| ← 1Chronicles (25/29) → |
| 1. | Dhavhidhi navakuru vehondo vakatsaurirawo basa ravo vanakomana vaAsafi naHemani naJedhutuni, kuti vaporofite nembira, nemitengeramwa, namakandira; mazita avakabata basa ravo ndiwo: |
| 2. | vavanakomana vaAsafi: Zakuri, naJosefa, naNetania, naAsharera, vanakomana vaAsafi; vairairwa naAsafi, waiporofita nomurayiro wamambo. |
| 3. | VaJedhutuni: vanakomana vaJedhutuni. Gedharia, naZeri, naJeshaya, naHashabhia, naMatitia, vatanhatu; ivo vairairwa nababa vavo Jedhutuni, nembira, waiporofita achivonga nokurumbidza Jehovha. |
| 4. | VaHemani: vanakomana vaHemani: Bhukia, naMatania, naUzieri, naShebhueri, naJerimoti, naHanania, naHanani, naEriata, naGidhareti, naRomamitiezeri, naJoshibhekasha, naMaroti, naHotiri, naMahazioti. |
| 5. | Ava vose vakanga vari vanakomana vaHemani muoni wamambo pamashoko aMwari; Mwari akapa Hemani vanakomana vane gumi navana, navakunda vatatu, kuzomusimbisa. |
| 6. | Ava vose vairairwa nababa vavo pakuimba kwavo paimba yaJehovha namakandira, nemitengeramwa, nembira, pabasa reimba yaMwari; Asafi, naJedhutuni, naHemani vairairwa namambo. |
| 7. | Ava vose, pamwechete nehama dzavo dzakanga dzadzidziswa kuimbira Jehovha, ivo vose vakanga vachigona kwazvo, vakasvika mazana maviri namakumi masere navasere. |
| 8. | Vakakanda mijenya kuzoratidzwa mabasa avo, kusina anodarikwa, vaduku pamwechete navakuru, navadzidzisi pamwechete navadzidzi. |
| 9. | Mujenya wokutanga waAsafi ukabata Josefa; wechipiri Gedharia; iye navanun’una vake vakanga vari gumi navaviri; |
| 10. | wechitatu Zakuri, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 11. | wechina Iziri, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 12. | weshanu Netania, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 13. | wetanhatu Bhukia, navanakomana vake, navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 14. | wechinomwe Jesharera, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 15. | worusere Jeshaya, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 16. | wepfumbamwe Matania, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 17. | wegumi Shimei, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 18. | wegumi nomumwe Azareri, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 19. | wegumi navaviri Hashabhia, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 20. | wegumi navatatu Shubhaeri, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 21. | wegumi navana Matitia, navanakomana vake, navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 22. | wegumi navashanu Jeremoti, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 23. | wegumi navatanhatu Hanania, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 24. | wegumi navanomwe Joshibhekasha, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 25. | wegumi navasere Hanani, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 26. | wegumi navapfumbamwe Maroti, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 27. | wamakumi maviri Eriati, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 28. | wamakumi maviri nomumwe Hotiri, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 29. | wamakumi maviri navaviri Gidhareti, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 30. | wamakumi maviri navatatu Mahazioti, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri; |
| 31. | wamakumi maviri navana Romamitiezeri, navanakomana vake navanun’una vake, gumi navaviri. |
| ← 1Chronicles (25/29) → |