← 1Chronicles (16/29) → |
1. | Vakapinza areka yaMwari, vakaiisa pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; vakabayira pamberi paMwari zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa. |
2. | Zvino Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha. |
3. | Akapa mumwe nomumwe wavaIsiraeri, murume nomukadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nebundu ramazambiringa. |
4. | Akagadza vamwe vaRevhi, kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, nokurumbidza, nokuvonga, nokukudza Jehovha Mwari waIsiraeri; |
5. | mukuru waiva Asafi, tevere Zekariya, naJeyieri, naShemiramoti, naJehieri, naMatitia, naEriabhi, naBhenaya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, vane mitengeremwa nembira; Asafi airidza kwazvo makandira. |
6. | Bhenaya naJahazieri ndivo vairidza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari. |
7. | Zvino nezuva iro Dhavhidhi akatanga kuraira kuti vavonge Jehovha nomuromo waAsafi nehama dzake: |
8. | Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu. |
9. | Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa. |
10. | Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo. |
11. | Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose. |
12. | Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake. |
13. | Imi vana vaIsiraeri, muranda wake, Imi vana vaJakobho vasanangurwa vake. |
14. | Ndiye Jehovha Mwari wedu, Zvaakatonga zviri pasi pose. |
15. | Rangarirai sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru; |
16. | Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka; |
17. | Akazvisimbisira Jakobho, kuti ave mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi; |
18. | Achiti, "Ndichakupa iwe nyika yeKenani, uve mugove wenhaka yenyu;" |
19. | Panguva imi muchiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo vashoma kwazvo, navatorwa mairi. |
20. | Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kunavamwe vanhu. |
21. | Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo wakatuka madzimambo nokuda kwavo; |
22. | Achiti, "Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa." |
23. | Imbirai Jehovha, pasi pose; Paridzirai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe, |
24. | dudzirai kubwinya. kwake. akati pavahedheni, Namabasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose. |
25. | Nokuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Iye anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose. |
26. | Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha ndiye akaita kudenga-denga. |
27. | Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nomufaro zviri panzvimbo yake; |
28. | Ipai Jehovha, imi ndudzi dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba. |
29. | Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, uyai pamberi pake; Namatai kuna Jehovha mune nguvo tsvene. |
30. | Dedera pamberi pake, nyika yose Nyikawo yakasimbiswa kuti irege kuzununguswa. |
31. | Kudenga-denga ngakufare, napasi ngapafarisise; Pakati pendudzi ngavati, "Jehovha anobata ushe." |
32. | Gungwa ngaritinhire, nokuzara kwaro; Sango ngarifarisise kwazvo, nezvose zviri mariri; |
33. | Nguva iyo miti yedondo ichaimba nomufaro pamberi paJehovha; Nokuti anouya kuzotonga pasi. |
34. | Vongai Jehovha; nokuti akanaka; Nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi. |
35. | Muti, "Tiponesei, Mwari woruponeso rwedu, Mutiunganidze pamwechete, mutirwire pandudzi, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai." |
36. | Jehovha Mwari walsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose vakati, "Ameni," vakarumbidza Jehovha. |
37. | Zvino akasiyapo pamberi peareka yesungano yaJ ehovha Asafi nehama dzake, kuti vashumire pamberi peareka nguva dzose, sezvakafanira zuva rimwe nerimwe; |
38. | naObhedhi-Edhomu nehama dzavo, makumi matanhatu navasere; naObhedhi-Edhomuwo mwanakomana waJedhutuni, naHosa, kuti vave vatariri vemikova; |
39. | nomupirisiti Zadhoki, nehama dzake vapirisiti, pamberi petabhenakeri yaJehovha padunhu rakakwirira rakanga riri paGibhiyoni; |
40. | kuti vabayire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namadeko, paaritari yezvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa zvose mumurayiro waJehovha, waakaraira Isiraeri; |
41. | uye pamwechete navo Hemani naJedhutuni navamwe vakatsaurwa, vakanga varehwa mazita avo, kuti vavonge Jehovha; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi; |
42. | uye pamwechete navo Hemani naJedhutuni vane hwamanda namakandira, zvaifanira kuridzwa navaridzi, uye zvokuridzira nziyo dzaMwari; uye vanakomana vaJedhutuni kuti vatarire suo. |
43. | Vanhu vose vakaenda mumwe nomumwe kumba kwake; Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. |
← 1Chronicles (16/29) → |