1Chronicles (2/29)  

1. Ndivo vanakomana vaIsiraeri: Rubheni, naSimiyoni, naRevhi, naJudha, naIsakari naZebhuruni,
2. naDhani, naJosefa naBhenjamini, naNafutari, naGadhi, naAsheri.
3. Vanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera; vanakomana ava vatatu akavaberekerwa naBhatishua muKenani. Asi Eri, mwana wedangwe waJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha, akamuuraya.
4. Tamari mukadzi womwana wake, akamuberekera Perezi naZera. Vanakomana vose vaJudha vakanga vari vashanu.
5. Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.
6. Vanakomana vaZera: Zimiri, naEtani, naHemani, naKarikori, naDhara; vose vari vashanu.
7. Vanakomana vaKarimi: Akari, mutambudzi walsiraeri, wakatadza pachinhu chakanga chakayeriswa.
8. Vanakomana vaEtani: Azara.
9. Vanakomanawo vaHezironi, vaakaberekerwa: Jerameeri, naRami, naKerubhai.
10. Rami akabereka Aminadhabhu, Aminadhabhu akabereka
11. Nashoni, muchinda wavana vaJudha; "Nashoni akabereka Sarima, Sarima akabereka Bhoazi;
12. Bhoazi akabereka Obhedhi, Obhedhi akabereka Jese;
13. Jese akabereka mwana wake wedangwe Eriabhi, tevere Abhinadhabhu wechipiri, naShimea wechitatu;
14. naNetaneri wechina, naRadhai weshanu;
15. naOzemi wetanhatu, naDhavhidhi wechinomwe.
16. Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vaZeruya: Abhishai, naJoabhu, naAsaheri, vatatu.
17. Abhigairi akabereka Amasa; baba vaAmasa vaiva Jeteri muIshimaeri.
18. Karebhu mwanakomana waHezironi akaberekerwa vana nomukadzi wake Azubha, uye naJerioti; ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri, naShobhabhi, naAridhoni.
19. Azubha akafa, Karebhu akawana Efurata, wakamuberekera Huri.
20. Huri akabereka Uri, Uri akabereka Bhezari.
21. Shure kwaizvozvo Hezironi akapinda kumukunda waMakiri baba vaGiriyadhi, waakawana asvika makore ana makumi matanhatu; iye akamuberekera Segubhi.
22. Segubhi akabereka Jairi, akanga ana maguta ana makumi maviri namatatu panyika yeGiriyadhi.
23. Geshuri naArami vakatorera vaJairi maguta avo, pamwechete neKenati nemisha yaro, maguta ana makumi matanhatu. Ava vose vaiva vanakomana vaMakiri baba vaGiriyadhi.
24. Zvino Hezironi akati afa paKarebhiefirata, Abhija mukadzi waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.
25. Vanakomana vaJerameeri, mwanakomana wedangwe waHezironi, vaiva, Rami wedangwe, naBhuna, naOreni, naOzemi, naAhija.
26. Zvino Jerameeri akanga anomumwe mukadzi, ainzi Atara; iye akanga ari mai vaOnami.
27. Vanakomana vaRami, wedangwe waJerameeri, vaiva Maazi, naJamini, naEkeri.
28. Vanakomana vaOnami vaiva Shamai, naJadha. Vanakomana vaShamai: Nadhabhi naAbhishuri.
29. Zita romukadzi waAbhishuri raiva Abhihairi; iye akamuberekera Abhani, naMoridhi.
30. Vanakomana vaNadhabhi: Seredhi, naApaimi; asi Seredhi akafa asina vana.
31. Vanakomana vaApaimi: Ishi. Vanakomana vaIshi: Sheshani. Vanakomana vaSheshani: Arai.
32. Vanakomana vaJadha, munun’una waShamai: Jeteri, naJonatani; Jeteri akafa asina vana.
33. Vanakomana vaJonatani: Pereti naZaza. Ndivo vaiva vanakomana vaJerameeri.
34. Zvino Sheshani akanga asina vanakomana, asi vanasikana. Sheshani akanga ano muranda, muIjipiti, ainzi Jara.
35. Sheshani akapa Jara muranda wake mukunda wake ave mukadzi wake; iye akamuberekera Atai.
36. Atai akabereka Natani, Natani akabereka Zabhadhi;
37. Zabhadhi akabereka Efirari, Efirari akabereka Obhedhi;
38. Obhedhi akabereka Jehu, Jehu akabereka Azaria;
39. Azaria akabereka Herezi, Herezi akabereka Ereasa;
40. Ereasa akabereka Sisimai, Sisimai akabereka Sharumi;
41. Sharumi akabereka Jekamia, Jekamia akabereka Erishama.
42. Vanakomana vaKarebhu munun’una waJerameeri, vaiva Mesha dangwe rake, akanga ari baba vaZifi; navanakomana vaMaresha baba vaHebhuroni.
43. Vanakomana vaHebhuroni: Kora, naTapua, naRekemi, naShema.
44. Shema akabereka Rahami, baba vaJorikeami; Rekemi akabereka Shamai.
45. Mwanakomana waShamai akanga ari Maoni; Maoni akanga ari baba vaBhetizuri.
46. Efa murongo waKarebhu, akabereka Harani, naMoza, naGazezi; Harami akabereka Gazezi.
47. Vanakomana vaJadha: Regemi, naJotamu, naGeshani, naPereti, naEfa, naShaafi.
48. Maaka, murongo waKarebhu, akabereka Shebheri naTirihana.
49. Iye akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana, Shevha baba vaMakibhena, nababa vaGibhiya; mukunda waKarebhu akanga ari Akisa.
50. Ndivo vanakomana vaKarebhu: Mwanakomana waHuri, wedangwe waEfurata: Shobhari baba vaKiriati-jearimi;
51. Sarima baba vaBheterehemu, Harefi baba vaBhetigadheri.
52. Shobhari baba vaKiriati-jearimi akanga ana vanakomana: Haroe, nehafu yorudzi rwavaMenuhoti.
53. Marudzi aKiriati-jearimi: Valtiri, navaPuti, navaShumati, navaMishirai; kwavari ndiko kwakabva vaZorati navaEshitaori.
54. Vanakomana vaSarima: Bheterehemu, navaNetofati, Atirotibhetijoabhi, nehafu yorudzi rwavaManahati, navaZori.
55. Uye marudzi avanyori, aigara paJabhezi: VaTirati, vaShimeati, navaSukati. Ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

  1Chronicles (2/29)