kuna varairi vamarudzi alsiraeri; vokuvaRubheni akanga ari Eriezeri mwanakomana waZikiri, murairi; wokuvaSimiyoni; Shefatia mwanakomana waMaaka;
17. wokwaRevhi: Hashabhia, mwanakomana waKemueri; wokwaAroni: Zadhoki;
18. wokwaJudha: Erihu, mumwe wavanun’una vaDhavhidhi; wokwalsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;
19. wokwaZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhiya, wokwaNafutari: Jeremoti mwanakomana waAzieri;
20. wokuvana vaEfuraimu: Hoshea mwanakomana waAzazia; wokuhafu yorudzi rwaManase: Joeri mwanakomana waPedhaya;
21. wokuhafu yorudzi rwaManase paGiriyadhi, Idho mwanakomana waZekariya; wokwaBhenjamini: Jasieri mwanakomana waAbhineri;
22. wokwaDhani: Azareri mwanakomana waJehorami. Ndivo vakanga vari vakuru vamarudzi alsiraeri.
23. Asi Dhavhidhi haana kuverenga vamakore makumi maviri navaduku kwavari; nokuti Jehovha akataura kuti achawanza vaIsiraeri, vave senyeredzi dzokudenga.
24. Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga, asi haana kupedza; kutsamwa kwaJehovha kukamukira valsiraeri nemhosva iyi; uye havana kuisa kuwanda kwavo pamakoronike amambo Dhavhidhi.
25. Mutariri wefuma yamambo akanga ari Azimavheti mwanakomana waAdhieri mutariri wefuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, akanga ari Jonatani mwanakomana waUziya;
26. mutariri wavanhu vaibata paminda vachirima pasi, akanga ari Eziri mwanakomana waKerubhi.
27. Mutariri weminda yemizambiringa, akanga ari Shimei muRamati; mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa, wedzimba dzewaini, akanga ari Zabhadhi muShifimi;
28. mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri pamapani, akanga ari Bhaarihanani muGedheri; mutariri wedzimba dzamafuta akanga ari Joashi.
29. Mutariri wamapoka ezvipfuwo, zvaifura paSharoni, akanga ari Shitirai muSharoni, uye mutariri wamapoka aigara pamipata, akanga ari Shafati mwanakomana waAdhirai;
30. mutariri wamakamera akanga ari Obhiri muIshimaeri, uye mutariri wembongoro akanga ari Jedheiya muMeronoti;
31. mutariri wamapoka amakwai akanga ari Jazizi muHagiri. Ava vose vakanga vari vatariri venhumbi dzamambo Dhavhidhi.
32. Uye Jonatani muzukuru waDhavhidhi akanga ari gurukota, murume akangwara, munyori; Jehieri mwanakomana waHakimoni aigara navanakomana vamambo;
33. Ahitoferi akanga ari gurukota ramambo; naHushai muAriki yaiva shamwari yamambo;
34. aitevera Ahitoferi ndiJehoyadha mwanakomana waBhenaya, naAbhiyatari; mukuru wehondo yamambo akanga ari Joabhu.

  1Chronicles (27/29)