1Chronicles (26/29)  

1. Mapoka avatariri vemikova akanga akadai: vavaKora: Mesheremia mwanakomana waKore, wavanakomana vaAsafi.
2. Mesheremia akanga ana vanakomana ava: Zekariya wedangwe, wechipiri Jedhieri; wechitatu Zebhedhia, wechina Jatinieri;
3. wechishanu Erami, wechitanhatu Johanani, wechinomwe Erihonai.
4. NaObhedhi-Edhomu akanga ana vanakomana ava: Shemaya wedangwe, wechipiri Jehozabhadhi, wechitatu Joa, wechina Sakari, weshanu Netaneri;
5. wetanhatu Amieri, wechinomwe Isakari, worusere Peuretai; nokuti Mwari akanga amuropafadza.
6. NaShemaya mwanakomana wake, akaberekerwawo vanakomana vakabata, imba yababa vavo; nokuti vakanga vari varume vane simba noumhare.
7. Vanakomana vaShemaya vakanga vari: Otini, naRefaeri, naObhedhi, naErizhabhadhi; vanun’una vake Erihu naShemakia, vakanga vari varume voumhare.
8. Ava vose vakanga vari vanakomana va Obhedhi-Edhomu; ivo navanakomana vavo, navanun’una vavo vakanga vari varume vane simba vaigona kubata basa; vakanga vana makumi matanhatu navaviri vaObhedhi-Edhomu.
9. Mesheremia akanga ana vanakomana navanun’una, varume voumhare, vane gumi navasere.
10. NaHosavo, mumwe wavanakomana vaMerari, akanga ana vanakomana; mukuru akanga ari Shimiri, (nokuti kunyange akanga asati ari wedangwe baba vake vakamuita mukuru;)
11. wechipiri Hirikia, wechitatu Tebharia, wechina Zekariya; vanakomana vose vaHosa navanun’una vake vakasvika gumi navatatu.
12. Mapoka avatariri vemikova vakabva pakati paivawo, pakati pavarume vakuru, vakapiwa basa savanun’una vavo kubata muimba yaJehovha.
13. Vakakanda mijenya, vaduku pamwechete navakuru, nedzimba dzamadzibaba avo kuzoratidzwa suo rimwe nerimwe.
14. Sheremia akaratidzwa mugove wokumabvazuva. Zvino vakakanda mijenya pamusoro paZekariya mwanakomana wake, gurukota rakanga rakangwara; mugove wake ukaratidzwa kurutivi rwokumusoro.
15. WaObhedhi-Edhomu kurutivi rwezasi; wavanakomana vake wokuchengeta dura.
16. WaShupimi naHosa kumavirazuva, pasuo reShareketi pamugwagwa unokwira, varindi vakatarisana.
17. Kumabvazuva kwakanga kuna vaRevhi vatanhatu, kurutivi rwokumusoro zuva rimwe nerimwe vana, kurutivi rwezasi zuva rimwe nerimwe vana, uye padura vaviri-vaviri.
18. WaParibhari kumavirazuva, vana pamugwagwa, navaviri paParibhari.
19. Ndiyo migove yavatariri vemikova, vavanakomana vavaKora navanakomana vaMerari.
20. Pakati pavaRevhi Ahija aitarira zvivigiro zvefuma yeimba yaMwari, nezvivigiro zvefuma yezvinhu zvitsvene.
21. Vanakomana vaRadhani: vanakomana vavaGerishoni vaiva vaRadhani, vakuru vedzimba dzamadzibaba aRadhani muGerishoni. Jehieri.
22. Vanakomana vaJehieri: Zetami, naJoeri munun’una wake, vaitarira zvivigiro zveimba yaJehovha.
23. Pakati pavaAmirami, navaIshari, navaHebhuroni, navaUzieri:
24. Shebhueri mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, araira zvivigiro.
25. Navanun’una vake: vaEriezeri, mwanakomana wake Rehabhia, nomwanakomana wake Jeshaya, nomwanakomana wake Joramu, nomwanakomana wake Zikiri, nomwanakomana wake Sheromoti.
26. Sheromoti uyu navanun’una vake ndivo vaitarira zvivigiro zvose zvezvinhu zvitsvene, zvakanga zvatsaurwa namambo Dhavhidhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba avo, navakuru vezviuru navamazana, navakuru vehondo.
27. Pakati pezvakapambwa pakurwa vakatsaura zvimwe zvokugadzirisa nazvo imba yaJehovha.
28. Zvose zvakanga zvatsaurwa naSamueri muoni, uye naSauro mwanakomana waKishi, naAbhineri mwanakomana waNeri, naJoabhu mwanakomana waZeruya; zvose zvakanga zvatsaurwa naani naani zvakanga zvichichengetwa naSheromoti navanun’una vake.
29. Pakati pavaIshari, Kenania navanakomana vake vaibata mabasa okunze pakati paIsiraeri, vari vatariri navatongi.
30. Pakati pavaHebhuroni, Hashabhia navanun’una vake, varume voumhare, vane chiuru chinamazana manomwe, vaitarira Isiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kuti vabate mabasa ose aJehovha namabasa amambo.
31. Pakati pavaHebhuroni, Jeriya akanga ari mukuru, ipo pakati pavaHebhuroni, namarudzi avo nedzimba dzamadzibaba avo. Pagore ramakumi mana rokubata ushe kwaDhavhidhi vakatsvakwa, vakawana pakati pavo varume vane simba noumhare paJazeri reGiriyadhi.
32. Vanun’una vake, varume voumhare, vakasvika zviuru zviviri namazana manomwe, vari vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vaitwa namambo Dhavhidhi vatariri vavaRubheni, navaGadhi, navehafu yorudzi rwaManase, kuti vaite zvose zvaMwari, namabasa ose amambo.

  1Chronicles (26/29)