| ← 1Chronicles (24/29) → |
| 1. | Zvino mapoka avanakomana vaAroni akanga akadai: vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriazari, naItamari. |
| 2. | Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa vasina vana, baba vavo vachiri vapenyu; saka Eriazari naItamari vakabata basa roupirisiti. |
| 3. | Dhavhidhi, pamwechete naZadhoki, mumwe wavanakomana vaEriazari, naAhimereki, mumwe wavanakomana vaItamari, vakakamura sezvavakanga vagoverwa mabasa avo. |
| 4. | Vakawana vakuru vazhinji pakati pavanakomana vaEriazari kupfuura pakati pavanakomana vaItamari; vakakamurwa kudai : Pakati pavanakomana vaEriazari kwakanga kuna vane gumi navatanhatu, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba; napakati pavanakomana vaItamari, nedzimba dzamadzibaba avo vakanga vari vasere. |
| 5. | Nokudaro vakakamurwa nemijenya, mumwe pano mumwe koko; nokuti kwakanga kuna machinda eimba tsvene, namachinda aMwari pakati pavanakomana valtamari. |
| 6. | Shemaya mwanakomana waNetaneri, munyori, akanga ari wavaRevhi, akavanyora pamberi pamambo, namachinda, nomupirisiti Zadhoki, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, navakuru vedzimba dzamadzibaba avapirisiti navaRevhi; vachitsaura mhuri imwe kuna Eriazari, nemhuri imwe kuna Itamari. |
| 7. | Zvino mujenya wokutanga wakabata Jehorayaribhi, wechipiri Jedheiya; |
| 8. | wechitatu Harimi, wechina Seorimi, |
| 9. | weshanu Marikiya, wetanhatu, Miyamini, |
| 10. | wechinomwe Hakozi, worusere Abhija; |
| 11. | wepfumbamwe Jeshua, wegumi Shekania; |
| 12. | wegumi nomumwe Eriashibhi, wegumi nemiviri Jakimi; |
| 13. | wegumi nemitatu Hupa, wegumi nemina Jeshebhiyabhi; |
| 14. | wegumi nemishanu Bhiriga, wegumi nemitanhatu Imeri; |
| 15. | wegumi neminomwe Heziri, wegumi nemisere Hapizeri; |
| 16. | wegumi nemipfumbamwe Petahia, wamakumi maviri Jehezekeri; |
| 17. | wamakumi maviri nomumwe Jakini, wamakumi maviri nemiviri Gamuri; |
| 18. | wamakumi maviri nemitatu Dheraya, wamakumi maviri nemina Maazia. |
| 19. | Ndiko kukamurwa kwavo pamabasa avo, kuti vapinde imba yaJehovha pavakanga varairwa napo naAroni baba vavo, sezvaakarairwa naJehovha Mwari walsiraeri. |
| 20. | Kana vari vamwe vanakomana vaRevhi, vanakomana vaAmirami: Shubhaeri; vavanakomana vaShubhaeri: Jedheiya. |
| 21. | VaRehabhia: vavanakomana vaRehabhia: Ishia mukuru. |
| 22. | Vavalzhari: Sheromoti; vavanakomana vaSheromoti: Jahati. |
| 23. | Vavanakomana vaHebhuroni: Jeria mukuru, naAmaria wechipiri, naJahazieri wechitatu, naJekemeami wechina. |
| 24. | Vanakomana vaUzieri: Mika; vavanakomana vaMika: Shamiri |
| 25. | Munun’una waMika: Ishia; vavanakomana vaIshia Zekariya. |
| 26. | Vanakomana vaMerari: Mari naMushi; vanakomana vaJazia: Bheno. |
| 27. | Vanakomana vaMerari: vaJazia: Bheno, naShohami, naZakuri, naIbhiri. |
| 28. | VaMari: Eriazari, wakanga asina vanakomana. |
| 29. | VaKishi: vanakomana vaKishi: Jerameeri. |
| 30. | Vanakomana vaMushi: Mari, naEdheri, naJerimoti. Ndivo vakanga vari vanakomana vaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo. |
| 31. | Naivo vakakandawo mijenya sehama dzavo, ivo vanakomana vaAroni pamberi pamambo Dhavhidhi, naZadhoki, naAhimereki, navakuru vedzimba dzamadzibaba dzavapirisiti navaRevhi; dzimba dzamadzibaba dzomukuru dzaiverengwa sedzomunun’una wake. |
| ← 1Chronicles (24/29) → |